“Uya Mukadzi Jesabheri”
“HANDIFARI nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesabheri, unozviidza muporofitakadzi, uye unozvidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite upombwe, nokudya zvakabairwa zvifananidzo.” (Zvakazarurwa 2:20) Akadaro Jesu kuvakuru vechiKristu vaiva muTiatira. Ungano yacho yaishingaira zvikuru uye yakanga yaratidzira rudo, kutenda, uye tsungiriro. Asi yakanga yashivirira pesvedzero inoshatisa yaJesabheri. Neiko? Uye chinhu chakadaro chingagona kuitika nhasi here?—Zvakazarurwa 2:19.
Sezvingabvira, hakuna munhu aiva muTiatira ainzi zvomenemene Jesabheri. Jesu akashandisa zita racho kutiyeuchidza nezvaMambokadzi Izebheri wenhau, mudzimai waMambo Ahabhi. Mukadzi iyeyo anozvimirira akashatisa chose chose vanhu vaMwari apo akapinza kunamatwa kwaBhaari kwoutere muna Israeri, achirwa hondo yakasimba yokuparadzanya kunamata kwakachena.—1 Madzimambo 16:31-33; 21:1-7.
Jesabheri womuTiatira—mukadzi mumwe kana kuti zvimwe boka ravakadzi—akakurudzira nenzira yakafanana utere nokunamata zvidhori pakati pavanhu vaMwari. Vamwe vaiva muungano vakamuteerera, sezvo Jesu achitaura nezva“vana vake,” sezvingabvira vateveri vake. (Zvakazarurwa 2:22, 23) Pesvedzero yake yakatyisidzira kuita ungano yeTiatira yakashata sokunge zvakaita Israeri muzuva raAhabhi.
Neiko Jesabheri womuTiatira aiva nepesvedzero kwazvo? Kutarira pawirirano naIzebheri wekare, vamwe vakafunga kuti iye akanga ari mudzimai womukuru anotungamirira muTiatira. Bhaibheri, zvisinei, haritauri izvozvo. Sezvingabvira zvikuru, hunhu hwake hwakasimba neidi rokuti iye aitaura kuva muporofitakadzi zvakamupa nzvimbo muungano.
Kwakakarakadzwa kuti miitiro yakashata yaakasimudzira yaiva nechokuita namasangano ezvokutengeserana. Mukuwirirana naDr. W. M. Ramsay, “masangano akawanda ezvokutengeserana anozivikanwa muTiatira kupfuura murimwe guta ripi neripi reAsia.” Nezvaiwaya, The Interpreter’s Dictionary of the Bible inoti: “Sangano rakadaro ripi neripi raiva namwari waro anoritsigira, madyo aro, nguva dzaro dzokufambidzana idzo dzaigona padzimwe nguva kuva kufara kwoutere. ‘Jesabheri’ angave akataura kuti . . . uku kufara kwaisafanira kushurikidzwa sezvo mushandi ari wose, kuti awane chokurarama nacho, aifanira kukumbanira sangano.” The Expositor’s Greek Testament inobvumirana naikoku, ichikarakadza kuti avo vaitevera Jesabheri “vaizvidadisa vamene norusununguko rwavo.”
Kutaura idi, dzidziso yaJesabheri muTiatira yakafanana ne“dzidziso yaBharami” muPergamo. (Zvakazarurwa 2:14) Ungano yePergamo yakanga yatsungirira chitambudzo chikuru, asi vamwe imomo vakanga vachitevedzera Bharami wekare mukusimudzira ufeve nokunamata zvidhori. Kwakakarakadzwa kuti muPergamo, pesvedzero yaBharami yakakurudzira kubvumirana pane zvisina kufanira nokuda kwokudzivisa chitambudzo chehasha, nepo muTiatira Jesabheri akakurudzira kubvumirana pane zvisina kufanira nokuda kwezvikonzero zvemari. Chipi kana chipi chachingava, dzidziso dzose dziri mbiri dzakanga dziri kuwa pakutenda kunouraya.
Pesvedzero yaJesabheri—kana kuti Bharami—ingagona kuvapo here nhasi? Hungu, zvamazvirokwazvo. Vatungamiriri vazhinji vechiKristudhomu vanotevedzera Jesabheri mukushivirira muungano dzavo vatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yevatano yokushingaira, ufeve, upombwe, kubvisa nhumbu, uye zvinhu zvakafanana zvinoshurikidzwa naMwari. Kunyange mukati meungano yechiKristu, vanhu vashomanene vakasimudzira “kusunungurwa” kwenamato yechokwadi, kukurudzira maKristu kusasanonamatira kumipimo yeBhaibheri uye kunyange kusimudzira utere.
Vose vanoshuva kufadza Jehovha vanofanira kudzivisa pfungwa dzakadaro, kunyange kana dzikapiwa navanhu vamwe navamwe—varume kana kuti vakadzi—vane hunhu hwakanaka kana kuti hune simba. Uku kufunga kunouraya nhasi sezvakwakanga kwakaita muzana rokutanga ramakore.—Zvakazarurwa 2:22, 23.