Upenyu hwaJesu Noushumiri
Zvidzidzo Pachatanuro Naparudo Rwavana
JESU navadzidzi vake vari kuenda kuJerusarema kuzopinda Paseka ya 33 N.V. Ivo vanoyambuka Rwizi rwaJoridhani uye vanotora nzira inopfuura nomuruwa rwePerea. Jesu akanga ari muPerea mavhiki mashomanene pamberi pezvi, asi ipapo akashevedzwa kuJudhea nemhaka yokuti shamwari yake Razaro yakanga ichirwara. Panguva iyeyo ari muPerea, Jesu akataura kuvaFarise pamusoro pechatanuro, uye zvino ivo vanomutsa zvakare nhau yacho.
Pakati pavaFarise pane zvikoro zvakasiana-siana zvomufungo pamusoro pechatanuro. Mosesi akataura kuti mukadzi aigona kuchatanurwa nemhaka ye“chinhu chisina kufanira kwaari.” Vamwe vanodavira kuti ikoku kunonongedzera bedzi kukusachena. Asi vamwe vanorangarira “chinhu chisina kufanira” kubatanidza mhaka duku zvikuru. Naizvozvo, vane donzo rokuedza Jesu, vaFarise vanobvunza, kuti: “Ko munhu anotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?” Ivo vane chivimbo chokuti chipi kana nechipi Jesu anotaura chichamubatanidza muchitambudzo navaFarise vane murangariro wakasiana.
Jesu anobata mubvunzo wacho nounyanzvi, asingafadzi murangariro upi noupi wavanhu, asi achinongedzera shure kugadziriro yapakuvamba yeroorano. “Hamuna kurava here,” iye anobvunza kudaro, “kuti uyo wakavasika pakutanga, wakavaita murume nomukadzi uye akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba vake naamai vake, achanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe’? Nokudaro havachiri vaviri, asi nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
Donzo rapakuvamba raMwari, Jesu anoratidza kudaro, ndiro rokuti vakwanyina veroorano vanamatire pamwe chete, kuti ivo varege kuchatanura. Kana ikoko kwakadaro, vaFarise vanopindura, kuti, “Mosesi wakagoraireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomurasha?”
“Nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha vakadzi venyu,” Jesu anopindura, “asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro.” Hungu, apo Mwari akatanga mupimo wechokwadi weroorano mubindu reEdheni, haana kuita gadziriro yechatanuro.
Jesu anopfuurira kuudza vaFarise, kuti: “Ndinoti kwamuri: aninani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe [chiGiriki, por·neiʹa], akawana mumwe, anoita upombwe.” Iye nomutoo iwoyo anoratidza kuti por·neiʹa, uhwo huri hutere hwakakomba hwevatano, ndicho chikonzero bedzi chinotenderwa naMwari nokuda kwechatanuro.
Vachiziva kuti roorano inofanira kuva mubatanidzwa usingagumi une ichi chikonzero bedzi chechatanuro, vadzidzi vanosundwa kuti: “Kana zvakadaro pakati pomurume nomukadzi, hazvina kunaka kuwana.” Hapana panikiro kuti munhu ari kurangarira roorano anofanira kurangarira zvakakomba kusaguma kwechisungo cheroorano!
Jesu anopfuurira kutaura pamusoro pokusaroora. Iye anotsanangura kuti vamwe vakomana vanoberekwa vari ngomwa, vachiva vasingakwanisi roorano nemhaka yokusakura muvatano. Vamwe vakaitwa ngomwa navanhu, vachiva vakaremedzwa noutsinye muvatano. Pakupedzisira, vamwe vanodzvinyirira chishuvo chokuroora nokufarikanya vatano kuti vagogona kuzvipa vamene zvizere zvikuru kuzvinhu zvine chokuita noUmambo hwamatenga. “Ungagamuchira shoko iri [rokusaroora], ngaarigamuchire,” Jesu anogumisa kudaro.
Vanhu zvino vanovamba kuunza vana vavo vaduku kuna Jesu. Vadzidzi, zvisinei, vanotuka vana ndokuedza kuvaendesa, pasina panikiro vachida kudzivirira Jesu pafunganyo isiri madikanwa. Asi Jesu anoti: “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninaani usingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mahuri.”
Jesu pano anogovera zvidzidzo zvakaisvonaka zvakadini! Kuti tigamuchire Umambo hwaMwari, tinofanira kutevedzera kuzvininipisa nokudzidzisika savana vaduku. Asi muenzaniso waJesu unoratidzirawo kuti kunokosha sei, zvikurukuru nokuda kwavabereki, kupedza nguva vane vana vavo. Jesu zvino anoratidza rudo rwake nokuda kwavaduku kupfurikidza nokuvafungatira nokuvakomborera. Mateo 19:1-15; Dheuteronomio 24:1; Ruka 16:18; Marko 10:1-16; Ruka 18:15-17.
◆ Mirangariroi yakasiana ina vaFarise pachatanuro, uye naizvozvo ivo vanoedza sei kuedza Jesu?
◆ Jesu anobata sei nenhamburiko yavaFarise yokumuedza, uye chii chaanopa sechikonzero bedzi chechatanuro?
◆ Neiko vadzidzi vaJesu vachiti hakuna kunaka kuroora, uye irumbidzoi inogovera Jesu?
◆ Chii chinotidzidzisa Jesu nokubata kwake navana vaduku?