Chiroto Chorugare Rwenyika—Chiono Chakaipa
TARIRO pamusoro pekariro dzorugare rwenyika iri kuwedzera. Muchikamu chake cheThe Toronto Star, Carol Goar akanyora, kuti: “Zvibvumirano zvorugare zviri kuwedzera zvichibva kuAfghanistan zvichienda Angola. Rwisano dzomunharaunda idzo dzairatidzika kuva dzisingadzoreki mwedzi mishomanene yapfuura dziri kuratidza zviratidzo zvokuderera. Uye Chibatanwa chaMarudzi chiri kuwana kuberekwazve kunokurudzira.” Ikoku, anodaro Goar, kwakavamba “parariro yomunyika yose yetariro.” Chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau muUSA Today chakati nenzira yakafanana: “Rugare rwuri kuvamba munyika yose.”
Kunokosha zvikuru misi ichangobva kupfuura iyi kwave kuri icho UN Chronicle yakarondedzera so“kuwadzana kunopfuurira pakati peSoviet Union neUnited States.” Kubviswa kwamauto, zvinoitika zvinokatyamadza muEastern Europe, kutaurwa kwokuderedzwa kwamauto nezvombo—izvi zvinoitika zvakanyandura tariro dzokuti masimba makuru pakupedzisira angave achibopa mabhureki enhangemutange yezvombo. Munyika umo ndyiko yehondo sezvinoshumwa inoshandisa anopfuura madhora ane mamirioni ane zviuru 850 pagore, iyi ikariro inofadza zvikurusa.
Kunyanguvezvo, kungabvira sei kuti chiroto chomunhu chorugare rwenyika chichaitika? Kunyange vacherechedzi vane tariro zvikurusa vanobvuma kuti kusvetuka kukuru kubva pakuderedzwa kwezvombo kusvikira pakuparadzwa kwezvombo. Kukandwa pasi kwezvombo zvenyukireya kungada mwero usina muenzaniso wokuvimbana. Nenzira inosuruvarisa, kunyanguvezvo, masimba makuru ane nhau refu yokusavimbana. Sezvakaporofitwa muBhaibheri, iyoyi yave iri nhambo umo vanhu vakabvumikisa kuva “vasina kuzaruka kubvumirano ipi neipi [“vapunzi vorugare,” King James Version].”—2 Timotio 3:3, NW.
Kunze kwezvo, haasati ari munhu ari wose anopwiswa kuti kubviswa kwezvombo zvenyukireya kungaunza rugare. Kunyange kana marudzi akagona kunyengetedzwa kuti aparadze mirwi yawo yenyukireya, zvombo zvinobvumirwa zvinogona kungouraya zvakanaka chose. Hondo dzeNyika I neII dzine umboo husingafadzi hweiri idi. Kupfuurirazve, uzivi hunodikanwa kutangazve zvombo zvenyukireya hwaizongova huchiripo—hwakagadzirira uye hwakamirira chiratidzo chokutanga chekakavadzano dzezvamatongerwe enyika. Vamwe, kufanana nomusayendisiti wezvamatongerwe enyika Richard Ned Lebow, vanototi: “Zvimwe kuchengeta zvombo zvenyukireya zvishomanene kunochengeta vanhu vachingwarira.”
Asi chero bedzi zvombo zvenyukireya zviripo, rutyo rwokuparadza kwenyukireya rwuchanyomba kuwanwa kupi nokupi kunotaurwa kworugare; ndizvo zvichaitawo kupfuurira kuzvinetso zvisiri zvehondo izvo zvinotorera mamirioni rugare muupenyu hwavo hwezuva nezuva. Munyori mukuru weCM Javier Pérez de Cuéllar akataura nezvo“mugariro wamamirioni avagari vemo biyedu vasina misha kana kuti vanogara mumigariro isina kukodzera chose chose. Chinetso chacho chiri kuipa zvikuru nenzira yakatsiga.” UN Chronicle inoshumazve kuti kusakura zvakakwana mune zvemari kunotambudza “zvikamu zviviri zvezvitatu zvorudzi rwomunhu, muzvinoitika zvakati nemwero yourombo nokushaiwa kusingagoni kusiyaniswa nokutambura kunoparirwa nehondo.” Uye zvakadiniko nezvomugariro wavapoteri venyika vanofungidzirwa kuva mamirioni 12? Ko kuderedzwa kwezvombo kana kuti kunyange kukandwa pasi kwezvombo kwakakwana kuchaunza rugare kuupenyu hwavo here?
Nenzira yakajeka, chiroto chomunhu chorugare rwenyika chiono chakaipa—chisingasvikiki, chakasunha, chakaganhurirwa. Kune kariro iri nani here yorugare? Zvamazvirokwazvo iriko. Muchinyorwa chakapfuura chamagazini ino, takaona kuti Bhaibheri rinopa tariro yechokwadi yorugare.a Nokukurumidza Jesu Kristu, saMambo woUmambo hwaMwari, achaparira rugare rwunopfuura zvikuru kariro dzipi nedzipi dzavanhu. Asi rugare irworwu rwucharevei chaizvoizvo nokuda kworudzi rwomunhu? Nyaya inotevera ichakurukura ikoku.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona “Ndiani Achatungamirira Rudzi Rwomunhu Kurugare?” muchinyorwa chedu chaApril 1, 1990.