Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Pane zera dukusa here rokuti murume wechiKristu arumbidzwe somubatiri anoshumira muungano?
Aiwa, Bhaibheri harigadzi zera dukusa ripi neripi.
Muna Israeri wakare, Mwari aidudza mazera muzvimwe zvinoitika. Vanhurume vainyorwa nokuda kwebasa rehondo vaifanira kuva namakore 20 okukura; vakomanawo zvavo vaisatumirwa kuhondo, sezvinoitika munzvimbo nhasi. Zera rakanga ririwo chinhu chinokosha nokuda kwavaRevhi. VaKohati vaibatira patabhernakeri vaifanira kubvira pamakore 30 kusvikira ku 50 ezera. Neiko? Iyi ganhuriro yakadudzwa pamusoro poku“bate basa, nebasa rokutakura mitoro mutendi rokusongana.” (Numeri 4:3, 47) Kunoratidzika kuti vaRevhi vaigona kuvamba kuita mabasa akareruka pa 25, asi vaifanira kuva ne 30 vasati vagoverana mumabasa makuru namaropafadzo akawanda omutoro okuparadza, okudhonza, uye kubatanidza tabhernakeri. (Numeri 8:24-26) Basa rinorema rakadaro harisati raizodikanwa gare gare patembere, naizvozvo vaRevhi panguva iyoyo vakavamba kubatira pezera re 20.—1 Makoronike 23:24.
Asi apo Jehovha akarega kushandisa Israeri wokunyama ndokuvamba kushandisa Israeri womudzimu, ko akataura zera dukusa nokuda kwavabatiri vanoshumira (madhikoni) muungano yechiKristu here?
Munhu angafunga saizvozvo, kuchivakirwa pachinyorwa chamazana amakore apashure. MuChechi yeRoma Katurike, dhikoni “mufundisi akagadzwa, pedyo pasi penzvimbo yomuprista, mugadziriro yakatangwa nenzira youmwari yenhevedzano muChechi.” Antiquities of the Christian Church yaBingham inoti: “Mabhishopi namapuresibheta [vakuru] . . . vangasagadzwa kazhinji kazhinji vasati vasvika makore makumi matatu; asi madhikoni aibvumidzwa kugadzwa pamakore ane makumi maviri namashanu, ndizvo kwete pamberi. Iyi ndiyo nhambo yakaiswa nezvose zviri zviviri mutemo wehurumende nechechi . . . Hatiwanzosangana nechinoitika chomunhu upi noupi akagadzwa pamberi pezera ramakumi maviri namashanu, munhau yose yeChechi.”
Ndezvipi, kunyanguvezvo, zviri zvikwaniriso zvinowanwa muBhaibheri? Zvinopiwa bedzi ndiizvo zvinodudzwa pana 1 Timotio 3:8-10, 12, 13, (NW): “Nenzira yakafanana, vabatiri vanoshumira vanofanira kuva vane mufungo, vasati vari vanotaura mashoko maviri anopesana, vasati vari vanonwisa waini, vasati vari vana makaro emhindu isino kutendeseka, vanochengeta chakavanzika chitsvene pamwe nehana yakachena. Uyewo, regai ivava vatange kuidzwa pamusoro poukodzeri, ipapo varegei vabatire savashumiri, sezvo ivo vasina pomero. Vabatiri vanoshumiri ngavave varume vomukadzi mumwe, vanotungamirira nomutoo wakaisvonaka vana nedzimba dzavo vamene. Nokuti varume vanoshumira nomutoo wakaisvonaka vanozviwanira vamene chimiro chakaisvonaka uye rusununguko rukuru rwokutaura nokutenda muhumwe naKristu Jesu.”
Tinogona kuona pano kuti hapana zera dukusa rokugadzwa somubatiri anoshumira rinodudzwa. Naizvozvo apo vakuru vanosangana kuzokurukura zvikwaniriso zvavanhurume vomuungano, ivo vanogona kurangarira kuti hapana hwaro hweBhaibheri hwokuda kuti murume wechiKristu ave namakore 20, 25, kana kuti 30 ezera asati agona kurumbidzwa ndokubatira. Bhaibheri rinonongedzera kuavo vane nzvimbo iyi sa“varume vanoshumira,” naizvozvo hatisati taizotongovakarira kuva vari mumakore avo apakuvamba kana kuti apakati pouduku. Richitsigira ikoku, Bhaibheri rinotaura kuti vabatiri vanoshumira vangava vakaroora ndokuva nevana ivo vamene.
Kupfuurirazve, varume vanorumbidzwa savabatiri vashumira vanofanira kuva “vakaidzwa pamusoro poukodzeri,” kuchipa hufakazi hwokuva nepfungwa yomutoro. Ikoko hakusi kutaura kuti ivo vabatire nhambo yomuedzo. Panzvimbo pezvo, ivo vanofanira kuva varatidza ukuru mumudzimu hwechiKristu munhambo ine mufungo yenguva (vachiva vabhapatidzwa rinenge gore rimwe), vachiva varume vanodisa uye vanokwanisa kuita zvinhu zvinogoverwa kwavari. Kana jaya “rine mufungo” richiratidzira aya mavara, uye iye achizvininipisa uye achisvitsa zvimwe zvikwaniriso, vakuru vangamurumbidza nokuda kwokugadzwa kunyange kana achigere kuva namakore 20 okukura. Vamwe varume vangava vakuru zvikuru apo vanoratidzira zvakajeka kuti vanosvitsa zvikwaniriso zvo‘kushumira nomutoo wakaisvonaka, vachizviwanira vamene chimiro chakaisvonaka norusununguko rukuru rwokutaura.’