RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 4/1 pp. 3-4
  • Rwakanga Rwuri Pashure Kupfuura Zvavaifunga!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rwakanga Rwuri Pashure Kupfuura Zvavaifunga!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Jeremia—Muporofita Asingadikanwi Wamarutongeso aMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 24—Jeremia
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJeremiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • “Handigoni Kuramba Ndakanyarara”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 4/1 pp. 3-4

Rwakanga Rwuri Pashure Kupfuura Zvavaifunga!

GORE racho, 609 P.N.V. Nzvimbo yacho, Jerusarema. Mutauri wacho, Jeremia muporofita. Iye akadeya kutaura ruparadziko rweguta rake dzvene rinodiwa, Jerusarema, ruparadziko rwaizouya nemhaka yokuti vaJudha vakanga vafuratira Jehovha uye vakanga vazvipinza vamene mukunamatwa kwavamwari venhema. Vaibatikana mukunamata vatano kwakaipa panzvimbo dzakakwirira, vaipa zvipiriso zvinonwiwa kuvamwari vechihedheni, vainamata zuva nomwedzi nenyeredzi, vaipisira zvinonhuwira kuna Bhaari, uye vaibaira vana vavo kuna Moreki.—1 Madzimambo 14:23, 24; Jeremia 6:15; 7:31; 8:2; 32:29, 34, 35; Ezekieri 8:7-17.

Mumeso avo Jeremia akanga ari muzivisi wengwavaira, munyanyisi, mupandukiri wechinhu chiri chose nomunhu ari wose. Kwamakore 38 Jeremia akanga ave achivanyevera; kwamakore 38 vagari veJerusarema vakanga vave vachimunyomba. Kusvikira panguva ino, vanhu vakanga vave vachiramba Jehovha, vachiti akanga asiri simba rokuitira hanya. Ivo vaiti: “Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa” uye, “Jehovha wakabva panyika, Jehovha haaoni.”—Zefania 1:12; Ezekieri 9:9.

Vaporofita Jeremia naEzekieri vakanga vave vachiparidzira ruparadziko rweJerusarema, asi hapana chinhu chakanga chaitika. Naizvozvo vaIsraeri vakabvisa kuzadzikwa kwechiono chipi nechipi chakadaro muzuva ravo, vachiti: “Mazuva anoramba achiwedzerwa, asi zvakaoneswa zvose hazviitiki.” Asi mhinduro yaJehovha kuna ikoku yaiva yokuti: “Mazuva ava pedyo . . . Nokuti ndini Jehovha; ndichataura, neshoko randichataura richaitika, haringazononotswi; nokuti pamazuva enyu, iwe imba inondimukira simba, ndichataura shoko nokuriitawo.”—Ezekieri 12:22-25.

Muna 609 P.N.V., nguva yakanga yasvika yokuti Jehovha azadzike shoko rake. Pashure pokunge Jeremia ave achizivisa nyevero kwaanodokusvika makore ane makumi mana, guta reJerusarema rakakombwa nehondo dzeBhabhironi. Mwedzi gumi nemisere gare gare masvingo akapwanywa, tembere yakapiswa, uye vazhinjisa vavanhu vacho vakapinzwa muutapwa kuBhabhironi. Sezvakadeya kutaurwa, guta racho rakaparadzwa nomunondo nenzara nenhenda.—2 Madzimambo 25:7-17; 2 Makoronike 36:17-20; Jeremia 32:36; 52:12-20.

Jeremia akanga akarurama. Vanhu vacho vakanga vasina kururama. Rwakanga rwuri pashure kupfuura zvavaifunga! Chiono chacho chakanga chisiri chamakore ari kure. Chakanga chiri chezuva ravo.

Iyi haisati iri nhauwo zvayo. Chakaitika kuJerusarema chaiva chouporofita. Chakadeya kufananidzira chimwe chinhu chaizouya. ChiKristudhomu chomuzuva razvino chinotora zita raKristu uye chinotaura kuti chiri muukama hwesungano naMwari; bva icho chinofamba mumakwara avagari veJerusarema rekare. Zvikurukuru, chechi dzechiKristudhomu dzinodzidzisa dzidziso dzechihedheni, dzakashatiswa noutere hwevatano, dzinotsigira mazano ezvamatongerwe enyika, dzinotsigira hondo dzenyika, dzinogamuchira mhindumupindu ndokuisa Mwari parutivi soMusiki, dzinofuratira kubairwa kwamamirioni avasati vaberekwa paatari yekodzero, uye kazhinji kazhinji dzinogamuchira uzivi hwavanhu, dzichiti Bhaibheri ingano norungano.

Sezvo vanhu veJerusarema vakanyomba Jeremia, naizvozvo chiKristudhomu chinonyomba Zvapupu zvaJehovha nhasi. Nyevero yeZvapupu yoruparadziko rwuri kuuya paArmagedhoni inorambwa seisina maturo. ‘Mwari haafariri pasi,’ chinodaro chiKristudhomu. ‘Ngaatarisire denga; isu tichatarisira pasi. Uye kana Armagedhoni ikauya, haisati ichizova muchizvarwa chedu. Takanzwa nhau iyoyo kare. Hatisati tichizonyengerwa naikoko!’

Ikoku kuchava kudzokororwa kwenhau here? Ichava imwe nguva here apo mamirioni achawana kuti rwakanga rwuri pashure kupfuura zvavaifunga?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe