Chikonzero Nei Uchifanira Kuziva Zvokwadi Pamusoro paAbrahama
ABRAHAMA—igamba rengano kana kuti muporofita wechokwadi here? Mhinduro yomubvunzo iwoyo inokosha sei? Mukuwirirana nokuverenga nguva kweBhaibheri, Abrahama akararama makore 4 000 apfuura. Vamwe naizvozvo vangarangarira kuti, ‘Musianoi wakunoita kana iye akavapo chaizvoizvo kana kuti kwete?’
Eya, hafu yavagari venyika ndeyamarudzidziso anotaura kuti anodavira muna Abrahama. 1988 Britannica Book of the Year inoronga 32,9 muzana yenyika seyechiKristu, 17,2 muzana yechiMuslim, uye 0,4 muzana yechiJudha, uye Abrahama munhu akatanhamara mumatatu ose weaya marudzidziso. Zvirokwazvo, vatendi vapachokwadi vanobva muuku kutenda vanofanira kuda kuva nechokwadi chokuti chavakadzidziswa pamusoro paAbrahama izvokwadi. Kunyange avo vari vamamwe marudzidziso kana kuti avo vasingamboti ndovorudzidziso vanofanira kufarira. Neiko?
Nemhaka yokuti Bhaibheri rinotaura kuti Abrahama akanga ari muporofita. (Genesi 20:7) Iroro ishoko reBhaibheri rinoshandiswa kurondedzera mutauriri waMwari ane shoko ravamwe vanhu. Kana Abrahama akanga ari muporofita wechokwadi, vose vanobetserwa. Neiko? Nemhaka yokuti shoko raakagamuchira raiva namashoko akanaka orudzi rwose rwomunhu. (VaGaratia 3:8) Mukuwirirana neBhaibheri, Mwari akapikira Abrahama, kuti: “Mhuri dzose dzapasi dzichazvikomborera dzimene zvamazvirokwazvo kupfurikidza newe.”—Genesi 12:3, NW.
Ichocho chipikirwa chinokatyamadza, uye Abrahama akachinzwa chichitaurwa panenge padzimwe nhambo mbiri. (Genesi 18:18; 22:18) Kuti achizadzike, Mwari achatomutsa muna vakafa vamiriri vemhuri vakafa. Upenyu hwavanomutswa vakadaro huchava chikomborero zvirokwazvo, sezvo vazhinjisa vavo vachadzokera kumugariro wapasi wakafanana neParadhiso iyo munhu akarasikirwa nayo pakuvamba-vamba. Pashure paikoko, ivo vachadzidziswa nzira yokuwana nayo chikomborero choupenyu husingaperi.—Genesi 2:8, 9, 15-17; 3:17-23.
Kudai, pane rumwe rutivi, Abrahama aingova zvake munhu wengano, hakusati kwaizova nohwaro hwokudavira chipikirwa chinoshamisa chaakagamuchira. Kupfuurirazve, kana zvipikirwa zveBhaibheri zvisingagoni kuvimbwa, vamwe vangaita nharo dzokuzvipa vamene chose chose kumifarwa youpenyu hwazvino. Mumwe wamaKristu apakuvamba akanyora, achiti: “Kana vakafa vasingamutswi, ‘ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.’”—1 VaKorinte 15:32.
Naizvozvo, une chikonzero chiri chose chokunzvera mubvunzo wokuti, Ko Abrahama aingova zvake gamba rengano kana kuti akanga ari muporofita wechokwadi here? Kungakukatyamadza kuziva izvo vakuru vorudzidziso vakatanhamara vomuzana ramakore rechi 19 vakataura pamusoro paikoku. Chibviro chenguva iyoyo, vacheri vamatongo vakaita zviwanwa zvinoshamisa izvo zvinodenha mirangariro yavakuru vorudzidziso ivavo.