Matongerwe Enyika—Rutivi Rwebasa reEvhangeri Here?
MUKUWIRIRANA naJoachim Meisner, bhishopi mukuru weCologne neaichimbova mukuru worudzidziso akakurumbira weEast Germany, “kuwa pakutenda kudana zvamatongerwe enyika kuti zvakashata, basa iro munhu anosvipisa naro maoko ake.” Mubvunzurudzo ya 1989, iye akati: “Matongerwe enyika chinhu chaichoicho choupenyu uye naizvozvo rutivi rwebasa redu reevhangeri. Tinofanira kutarisana nekokero yacho. Nenzira yakananga, tinofanira kupinda musangano riri rose rezvamatongerwe enyika, kuvambira mumibatanidzwa yebasa namasangano kusvikira kumabato ezvamatongerwe enyika, tichitanga muaya masangano namabato nheyo yerevo yechiKristu umo vanhu vamwe navamwe vanogona kubuda kuti vatungamirire mukusimudzira matongerwe enyika eGermany neEurope.”
Kunokorwa kwamashoko kunotevera kunobva muFrankfurter Allgemeine Zeitung, pepanhau guru reGermany, kunoratidza kuti vakuru vorudzidziso veEurope—vose vari vaviri veKaturike nevePurotestendi—vanogoverana murangariro waMeisner.
“Mazuva matanhatu bedzi pashure pokusarudzwa kwake [October 1978], iye [papa] akazivisa kuti sowokuEast Europe iye aisada kugamuchira mugariro waivapo muEurope. . . . Vamwe vakakurangarira kuva mharidzo, asi yakanga iri gadziriro yezvematongerwe enyika.”—November 1989.
“Mune dzimwe nzvimbo [muCzechoslovakia] chechi yakawana rukudzo rukuru somutungamiriri mukupidigura. Vadzidzi vapachikoro chavaprista muLitomĕr̆ice, taundi rechechi rokuchamhembe reBohemia, . . . vakatungamirira kupandukira kusina masimba masimba kwaNovember.”—March 1990.
“Munyengetero wevhiki nevhiki worugare muChechi yeNikolai ye[Purotestendi], uyo kwamakore gumi wakakweva ngwariro duku, kamwe kamwe wakava chiratidzo gore rino chokumukira, chorupandukiro rune rugare muGDR [German Democratic Republic]. . . . Vakuru vorudzidziso vasingaverengeki navanhuwo zvavo veungano nguva dzose vanotora rutivi muratidziro dzakaitwa pashure.”—December 1989.
Mubvunzurudzo yake Archbishop Meisner akatiwo: “Hatigoni kumirira vezvamatongerwe enyika vechiKristu kudonha kubva kudenga. . . . Handitongoneti kukurudzira maKristu maduku . . . kuti abatanidzwe muupenyu hwezvamatongerwe enyika [kana kuti hwo] . . . kuudza vagari vemo vakuru, kuti: Hamufaniri kubvumira sarudzo kupfuura musingabatanidzwi.”
Naizvozvo, mitezo 19 yeEast German Volkskammer (paramendi) yakavhoterwa kushanda mubasa muna March 1990 yakanga iri vakuru vorudzidziso. Rudzidziso rwakasanomirirwawo mudare. Nezvomumwe wavakuru varo vorudzidziso vatatu, Gurukota Rezvokuzvidzivirira Rainer Eppelmann, mushori wehondo anobvumwa, pepanhau Nassauer Tageblatt rakanyora, kuti: “Vazhinji vanomurangarira somumwe wamadzibaba okupandukira kune rugare.”
Zvapupu zvaJehovha muEastern Europe, zvinosvika mumazana ezviuru, zvinofarira sununguko yorudzidziso yakawedzerwa yazvinayo zvino. Asi hazvisati zviri kuishandisa kuti zvibatanidzwe mukakavadzano dzezvamatongerwe enyika kana kuti dzenzanga. Mutsinhirano nebasa reevhangeri rinotaurwa pana Mateo 24:14, zviri kutevera muenzaniso waJesu wokudzivisa matongerwe enyika avanhu, nguva yose zvichiparidzira nokushingaira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwomunhu. Vakuru vorudzidziso vechiKristudhomu—mungave muEastern Europe kana kuti kune imwe nzvimbowo zvayo—vaizova vakachenjera kuita zvakafanana.—Johane 6:15; 17:16; 18:36; Jakobho 4:4.