RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 5/1 p. 29
  • “Isu Zvino Tine Horo yoUmambo Yedu Timene”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Isu Zvino Tine Horo yoUmambo Yedu Timene”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 5/1 p. 29

“Isu Zvino Tine Horo yoUmambo Yedu Timene”

ZVAKAWANDA zvakabudiswa pamusoro peHoro dzoUmambo dzakavakwa nokukurumidza munyika dzakadai seGreat Britain, Canada, uye United States. Rinozivikanwa zvishoma, zvisinei, iidi rokuti nzvimbo dzinovakwa nokukurumidza dzokunamatira dzeZvapupu zvaJehovha dzakavakwa kwamakumi amakore munyika dzinonzi dziri kubudirira.

Munyika dzeAfrica Zvapupu zvomunzvimbomo kazhinji kazhinji zvinovaka nzvimbo dzechinguvana dzekokorodzano dzoruwa mumavhiki mashomanene. Idzodzi dzakabatira kwete bedzi senzvimbo dzemisangano nohuvando pazuva romunzvimbo dzinopisa dzapasi asiwo senzvimbo dzokugara dzenhume. Zvinoitika zvakafanana zvinogona kutaurwa pamusoro peCentral America.

Somuenzaniso, muGuatemala City, Guatemala, mupiro we$450 wakatumirwa kuVivibien Ungano yeZvapupu zvaJehovha. Apo chimwe Chapupu chomunzvimbomo chakapa chikamu chenzvimbo munharaunda yomuruwa, Zvapupu zvakasarudza kushandisa mupiro wacho kuvaka chivako chine mwero icho chaigona kushandiswa nokuda kwemisangano yazvo.

Masengere aifanira kushandiswa nokuda kwedandira kusvikira paurefu hwamamita 1,5; pamusoro pairoro pakanga pane nzvimbo inopinda mhepo. Kwakasarudzwa kuti chivako chacho chinofanira kuva namamita 4 okufara namamita 6 okureba muukuru. Apo vakuru veungano vakashanyira nzvimbo yacho, kukushamiswa kwavo vakawana pamberi pechikamu chenzvimbo yacho masengere, akareba kuvambira pamamita 6 kusvikira kumamita 9 uye akakora kuvambira pamasendimita 8 kusvikira kumasendimita 13. ‘Kuregerereiko kuivaka Chitanhatu chinotevera?’ ivo vakadaro.

Pausiku hwakatevera hweChitatu, mapurani okuvaka akaitwa. China chakaona imwe hama ichitenga marata edenga, imwe mapuranga, uye imwe zvipikiri. Pakasvika masikati eChina mapuranga akanga afanochekwa mukuwirirana noukuru hwao, uye ivo vakavamba kuita matruss akaita saA namaplate esimbi akapiwa. Pakasvika usiku hweChishanu matruss akanga agadzirwa.

Nokukurumidza mangwanani eChitanhatu, rori yakatakura matruss namamwe mapuranga, zvedenga, uye zvipikiri ichiendesa kumusha kwacho. Motokari ina dzakatakura vanenge varume, vakadzi, uye vana 50 dzichiendesa kumusha kwacho. Pakasvika 8:00 a.m. vose vakanga vasvika.

Mwena yakacherwa mubwe rakaoma revolcano yakapinda zvipanda zvikuru. Pamberi pezvi, Zvapupu zvakatenga kumwene wamasengere masengere 50 nokuda kwamasendi 12 rimwe—hwerengedzo ye$14. Nokukurumidza, mabheneti akatema masengere. Iwaya akachekwa namaoko kuva akareba mamita 1,5 ndokutsemurwa napakati.

Apo matruss akanga achiiswa munzvimbo, mamwe maoko akanga achiroverera masengere akatsemurwa akatwasuka pamapango akachinjika, hafu imwe kunze uye imwe hafu mukati, kuitira kuti sengere rinokweva rakaungurudzwa rigoshongedza ose ari maviri madziro omukati pamwe chete nookunze. Tevere denga rakaiswa apo vamwe vakavamba kuunza mabwe nevhu kuti vasandaridze uriri hune tsvina. Kusati kwasviba chivako chamaawa 12 chakapedzwa, uye hama dzakadzokera kumisha yadzo muguta nemwoyo inofara.

Gare gare, mashizha omupaini akawaridzwa pauriri hune tsvina, uye zvigaro zvinopetwa namabheji amasengere mashomanene akaitwa namasengere asina kushandiswa akamiswa. Zvino Horo yoUmambo yakanga yagadzirwa nokuda kwomusangano wokutanga.

Munyika dzakawanda dzomunzvimbo dzapasi dzinopisa zvikuru—Africa, zvitsuwa zvePacific neCaribbean, Asia, Mexico, Central neSouth America—uko zvichida mirioni imwe yeZvapupu zvaJehovha inogara, zvivako zvakapfava zvakadaro zvakaunza mufaro kuZvapupu zvomunzvimbomo nemhaka yokuti zvaigona kuti: “Isu zvino tine Horo yoUmambo yedu timene.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe