RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 4/1 pp. 21-22
  • Kubatira Munyori Wemifananidzo Mukurusa Wavose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatira Munyori Wemifananidzo Mukurusa Wavose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisanyanya Kukoshesa Mimhanzi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Apo Kuziva Mwari Kunozadza Pasi
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Kuswedera Pedyo naMwari Kwakandibetsera Kukurira
    Mukai!—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 4/1 pp. 21-22

Kubatira Munyori Wemifananidzo Mukurusa Wavose

SOMUSIKANA muduku wamakore manomwe ezera, ndakavamba kuzvibvunza ndimene, kuti: ‘Neiko ndichafanira kufa? Kunobvira here kudzivisa rufu?’ Ndakanga ndaudzwa kuti Mwari anotora vanhu vakanaka nemhaka yokuti anoda kuva navo mudenga. Ndichiri kuyeuka mumwe wavomukirasi biyangu achiti: “Kuri nani kuva munhu akashata nemhaka yokuti vakanaka vanotanga kufa!”

Ndaida kudhirowa, naizvozvo ndakavamba kufunda kunyora mifananidzo. Kuchikoro, ndakanga ndisina banza rokurangarira zvinhu zvorudzidziso, kana kuti nguva yokuwana fariro mazviri. Kutaura idi, ndaisiudza shamwari dzangu kuti kuti ave worudzidziso, munhu aida mwero wakaderera woungwaru. Apo ndakapedza zvifundo zvangu zvokunyora mifananidzo, ndakapiwa nzvimbo yomudzidzisi wokunyora mifananidzo muchikoro chapamusoro.

Ndaida basa rangu uye ndaifarirawo mabhuku eItaly nookumwe, nziyo dzechiverengero chiduku chavatambi nedzakavhengana, uye mutambo wenziyo. Chinhu bedzi chorudzidziso chandakafunda munhambo iyoyo dzakanga dziri nhau dzemifananidzo yavanyori vemifananidzo venhambo dzakasiana-siana. Ipapo ndakadzidza chaireva kupiwa ngwariro, icho kuratidzira mabasa omunhu amene kwakanga kwakaita, chairehwa nokuva anoremekedzwa zvikuru, kurumbidzwa, uye kuyemurwa somunyori wemifananidzo.

Panguva iyoyo, nyika yokunyora mifananidzo yakareva zvakawanda zvikuru kwandiri, sezvo makanga muri imomo mandakawana chikonzero chorutivi rukuru zvikuru rwokuvapo kwangu. Asi mibvunzo yandakanga ndabvunza pandaiva namakore manomwe yakanga ichiri mundangariro mangu. Ndakapfuurira kunzvera chimwe chinhu chikuru zvikuru, chimwe chinhu chandakanga ndichigere kugona kutsanangura. Ndakanga ndiri muravi anoshingaira uye ndaibvunza vazivi nokuda kwetsananguro. Pachipi nechipi chazvo, ndaida mhinduro chaiyo kupanikiro dzangu.

Ndakanga ndichine iyi vhiringidziko pandakaroorwa. Pashure pokuberekwa kwomwanasikana wangu, kunzvera kwangu zvokwadi kwakava kwakakomba zvikuru. Ndakaedza kuiwana kupfurikidza nokunyora mifananidzo, kunyora madetembedzo, kuteerera nziyo, kurava mabhuku. Panguva ipi neipi pandaienda kukonzati ndokuteerera mitsetse yokutanga yorwiyo, ndangariro yangu yaingoerekana yaenda kuna Mwari, kuMusikavanhu wandakanga ndisingazivi, uye ndaimuonga. Mukati menhambo iyoyo, ndaiwanzorumbidza Mwari nokuda kwezvinhu zvakaisvonaka zvandaiyemura—mwana wangu akarara, mavara enyika. “Zvakaipa zvakadini,” ndaiwanzokudaro, “kuti kunyora mifananidzo ikoko, uko kwaigona kuva nezvinhu zvakawanda kwazvo zvakaisvonaka sechidzidzo chako, kunofanira kushandiswa zvikuru kwazvo kurondedzera rufu panzvimbo poupenyu!” Zvimwe zvamadetembedzo akaisvonaka zvikurusa nemitambo yapachikuva inziyo kusvikira kukusava netariro kana kuti zvimwe ngwavaira; humwe hwounyanzvi hwakaisvonakisisa hwemifananidzo yakanyorwa zvinorumbidza rufu panzvimbo poupenyu norunako rwahwo. Neiko?

Iyi mirangariro inosiana yakandiodza mwoyo zvikuru kwazvo, uye ndakavamba pashoma napashoma kuenda kukusakendenga. Pakanga pari panguva iyoyo apo Zvapupu zvaJehovha zvakauya kusuo rangu. Sezvandakazviteerera, kwakaratidzika sokunge zvakanga zvichitaura kwandiri mumutauro mutsva. Chipikirwa chaMwari chokuita pasi paradhiso chakanzwika kuva chakafanana nenziyo dzakanaka kunzeve dzangu. Ndakavamba kurava Bhaibheri. Ipapo pakupedzisira ndakawana mhinduro kumibvunzo yandakanga ndisina kurega kubvunza chifo chaapo ndaiva namakore manomwe okukura. Mwari haadi kuti munhu afe asi anoronga kukomborera vabatiri vake vakatendeka kupfurikidza nokuvapa upenyu husingaperi pasi pano!

Iyeyo akanga ari 1973. Gore rakatevera racho ndakaita tsauriro kuna Jehovha uye ndakabhapatidzwa. Kwakanga kusiri nyore kutsiva hunhu hwangu hwamasimba masimba nokutungamirirwa nemirangariro nomudzimu worudo rwouhama hwechokwadi, udyire hwangu nokusava noudyire, uye nyaradzo yomunhu oga nomudzimu wechibairo! Ndaifanira kuzviramba ndimene. Zvapupu zvaJehovha zvakabetsera zvikuru kwazvo, sezvakaita misangano inoitirwa muHoro yoUmambo.

Munyori weMifananidzo Mukuru akapedza panikiro dzangu nekangaidziko. Ndinoonga sei kwaari! Ndokusaka, chifo chaSeptember 1984, ndakatanga basa roupiona hwenguva dzose, ndichipedza maawa 90 mwedzi mumwe nomumwe mukuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari.

Kubatira Munyori weMifananidzo Mukuru noMusiki, Jehovha, nemhuri yangu kunogutsa zvirokwazvo. Tinomirira nokudisa nguva apo iye achanyora mufananidzo wakajeka zvikurusa wati waitwa; apo iye pakupedzisira anobvisa tsika yekare, yakaipa iyo inoshatisa uye inofukidza pasi rino. Rufu harusati ruchizovapozve, uye kunyora mifananidzo panguva iyeyo kuchapiwa chose chose kuupenyu. Ipapo, runako bedzi rucharatidzirwa, nokuti kupfurikidza netsika itsva yakarurama yaMwari, rusuruvaro namarwadzo zvichave zvabviswa nokusingaperi.—Yakagoverwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe