“Chizere Namazita Okumhura Mwari”
BHUKU reBhaibheri raZvakazarurwa rinorondedzera chiono che“chikara chitsvuku, chizere namazita okumhura Mwari.” Icho chinovapo kwechinguvana, ipapo chinopinda mugomba rakadzika-dzika umo chinobuda gare gare. (Zvakazarurwa 17:3, 8) Kazhinji kazhinji, mapeji amagazini ino akazivisa ichi chikara chitsvuku, pakuvamba, neChinzwano chaMarudzi uye, pashure, mutsivi wacho, Chibatanwa chaMarudzi. Asi neiko chikara chitsvuku chichitaurwa kuva “chizere namazita okumhura Mwari”?
Gadziriro yokutanga yeSungano yeChinzwano chaMarudzi, yakavakirwa pazvikarakadzo zvavaviri zveBritain neAmerica, yakaziviswa pana February 14, 1919. Zuva rakatevera racho, muchikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau chaiva nomusoro unoti “Chinzwano choRugare,” The Times yeLondon yakati: “Chisakiso chorudado rwapamutemo kuziva muSungano rakawanda kwazvo rebasa ravanhu veEngland. . . . Tinoshinga kutaura kuti icho chinyorwa chamarudzi ose chinokosha zvikurusa chati chaziviswa.” George Thayer, mufundisi weFirst Congregational Church yeCincinnati muUnited States, akairondedzera se“ziviswo yakaisvonaka zvikurusa yokuda nechishuvo zvavanhu vanoziva vapasi isati yambonyorwa papepa.” Rumbidzo yakabvawo kumapepanhau omutauro wokumwe. “Harisi Bhaibheri,” rakadaro pepanhau reFrance L’Homme Libre, “asi inokwanisa kupfuura izvozvo, sezvo kusina Bhaibheri, kana kuti Muparidzi weEvhangeri upi noupi akambodzivisa vanhu kuurayana. Kuva nepfungwa kunova chinhu chaichoicho.” Pepanhau reFrance Victoire rakairondedzera se“nhamburiko yavose zvikurusa yati yaitwa chibviro chamavambo enyika yokugadza nzwisiso neruramisiro pasi pano.”
Pashure pokutangwa kweChinzwano chaMarudzi, Mutungamiriri wehondo Jan Smuts, mumwe wavamiriri veBritain pabasa iroro, akanyora achiti: “Sungano yacho ndichimwe chezvinyorwa zvounyanzvi hukuru zvenhau yavanhu. . . . Inofanira kubudirira, nemhaka yokuti hakuna imwe nzira yenguva yemberi yeshambidziko. . . . Mumwe nomumwe marudzi achiri kunze kwesungano achapinda shure kweichi chiratidzo pasi pacho dzinza romunhu richafambira mberi kurukundo rwesangano rorugare nechiito.”
Kariro dzose dzakadaro dzakabvumikiswa kuva dzenhema apo Hondo yeNyika II yakatanga muna 1939. Chinzwano chakakundikana. Rakanga richingova zvaro sangano ravanhu rakaumbwa navanhu vasina kukwana. Ndozvakaitawo mutsivi waro, Chibatanwa chaMarudzi. Bva, pazuva apo Charter yeCM yakasainwa, chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau muThe New York Times chakachiratidzira so“muti worugare” ndokuti, “Tariro huru yaberekwa . . . Zvinhu zvikuru zvingauya.” Nenzira yakafanana, vatungamiriri vechechi vakaratidzira CM “tariro bedzi” yorugare uye “tariro yokupedzisira.”
Kupa mbiri kumasangano avanhu zvinhu izvo Umambo hwaMwari hwoga huchaita kutuka Mwari. Nokudaro, Bhaibheri rinodeya kutaura kuti pashure pokuvapo kwenguva pfupi, Chibatanwa chaMarudzi chicha“pinda muruparadziko.” Hurumende yokudenga yakakwana yaMwari bedzi inogona kuunza rugare rusingagumi kurudzi rwomunhu.—Zvakazarurwa 17:11, 12; Isaya 9:6, 7; Dhanieri 2:44.