Nemhaka Yokuti Akanyengetera
PANA 1 VaTesaronika 5:17, 18, muapostora Pauro akati: “Rambai muchinyengetera. Ongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.” Zvisinei, ko iwe pane dzimwe nguva unozviwana umene uchizengurira kupa kuonga pakufarikanya zvokudya munzvimbo yapachena, zvakadai seimba yokudyira here? Nemhaka yenyevero yaJesu pamusoro pomunyengetero wokuzvitutumadza, kunonzwisisika kuti munhu angashuva kudzivisa kukwevera ngwariro isakafanira kwaari amene. (Mateo 6:5, 6) Kunyanguvezvo, munyengetero unopiwa nenzira yokungwarira ungasanokweva cherechedzo yakanaka.
Ichi chakanga chiri chinoitika chomushumiri mumwe muduku anobatira paBheteri yeBrooklyn, dzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha. Iye akanga achidya chisvusvuro paimba yokudyira, achironga kuenda kuungano yake yomunzvimbomo ndokusangana neboka raizova richitora rutivi mumubato wokuparidzira Umambo. Apo chisvusvuro chake chakasvika, akapa munyengetero nomutoo wake wenguva dzose. Pakuzarura meso ake, iye akatarira ndokuwana mupereti akamira ipapo akatarira kwaari.
“Uri kunyengetera, hauzi here?” akabvunza kudaro. Apo akapindura kuti hungu, akati: “Unofanira kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Vabereki vangu varivo. Handina chaizvoizvo kutongobatanidzwa murudzidziso rwavo, asi ndinoziva kuti ndinofanira. Zvimwe ndinofanira kuwana kuzvinyoresa kweNharireyomurindi naMukai! muchiNgezi. Ndinogona kuzviwana kwauri here?”
“Ndakadokudzipwa nezvokudya,” hama duku inoyeuka kudaro. Kunyanguvezvo, akakwanisa kumugovera kuzvinyoresa kuviri namagazini maviri azvino uno nokuronga shanyo yedzokerero—zvose nemhaka yokuti akanyengetera.