RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 4/1 p. 10
  • “Vose Avo Vari Mumahwiro Echirangaridzo”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Vose Avo Vari Mumahwiro Echirangaridzo”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anokuitira Hanya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • ‛Mitumbi Mizhinji Yavatsvene Yakamutswa’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Jehovha Anokomborera Zvatinoita Kuti Tipinde Chirangaridzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • “New World Translation”—Younyanzvi Uye Yakatendeseka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 4/1 p. 10

“Vose Avo Vari Mumahwiro Echirangaridzo”

KO IWE unogona kuva nechokwadi chokuti vazhinjisa vavakafa vachararama zvakare here? Hungu, sezvo Jesu akati: “Musashamiswa naizvozvi, nemhaka yokuti nguva iri kuuya umo vose avo vari mumahwiro echirangaridzo vachanzwa inzwi rake ndokubuda.” (Johane 5:28, 29, NW) Cherechedza kutaura kwokuti “mahwiro echirangaridzo,” uko kuri kwoga kuNew World Translation. Iko kunotiyeuchidza nezvoukoshi hweyeuko yaMwari murumuko.

Neiko kushandura kwenguva dzose, “makuva,” kusingashandiswi? Nemhaka yokuti Jesu haana kushandisa shoko rinoreva zvizhinji reshoko rechiGiriki taʹphos, iro rinoreva “guva” kana kuti “makuva.” Zvamazvirokwazvo, havasati vari vose vakafa vakavigwa mumakuva chaiwoiwo, kana kuti taʹphoi. Kunyanguvezvo, avo Mwari achadzorera murumuko vari muyeuko yake. Ikoku kunoratidzirwa nokushandisa kwaJesu chimiro chinoreva zvakawanda chamne·meiʹon, icho chinosanowirirana namashoko echiGiriki anoreva zvikurukuru kuti “kuyeuka.” (Mateo 16:9; Marko 8:18) Greek-English Lexicon yakanyorwa naH. G. Liddell naR. Scott inoshandura mne·meiʹon se“chirangaridzo, yeuko, chinyorwa chomunhu kana kuti chinhu, . . . hwiro, . . . kazhinji kazhinji, rutondedzo.”

Nokudaro, New World Translation inosianisa pakati pamashoko taʹphos uye mne·meiʹon. Kunokoshawo kucherekedza kuti shanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzinoshandisa nenzira yakafanana kutaura kuviri kwakasiana pana Mateo 23:29 apo mashoko ose ari maviri echiGiriki anooneka. Revised Standard Version inoashandura sezvinotevera: “Unovaka mahwiro [chimiro chataʹphos] avaporofita uye munoshongedza rutondedzo [chimiro chamne·meiʹon] rwavakarurama.”

Musiki womunhu haakanganwi mitoo youpenyu yezviuru zvamamirioni avanhu akararama. (Pisarema 139:16; 147:4; Mateo 10:30) Munguva yake yakafanira, iye achayeuka avo vari mu“mahwiro echirangaridzo” ndokuvadzorera kuupenyu papasi rakacheneswa. Tinokurudzirwa nokunyaradzwa sei nokuziva kuti yeuko yakakwana yaMwari haigoni kukundikana!—Zvakazarurwa 20:11-13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe