RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 3/15 p. 7
  • Mosesi Ane Nyanga—Chinhu Chounyanzvi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mosesi Ane Nyanga—Chinhu Chounyanzvi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Mosesi—Zvinoreva Upenyu Hwake Kwauri
    Mukai!—2004
  • Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Jesu Kristu Akanga Ari Muporofita Akafanana naMosesi Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mosesi Murume Aiva Nerudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 3/15 p. 7

Mosesi Ane Nyanga—Chinhu Chounyanzvi

KANA iwe wakamboshanyira Italy, ungave wakaona mufananidzo wakakurumbira waMichelangelo waMosesi akagara, zvino uri paChechi yaSt. Peter muChains, muRoma. Mufananidzo womuzana ramakore rechi 16 unoratidzika kuva wechienzi sei, sezvo uchiratidzira Mosesi ane nyanga dzinobuda mumusoro make! Kutaura idi, chiverengero chakati chenyanzvi chakaratidzira Mosesi ane nyanga. Neiko? Bhaibheri rinogovera here hwaro hupi nohupi hwepfungwa yacho?

Shanduro yeLatin Vulgate yeBhaibheri inotiudza kuti pashure pekurukurirano yake naMwari paGomo reSinai, chiso chaMosesi chakava “nenyanga.” (Eksodho 34:29, 30, 35; enzanisa neDouay Version.) Vulgate yakafarikanya mukurumbira mukuru muchakawanda chechiKristudhomu uye nokudaro yakapesvedzera nzira iyo Magwaro akanzwisiswa nayo.

Zvisinei, shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “chaiva nenyanga” rinewo revo yokuti ‘kubudisa marimi’ kana kuti ‘kubwinya.’ (Ona mashoko omuzasi eDouay Version muna Eksodho 34:29.) Mukuwirirana neTheological Wordbook of the Old Testament, shoko racho “rinoratidzira chimiro chenyanga panzvimbo pechinhu.” Uye akarangarirwa nenzira yokufananidzira, mwaranzi yechienzi yakafanana zvomenemene nenyanga.

Idi rokuti chiso chaMosesi chakabudisa mwaranzi kunotsanangurika, sezvo mbiri yaJehovha yakanga ichangobva kupfuura. (Eksodho 33:22; 34:6, 7) Pauro anosimbisa ikoku kuva nzwisiso yakarurama, achinyora pamusoro pe“mbiri” yechiso chaMosesi kwete “nyanga” dzake.—2 VaKorinte 3:7.

Kunzwisiswa kwakarurama kwamashoko eBhaibheri nokudaro kunotungamirira kuzivo huru zvikuru yomushumo weBhaibheri. Naizvozvo, nyanga dziri pamufananidzo wakakurumbira waMichelangelo waMosesi dzinongova zvadzo chinhu chounyanzvi chinobva mumhosho yakaruramiswa kare kare yeshanduro.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 7]

Based on Short History of Art

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe