Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Mashoko Akanaka Anobva Norway
ZVINOITIKA zvakaisvonaka zvakawanda zviri kuva navazivisi voUmambo vanopfuura 9 500 vamashoko akanaka muNorway. Vane mwoyo wakatendeseka vanoziva shoko reBhaibheri rinoziviswa neZvapupu zvaJehovha sezvokwadi nemhinduro kuminyengetero yavo, sezvinocherechedzwa muzvinoitika zvinotevera.
◻ Vamwe varoorani vaduku vakanyengetera kuna Mwari kuti avabetsere kuwana donzo muupenyu. Vhiki rimwe gare gare Zvapupu zvaJehovha zvakashanya, uye mudzimai akazvikoka kupinda. Murume akanga anyeverwa pamusoro peZvapupu, naizvozvo akabuda kunze kwemba kundogeza motokari yake. Mudzimai akaberekerwa muLebanon uye aiva nechinetso chomutauro, naizvozvo Zvapupu zvakamuratidza zita raJehovha muBhaibheri rake rechiArabhu. Mavhiki maviri gare gare Zvapupu zvakadzokera, uye murume akabudazve kunze kundogeza motokari yake. Zvapupu zvakakumbira mudzimai kana aifunga kuti murume wake angagona kuvapo nguva inotevera yazvinouya kuti agogona kuturikira, uye akavimbisa kumukumbira.
Pashanyo yechitatu, motokari yakanga yakachena kwazvo zvokuti murume haana kunzwa kuti aigona kuishandisa sepembedzo yokuenda, naizvozvo akagara ndokubvunza mibvunzo inoverengeka kuti awane musiano pakati peZvapupu nechechi yeHurumende. Shanyo yacho yakagara maawa matatu, uye bhurocha rakagoverwa varoorani vacho. Apo Zvapupu zvakaenda, mudzimai akaenda kunorara asi murume akatanga kurava bhurocha, achitarira magwaro ose. Pakati pousiku akamutsa mudzimai wake ndokuti: “Unofanira kurava izvi.” Iye akamuka, uye ivo vakarava pamwe chete kutozosvikira panguva yechishanu mumangwanani. Vachiziva kuti vakanga vawana zvokwadi, vakachema nomufaro ndokunyengetera kuna Jehovha, vachishandisa zita rake. Fundo yeBhaibheri yenguva dzose yakatangwa navo, uye ivo vakavamba kupinda misangano. Iye akarega basa rake nehondo, uye ivo vakabuda muchechi ndokurega kusvuta. Ivo zvino vakabhapatidzwa uye vanobatira Jehovha nomufaro pamwe chete nehama dzavo nehanzvadzi munyika yose.
◻ Hanzvadzi mbiri dzaiva muushumiri hwadzo hwapaimba neimba muNorway dzakasangana nomumwe mukadzi akaratidza fariro. Iye akavakoka kudzoka ndokukumbira kana aigona kukoka vamwe vakadzi. Pashanyo yakatevera, vamwe vakadzi vana vakanga varipo. Mumwe wavo akanga achishingaira zvikuru muchechi. Akataura kuti chibviro chaapo akanga ari muduku, akanga achida kuteerera murairo waJesu wokuita vadzidzi. Ikoku kwakanga kwamutungamirira kuAfrica nomurume wake pagadziriro yebetsero yokumwe. Vakadzi vose vaiva nemibvunzo yakawanda, uye kwakarongwa kuti hanzvadzi dzaizovashanyira mavhiki maviri ari wose. Vavakidzani vatsva vakakokwa, uye vamwe vakapfuurira kuuya apo vamwe vakarega kupinda, asi mutezo unoshingaira wechechi wakanzwisisa kuti akanga achidzidza zvokwadi. Rimwe zuva, apo mufundisi wechechi yake akataura kuti aizotsigira hondo uye kuti aidavira dzidziso yoUtatu, akabuda muchechi. Akatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha uye nokukurumidza akavamba kugoverana mubasa rokuparidzira. Nokukurumidza pashure paikoko akabhapatidzwa. Pakupedzisira zvino, pashure pamakore 30, anogona kufarira kuteerera zvirokwazvo murairo waJesu wokuita vadzidzi.—Mateo 28:19.
Jehovha ari kukomborera hama dzomuNorway mubasa radzo rinoyera pamwe chete naavo vanoteerera mashoko akanaka!