RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 6/15 p. 31
  • “Pashure Pezvo Akapawo Mumwe Kumurume Wake”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Pashure Pezvo Akapawo Mumwe Kumurume Wake”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 6/15 p. 31

“Pashure Pezvo Akapawo Mumwe Kumurume Wake”

KO Adhama aivapo here apo nyoka yakataura kuna Evha ndokumunyengera kupinda mukupandukira Mwari? Bhaibheri harisati richiratidzira ikoku. Genesi 3:6 (NW), inoshuma kuti Evha “akavamba kutanha muchero wawo ndokuudya. Pashure pezvo akapawo mumwe kumurume wake paakanga anaye.” Zvisinei, dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinopa murangariro wakasiana. King James Version inoshandura rugwaro rwacho sezvinotevera: “Iye akatora muchero wawo, uye akadya, uye akapawo murume wake aiva naye; uye iye akadya.”

Chiito chechiHebheru chinoshandurwa sa“akapa” chiri muchiito chisingaratidzi nguva uye chakabatanidzwa nechimiro chaicho cha“uye” chinobatanidza [chiHebheru, waw], nokudaro kuratidzira nhevedzano yechinguvana kana kuti ine mufungo. Naizvozvo, New World Translation inoshandura kuoneka kunoverengeka kwawaw, uko kunobatanidza nhevedzano yezvinoitika muna Genesi 3:6, kwete bedzi na“uye” asiwo namamwe mashoko anochinja, zvakadai sa “somuuyo,” “naizvozvo,” uye “pashure pezvo.” New World Translation nokudaro ine hwaro hwakasimba hwokushandura kuri pamusoro apa.

Ko Adhama angadai akacherechedza zvake kurukurirano pakati pomudzimai wake nenyoka, achiteerera nhema nokutaura kunochera kwomupanduki asingaoneki aiva shure kwenyoka here? Nenzira inofadza, nyanzvi yeBhaibheri yeGermany J. P. Lange inoramba uyu mufungo uye iye anotsinhira, kuti: “Kuvapo kwomurume mukati mechiito chomuedzo, kunyange kuramba kwake akanyarara, hakutongofungidziriki.” Uye mukutsanangura chitsama chamashoko chokuti “aiva naye,” mutsinhiri wechiJudha B. Jacob anodudza kuti “hachisati [chichireva] akanga akamira naye (mukati mechiito chakapfuura kana kuti achidya).”

Kurukurirano yaEvha nenyoka yakazivisa kuti murume wake akanga amuzivisa pamusoro pomurairo waMwari wokusadya pamuti. (Genesi 3:3) Naizvozvo somusoro waEvha, Adhama akanga aita mutoro iwoyo. Dhiabhorosi akafuratira gadziriro yaMwari youmusoro uye nenzira yokuchenjera akashandisa idi rokuti Evha akanga ari oga. Iye gare gare akapindura, achiti: “Nyoka—yakandinyengera naizvozvo ndakadya.” (Genesi 3:13, NW) Evha akanyengerwa nemhaka yokuti akadavira nhema, asi ikoku hakuna kururamisa kudarika kwake. Uyu muenzaniso unonyevera unoratidzira kuti hatitongogoni kuva nepembedzo yokuita chimwe chinhu chakaipa mumeso aMwari.—1 Timotio 2:14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe