RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 8/1 pp. 8-9
  • Jesu Nomutongi Muduku Mupfumi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Nomutongi Muduku Mupfumi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Anopindura Mubvunzo Wemutongi Wechiduku Akapfuma
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mutongi Akapfuma Anotadza Kusarudza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • VaKristu Vanofanira Kuva Varombo Here?
    Mukai!—2003
  • Waka“pfuma Kuna Mwari” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 8/1 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

Jesu Nomutongi Muduku Mupfumi

SEZVO Jesu anopfuurira nomuruwa rwePerea akananga Jerusarema, rimwe jaya rinomhanyira kwaari ndokuwira pamabvi ake pamberi pake. Murume wacho anonzi mutongi, zvimwe kureva kuti iye ane nzvimbo yakatanhamara musinagoge yomunzvimbomo kana kuti kunyange kuti iye mutezo weSanhedrini. Uyewo, iye akapfuma zvikuru. “Mudzidzisi Wakanaka,” iye anobvunza kudaro, “Ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”

“Unondiidzireiko wakanaka?” Jesu anopindura kudaro. “Hakuna wakanaka, asi mumwe chete iye Mwari.” Sezvingabvira jaya racho rinoshandisa “wakanaka” sezita rokuremekedza, naizvozvo Jesu anomuita kuti azive kuti zita rokuremekedza rakadaro nderaMwari bedzi.

“Kana,” Jesu anopfuurira, “uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.”

“Ipiko?” murume anobvunza kudaro.

Achidudza mishanu yeMirairo Gumi, Jesu anopindura, achiti: “Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema; kudza baba vako namai vako.” Uye achiwedzera murairo unotova unokosha zvikuru, Jesu anoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.”

“Izvo zvose ndakazvichengeta,” murume wacho anopindura nouchokwadi hwose. “Ndichakashaiweiko?”

Achiteerera chikumbiro chikuru, chapachokwadi chomurume wacho, Jesu anomunzwira rudo. Asi Jesu anoziva kubatanidzwa kwake nezvinhu zvokunyama, uye naizvozvo anotaura chinodikanwa chake: “Kana uchida kukwana, enda utengese zvinhu zvose zvaunazvo upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere.”

Jesu anotarira, pasina panikiro netsitsi, sezvo murume wacho anosimuka uye anoenda asuruvariswa zvikuru. Pfuma yake inomupofomadzira kuukoshi hwepfuma yechokwadi. “Zvinoremera,” Jesu anonyunyuta kudaro, “mufumi kupinda muushe hwaMwari!”

Mashoko aJesu anoshamisa vadzidzi. Asi ivo vanoshamiswa zvinotova zvikuru apo iye anopfuurira kutaura mutemo unobatanidza zvose: “Kamera ingarerukirwa kupinda pavuri redumho, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.”

“Ndianiko ungaponeswa?” vadzidzi vanoda kuziva.

Achivatarira, Jesu anopindura, achiti: “Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.”

Achicherechedza kuti ivo vakaita chisarudzo chakasiana zvikuru neicho chomutongi muduku akapfuma, Petro anoti: “Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.” Iye anobvunza saizvozvo: “Tichagopiweiko?”

“Pakuberekwa kutsva,” Jesu anopikira kudaro, “kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imiwo muchagara pazvigaro zvine gumi nezviviri muchitonga marudzi ane gumi namaviri ava Israeri.” Hungu, Jesu ari kuratidza kuti kuchava nokuberekwazve kwemigariro pasi pano zvokuti zvinhu zvichava sezvazvakanga zvakaita mubindu reEdheni. Uye Petro navamwe vadzidzi vachagamuchira tuso yokutonga naKristu paiyi Paradhiso yapasi rose. Zvirokwazvo, tuso huru yakadaro yakafanirwa nechibairo chipi nechipi!

Zvisinei, kunyange zvino kune tuso, sezvo Jesu anoti nenzira yakasimba kwazvo: “Hakuno munhu wakasiya imba, kana vanun’una, kana hanzvadzi kana mai, kana baba, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweEvhangeri usingazopiwi zvine zana nenguva ino, dzimba navanun’una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwe chete nokuvengwa noupenyu husingaperi nenguva inouya.”

Sezvinopikira Jesu, kupi kana kupi munyika uko vadzidzi vake vanoenda, ivo vanofarikanya ukama namaKristu biyavo huri pedyo zvikuru nohunokosha zvikuru kupfuura uhwo hunofarikanywa nemitezo yemhuri yokunyama. Mutongi muduku mupfumi sezviri pachena anorasikirwa nezvose zviri zviviri iyi tuso neiyo youpenyu husingaperi muUmambo hwokudenga hwaMwari.

Pashure pezvo Jesu anowedzera, kuti: “Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.” Iye anorevei?

Iye anoreva kuti vanhu vazhinji avo vari “vokutanga” mukufarikanya maropafadzo orudzidziso, zvakadai somutongi muduku mupfumi, havasati vachizopinda muUmambo. Ivo vachava “vokupedzisira.” Asi vazhinji, kubatanidza vadzidzi vanozvininipisa vaJesu, avo vanozvidzwa navaFarise vanozviruramisa sovo“kupedzisira”—savanhu venyika, kana kuti ‛am ha·’aʹrets—vachava “vokutanga.” Kuva kwavo “vokutanga” kunoreva kuti vachagamuchira ropafadzo yokuva vatongi biyake naKristu muUmambo. Marko 10:17-31; Mateo 19:16-30; Ruka 18:18-30.

◆ Sezviri pachena, rudzii rwomutongi rwuri jaya mupfumi?

◆ Neiko Jesu achiramba kunzi akanaka?

◆ Chinoitika chomutongi muduku chinoenzanisira sei ngozi yokupfuma?

◆ Itusoi idzo Jesu anopikira vateveri vake?

◆ Vokutanga vanova sei vokupedzisira, uye vokupedzisira vokutanga?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe