Iwe Unoyeuka Here?
Wakawana zvinyorwa zvichangobva kupfuura zveNharireyomurindi kuva zvoukoshi hunoshanda kwauri here? Ipapo kuregerereiko kuedza yeuko yako nezvinotevera?
◻ Chii chatinofanira kuita kana tichizowana tsinhirano norugare zvavanhu vamarudzi ose zvinoiswa muchiono pana Isaya 2:4?
Kutanga, tinofanira kubvuma kuti Musiki wedu, Jehovha, ane maruramiro okutiraidza “pamusoro penzira dzake.” Uye kechipiri, tinofanira kuva nechishuvo chechokwadi chokuwirirana nemitemo yaMwari kupfurikidza nokuti: “Tichafamba munzira dzake.” (Isaya 2:2, 3, NW)—12/15, mapeji 5, 6.
◻ Neiko Zvapupu zvaJehovha zvisingaodzwi mwoyo nokupedzwa mwoyo noruvengo nechishoro zvenyika yose?
Jesu akadeya kutaura kuti chishoro chakadaro noruvengo zvaizova chiratidzo chinozivisa vanamati vechokwadi. (Johane 15:20, 21; 2 Timotio 3:12) Naizvozvo vazivisi vamashoko akanaka vanovimbiswa kuti vane tendero youmwari. Mukuwedzera, Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti zvine tsigiro yaMwari Wokumusorosoro, Jehovha.—1/1, peji 12.
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvinodikanwa zvikuru izvo tinofanira kusvitsa kana minyengetero yedu ichizopindurwa?
Tinofanira kudavira zvapachokwadi kuti Mwari ariko. Tinofanira kuva “vanomutsvakisisa,” tine chivimbo chokuti iye achatusa avo vanoita saizvozvo. (VaHebheru 11:6, NW) Uyewo, tinofanira kusvika Jehovha kupfurikidza naJesu Kristu uye iye oga. (Johane 14:6, 14)—1/15, mapeji 4, 6.
◻ Chii chiri “kuzvipira kwoumwari”? (1 Timotio 3:16, NW)
Kuzvipira kwoumwari ruremekedzo, kunamata, uye basa kuna Mwari, noruvimbiko kuuchangamire hwake hwapose pose.—1/15, peji 11.
◻ Ndiani ari “munhu wokusateerera mutemo” uyo Pauro anotaura nezvake pana 2 VaTesaronika 2:3?
Pauro haasi kutaura nezvomunhu mumwe, nokuti iye anotaura kuti uyu “munhu” akaoneka muzuva raPauro uye aizopfuurira kuvapo kutozosvikira Jehovha amuparadza pamugumo wetsika ino. Nokudaro, “munhu wokusateerera mutemo” kutaura kwokufananidzira. Ufakazi hunoratidza kuti iye iboka ravakuru vanodada, vane chinendirini vechiKristudhomu, avo kwamazana amakore apfuura vakazvimisa vamene somutemo kwavari vamene.—2/1, peji 11.
◻ Makaro anogona sei kubviswa?
Makaro pakati pavanhu anogona bedzi kubviswa kupfurikidza nedzidzo yakafanira nerovedzo, nenhungamiro dzorumano, kana kuti mitemo yomufambiro, zvinoteverwa. Dzidzo yakadaro inofanira kubva kumanyuko ayo amene asina makaro. Mwari bedzi wedenga anogona kugovera rudzi urwu rwedzidzo, uye inowanwa mubhuku rinoshandiswa rakanyorwa, Bhaibheri Dzvene.—2/15, peji 5.
◻ Kana fundo yeBhaibheri yomunhu oga ichizoguma nokutangwa kwokuzvipira kwoumwari, fundo yacho inofanira kubatanidzei?
Donzo refundo yomunhu oga harigoni kungova chete kufukidzwa kwamapeji amashoko uye nokudaro kuzadza ndangariro namashoko. Panzvimbo pezvo, apo chikamu cheShoko raMwari chinoraviwa, nguva inofanira kutorwa yokufungisisa mashoko kuziva icho anodzidzisa pamusoro pamavara aJehovha nenzira kuitira kuti mudzidzi agogona kuva akafanana zvikuru naJehovha muna iwaya.—3/1, peji 13.
◻ Neiko fundo yomunhu oga yeBhaibheri ichifanira kubatanidza kuraviwa kwenguva dzose kwenhauro dzeEvhangeri dzaJesu?
Muenzaniso waJesu unotibetsera kusakurira kuzvipira kwoumwari. Jesu aiziva Baba vake zviri nani kupfuura munhu upi noupi zvake, naizvozvo iye aigona kusanotevedzera nzira namavara zvaJehovha. Nokudaro, iye akatigadzirira muenzaniso wakakwana wokuzvipira kwoumwari. (Johane 1:18; 14:9; VaRoma 13:14)—3/1, peji 19.
◻ Mumuenzanisiro waJesu wamatarenda, chii chakarehwa nokushandisa matarenda? (Mateo 25:19-23)
Kushandisa matarenda kwakareva kuita nokutendeka senhume dzaMwari, kuita vadzidzi, uye kupa zvokwadi dzomudzimu kuimba yaMwari. (Mateo 24:45; 28:19, 20; 2 VaKorinte 5:20)—3/15, peji 13.
◻ Bhaibheri rakasiana mumativii matatu rikaenzaniswa namamwe manyuko ose ezano?
Kutanga, zano raro rinobetsera nguva dzose. (Pisarema 93:5) Kechipiri, Bhaibheri rakatsungirira muedzo wenguva. (Isaya 40:8; 1 Petro 1:25) Kechitatu, ukuru hwezano reBhaibheri hauenzaniswi. Hazvinei hazvo nechinetso kana kuti chisarudzo chatinotarisana nacho, muBhaibheri mune uchenjeri hunogona kutibetsera.—4/1, peji 13.
◻ Ndeipi iri mitsetse miviri youfakazi hunoratidzira kuti Bhaibheri iShoko raMwari, kwete romunhu?
Uchenjeri husingaenzaniswi hweBhaibheri nesimba raro rokuchinja vanhu. (Zvirevo 2:1, 5, 6; VaHebheru 4:12)—4/1, peji 21.