RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 1/1 p. 15
  • Chitambudzo Chinopfuurira muBurundi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chitambudzo Chinopfuurira muBurundi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 1/1 p. 15

Chitambudzo Chinopfuurira muBurundi

PAKUVAMBA muna 1989, vatongi vorudzi rwuri pakati peAfrica rweBurundi vakaregerera fungu rechitambudzo paZvapupu zvaJehovha. Sezvakashumwa muchinyorwa cheNharireyomurindi chaAugust 15, 1989, zviremera zvakaedza kumanikidzira Zvapupu kurega kutenda kwazvo, zvichishandisa kunetsa, kusunga, kurova, uye mimwe mwero yehasha. Ndoupi wave uri mugariro chifo chenguva iyeyo?

Mumwe mushumo unobva muBurundi unotaura kuti mukati meshanyo yomutariri weruwa kuKinyinya neGitega, zviremera zvakaedza kusunga mitezo yeungano pamusangano. Mutariri weruwa nowedunhu vakakwanisa kunzvenga, asi avo vakasungwa vakabatanidza vadzidzi vaviri vapachikoro chapamusoro nomusikana ari mupuraimari. Vose vakarohwa. Zuva rakatevera racho Zvapupu zvakasungwa zvakaoneka pamberi pagavhuna ndokutsanangura chikonzero nei izvo zvaisagona kuva mitezo yebato rezvamatongerwe enyika. Zvakarohwa zvakare. Mimwe mishumo inotaura nezvezvinoitika zvakafanana.

Mumwe mukuru wechiKristu akavimbika muBurundi anonyora, achiti: “Hakuna Chapupu chaJehovha chakasungwa nokuda kwokuba, kuponda, kana kuti kupandukira. Kana zviremera zvine zvikonzero chaizvoizvo zvokuranga Zvapupu, ngazviite saizvozvo mudare rapachena panzvimbo pokutambudza vagari vemo vanorugare, kupamba zvinhu zvavo, uye kuzvitandanisa semhuka dzomusango. Hama dzakawanda dzapakati dzakasungirwa kutiza dzimba dzadzo ndokurarama savapoteri. Imwe hanzvadzi ine murume ari mutorongo yakaenda kundoona vakawanda vezviremera munhamburiko yokuita kuti murume wayo asunungurwe. Akadzingwa navose nemhinduro yokuti: ‘Hatitongogoni kusunungura murume wako pamunenge muchigamuchira mari inobva kune dzimwe nyika kuti musekese nyika yedu.’ Kuchera kwakadini!”

Zvisinei, kune mashoko akanaka anobva muBurundi. Zvapupu zvoko hazvivhundutswi kana kuti kutyisidzirwa. Nokungwarira asi zvirokwazvo kuparidzirwa kwamashoko akanaka kunokura, uye hama nehanzvadzi vanoziva kuti vane chivimbo chakazara muna Jehovha, vanogona kutsungirira. Tsamba dzakawanda dzinotaura shamisiko dzakatonyorwa kuBurundi, uye pasina panikiro dzakawanda dzichatevera apo nyika inoziva kuti Burundi iri kupfuuridzira nhimbe yayo isina ngoni yechitambudzo paZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi riri papeji 15]

Kero yapurezidhendi weBurundi ndeiyi:

His Excellency Major Pierre Buyoya

President of the Republic of Burundi

Bujumbura

REPUBLIC OF BURUNDI

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe