“Miraidzo Yokurera Mwana Anofara Naanobudirira”
PASI pouyu musoro, magazini inonzi Medical Aspects of Human Sexuality yakabudisa nyaya umo Dr. Irene Jakab, purofesa wapayunivhesiti wokushanda kwendangariro, akaonesa icho akarangarira kuti chiri madikanwa kana mwana achizorerwa kuva mukuru anobudirira. Pakati pezvinhu zve“miraidzo” yake pakanga pane kudikanwa kwokuti vabereki vade mwana wavo, kumutungamirira pamusoro pechiri chakarurama nechisina kururama, uye kumurovedza mukuita zvisarudzo. Iye akarangarira kuti “miraidzo” inofanira chaizvoizvo kusabatanidza kukurumidza kushatirwa kwavabereki, kuda zvakakwana, kunyanyofunganya, kana kuti madiro.
“Miraidzo” Dr. Jakab yakanaka chose sezvayakaita. Zvamazvirokwazvo, zviuru zvamakore zvapfuura, Bhaibheri rakapa zano rakafanana kuvabereki. (Ona, somuenzaniso, Zvirevo 4:1; 13:24; 22:6; VaKorose 3:21.) Zvisinei, Bhaibheri rinobatanidza chimwe chinhu icho Purofesa Jakab akasiya: ukoshi hunokosha hwokudzidzisa vana kuda Musiki wavo ndokuva vakarovedzana neShoko rake. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Imi, madzibaba, musatsamwisa vana venyu asi pfuurira kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4, NW; Dheutoronomio 6:4-7.
Pasina rovedzo yakadaro, vana vangasanokura vasina chengeteko yetsika. Muuyo ungagona kuva une ngwavaira munyika ino ine utere neyakashata.