‘Kupupurira Zvokwadi’
KUMUBVUNZO waPirato, wokuti, “Iwe uri mambosu?”, Jesu akapindura, achiti: “Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure zvokwadi. Mumwe nomumwe wezvokwadi unonzwa inzwi rangu.” (Johane 18:37) Sezvinoratidza Magwaro, zvokwadi iyo iye akapupurira yakanga isati ichingova zvokwadiwo zvayo. Iyo yakanga iri zvokwadi inokosha zvikuru yezvakanga zvakaita madonzo aMwari, zvokwadi yakavakirwa paidi guru rokuda kukuru kwaMwari nesimba Rake rokuzadzika donzo iroro. Kupfurikidza noushumiri hwake Jesu akazivisa zvokwadi iyoyo, yaiva mu“chakavanzika chinoyera,” soUmambo hwaMwari naJesu Kristu, “mwanakomana waDhavhidhi,” anobatira saMambo Muprista pachigaro choumambo. Iri rakanga ririro pfundo guru reshoko rakaziviswa nengirozi pamberi napanguva yokuberekwa kwake muBhetrehema reJudhea, guta raDhavhidhi.—Ruka 1:32, 33; 2:10-14; 3:31.
Kuitwa kwoushumiri hwake mukupupurira zvokwadi kwakada zvakawanda kuna Jesu kupfuura kungotaura chete, kuparidzira, uye kudzidzisa. Kunze kwokubvisa mbiri yake yokudenga kuti aberekwe somunhu, iye aifanira kuzadzika zvinhu zvose zvakaporofitwa pamusoro pake, kubatanidza mimvuri, kana kuti mienzaniso, zvaiva musungano yoMutemo. (VaKorose 2:16, 17; VaHebheru 10:1) Kuti atsigire zvokwadi yeshoko rouporofita raBaba vake nezvipikirwa, Jesu aifanira kurarama nenzira yakadaro zvokuita kuti zvokwadi iyoyo ive chinhu chaichoicho, kuizadzika neizvo aitaura nokuita, mararamire ake, chaizvoizvo, zvokwadi inotaurwa somunhu, seizvo iye amene akati akanga ari.—Johane 14:6.
Nokuda kweichi chikonzero muapostora Johane aigona kunyora kuti Jesu akanga “akazara nomutsa usakafanirwa nezvokwadi” uye kuti, kunyange zvazvo “Mutemo wakapiwa nokuna Mosesi, mutsa usakafanirwa nezvokwadi zvakasvika pakuvapo kupfurikidza naJesu Kristu.” (Johane 1:14, 17, NW) Kupfurikidza nokuberekwa kwake kwohunhu, kuzvipa kwake amene kuna Mwari kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura, makore ake matatu nehafu ebasa rapachena nokuda kwoUmambo hwaMwari, rufu rwake mukutendeka kuna Mwari, rumuko rwake achienda kudenga—kupfurikidza neizvi zvinoitika zvose zvenhau—zvokwadi yaMwari yakasvika, kana kuti “yakavapo,” ndiko kuti, yakazadzikwa. (Enzanisa naJohane 1:18; VaKorose 2:17.) Basa rose raJesu Kristu naizvozvo rakanga riri ‘kupupurira zvokwadi,’ zvinhu izvo Mwari akanga apika. Jesu nokudaro akanga asiri Mesia kana kuti Kristu womumvuri. Iye akanga ari akapikirwa chaiyeiye. Iye akanga asiri Mambo Muprista womumvuri. Iye akanga ari, chaizvoizvo, wechokwadi akanga adeya kufananidzirwa.—VaRoma 15:8-12; enzanisa naPisarema 18:49; 117:1; Dheuteronomio 32:43; Isaya 11:10.
Iyi zvokwadi ndiyo yakanga iri zvokwadi yaizo‘sunungura vanhu’ kana vakazviratidza vamene kuva “parutivi pezvokwadi” kupfurikidza nokugamuchira basa raJesu mudonzo raMwari. (Johane 8:32-36; Johane 18:37, NW) Kufuratira donzo pamusoro poMwanakomana wake, kuvakira tariro pahumwe hwaro hupi nohupi, kuita mhedziso pamusoro penzira yomunhu youpenyu pahumwe hwaro hupi nohupi kwaizova kudavira nhema, kunyengedzwa, kutevera nhungamiro yababa wenhema, Muvengi waMwari. (Mateo 7:24-27; Johane 8:42-47) Kwaizoreva ‘kufira muzvivi zvako.’ (Johane 8:23, 24) Nokuda kweichi chikonzero Jesu haana kurega kuzivisa nzvimbo yake mudonzo raMwari.
Chokwadi, iye akaraidza vadzidzi vake, kunyange noukombi, kusazivisa kuva kwake Mesia kuvanhu (Mateo 16:20; Marko 8:29, 30) uye aisawanzonongedzera kwaari amene zvakananga saKristu kunze kwaapo akanga ari oga navo. (Marko 9:33, 38, 41; Ruka 9:20, 21; Johane 17:3) Asi iye nenzira youshingi uye nguva dzose aikwevera ngwariro kuufakazi hwaiva mumauporofita nomumabasa ake izvo zvakabvumikisa kuti iye akanga ari Kristu. (Mateo 22:41-46; Johane 5:31-39;, 45-47; 7:25-31) Panguva yokutaura kumukadzi weSamaria patsime, Jesu, “aneta nokufamba,” akazvizivisa amene kwaari, zvichida kunyandura kuda kuziva pakati pavanhu vomutaundi ndokuvabudisa mutaundi vachiuya kwaari, uko kwakanga kuri muuyo. (Johane 4:6, 25-30) Kungotaura chete kuva Mesia hakusati kwaizoreva chinhu kana kwakanga kusingaperekedzwi noufakazi, uye mumugumo, kutenda kwaidikanwa kuavo vaiona nokunzwa kana vaizogamuchira mhedziso uko ufakazi ihwohwo hwakanongedzera nenzira yokusakanganisa.—Ruka 22:66-71; Johane 4:39-42; 10:24-27; 12:34-36.