RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 11/15 pp. 27-28
  • “Mukufora Kworukundo”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mukufora Kworukundo”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kuparadzira Kunhuhwira Kwezivo yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 11/15 pp. 27-28

“Mukufora Kworukundo”

KUFORA kworukundo kwakanga kuri chengeto inoshamisa yorukundo pamuvengi. Rumwe rworuremekedzo rukurusa Hurumende yeRoma yaipa pamutungamiriri wehondo anokurira kwakanga kuri kumubvumira kuchengeta rukundo rwake nokufora kwomuitiro, kunodhura kwakadaro. Muapostora Pauro akadudza kaviri kufora kworukundo mumanyoro ake. Tisati tarangarira mashoko ake, zvisinei, edza kuisa muchiono kufora kwakadaro. Fungidzira mapoka ari kufamba mumigwagwa sezvo kunofamba zvishoma nezvishoma muVia Triumphalis uye kukwira mukwidza unomonereka kuenda kutembere yaJupita pamusoro peCapitoline Hill yeRoma.

“Hwema hwakanaka hunobva muzvinonhuwira zvinotsva hwaiparadzirwa zvikuru mutembere uye mumigwagwa, huchizadza mweya nokunhuhwira kwahwo,” yakanyora kudaro nyanzvi James M. Freeman. “Mukufora maiva nedare ramakurukota navagari vemo vakuru vehurumende, avo nokudaro kupfurikidza nokuvapo kwavo vaikudza mukundi. Zvakapambwa zvakapfuma zvikurusa zvehondo, zvakadai sendarama, sirivha, zvombo zverondedzero iri yose, mireza, mabasa echienzi naanodhura ounyanzvi, uye chinhu chiri chose chairangarirwa kuva chinokosha zvikurusa nomukundi kana kuti navakundwi, zvaitakurwa zvichionwa neguta rakatsvikinyidziranwa navanhu. Vasungwa vehondo vaimanikidzirwawo kufora mukufora. Mutungamiriri wehondo, ane rukudzo rwakarairirwa rukundo, aikwira mungoro yakanga iri yechimiro chechienzi ndokudhonzwa namabhiza mana. Chipfeko chake chakanga chakanyerenyetedzwa nendarama, uye chuniki yake namaruva. Murudyi rwake makanga mune bazi romuti, uye muruboshwe rwake mudonzvo; apo pahuma pake pakanga pane chiremba chomuti weDelphi. Pakati pokudanidzira kwavarwi nokuombera maoko kwavanhuwo zvavo mukuriri aitakurwa mumigwagwa achienda kutembere yaJupita, uko zvibairo zvaipiwa, pashure pazvo kwakanga kune madyo avose mutembere.”

Pauro akashandisa kufora kworukundo nenzira yokufananidzira apo akanyora tsamba yake yechipiri kumaKristu omuKorinte mugore ra 55 reNguva yedu yaVose. Iye akati: “[Kuonga ngakuve kuna Mwari uyo nguva dzose anotitungamirira mukufora kworukundo pamwe chete naKristu, NW], unoratidza nesu kwose kwose hwema hwokuziva kwake. Nokuti isu tiri hwema hwakanaka hwaKristu kuna Mwari, pakati paivo vanoponeswa navanoparara. Kuna vamwe tiri hwema hworufu hunoisa kurufu; kuna vamwe hwema hwoupenyu hunoisa kuupenyu.”—2 VaKorinte 2:14-16.

Pano Pauro namamwe maKristu akazodzwa vanoratidzirwa savadzorwi vanozvipira vaMwari, “pamwe naKristu.” Ivo vanoratidzirwa savanakomana, vakuru vakuru, uye varwi vanotevera mumutsara waJehovha nokutungamirirwa naye mukufora kworukundo munzira yakaitwa kuti inhuwire. (Ona Nharireyomurindi, July 15, 1990, mapeji 10-15.) Uku kushandiswa kwokuratidzira kwokufora kwakadaro kunoratidzirawo kuti avo vanoramba mashoko akanaka oUmambo hwaMwari vanongova bedzi nekariro yorufu. Asi kwakasiana sei nokuda kwavateveri vakazodzwa vaJesu! Ivo vane kariro yoruponeso kuupenyu hwokudenga husingafi naKristu. Uye zvakadiniko nezveshamwari dzavo dzakavimbika, dzakazvitsaurirawo kuna Mwari? Ivo vane kariro inofadza youpenyu muparadhiso yapasi, umo Mwari “achapukuta musodzi uri wose pamaziso avo, uye rufu harusati ruchizovapozve uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti marwadzo hazvisati zvichizotongovamozve.” (Zvakazarurwa 21:1-4, NW; Ruka 23:43) Iwe uri rutivi rweiri boka rinofara here?

Mufananidzo wakasiana unoratidzirwa pana VaKorose 2:15, apo Pauro akanyora, kuti: “Akaparadza vabati namasimba, [Mwari] akavabudisa pachena, [achivatungamirira mukufora kworukundo kupfurikidza naro, NW].” Pano hurumende vavengi nezviremera zviri pasi paSatani Dhiabhorosi zvinoratidzirwa senhapwa navasungwa mukufora kworukundo. Jehovha Mukundi anozviparadza uye anozviratidzira pachena savakundwi. Ivo vanokundwa “naro,” ndiko kuti, “danda rokutambudzira” raJesu. Rufu rwake padanda rwakagovera hwaro hwokubvisa “rugwaro rwakanyorwa noruoko” (sungano yoMutemo) ndokuita kuti kubvirire maKristu kusunungurwa muutapwa kumasimba ousatani erima. (VaKorose 2:13, 14) Tinofanira kuonga sei rusununguko rwechiKristu rwakadaro!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe