RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 6/15 p. 3
  • Tichazombovaonazve Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tichazombovaonazve Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Kumutswa Kwevakafa—Kuchatoitika!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Tariro Yokumuka Ndeyechokwadi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • “Hakugoni Kuva Kwechokwadi!”
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • Chii Chinoitika Kuvadiwa Vedu Vakafa?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 6/15 p. 3

Tichazombovaonazve Here?

“Iwe wakatisiya nokusingaperi. Kwakanga kusingakarirwi kwazvo. Asi pasinei zvapo namaronda akadzama ayo rufu rwako rwakasiya shure, mumwoyo yedu nguva dzose uchava nesu. Hatisati tichizotongokanganwa makore anoshamisa atakafarikanya newe kana kuti kurega kukarira kukuonazve rimwe zuva.”

MUGRAND Duchy yeLuxembourg, mhuri mhenyu neshamwari vanotaura vataurazve mirangariro yakadai seiyi muziviso dzechirangaridzo dzomumapepanhau dzinobudiswa pashure porufu rwomudiwa. Mifungo yakafanana inofungwa navamwe munyika yose, mifungo youshamwari yokuyeuka, pamwe chete nokupererwa nezano kunoodza mwoyo pamusoro pokurasikirwa kwavo—tariro yakavhenganiswa nokusava nechokwadi. Iwe ungave wakava nokuita kwakadaro kana kuti wakanzwa nezvako kushamwari pashure porufu rwomudiwa.

Nokuda kwavanhu vazhinjisa, tariro yokuonazve vadiwa vavo vakafa yakavhiringidzika uye haina kujeka. Zvikonzero zvacho zviri pachena. Kutanga, hakutongorina nomunhu upi noupi mazuva ano anotora nguva chaizvoizvo yokuzviraidza amene pamusoro penhau yacho. Uye apo mumwe munhu anoidza kudaro, mashoko anopiwa namarudzidziso mazhinjisa panhau yacho haana kujeka zvikuru kana kuti zvimwe ndeechienzi zvikuru zvokusagona kuva anopwisa.

Sezvaungaziva, nokuda kwavazhinji “upenyu hwomunguva yemberi” bedzi hwavakafa kupfuurira kwemitsara yavo yemhuri. Iwe ungave wakanzwa murangariro wokuti vanhu ‘vanopfuurira kurarama muvana vavo.’ Asi ko “upenyu” hwakadaro hunounza betsero ipi neipi here ine mufungo kuvakafa kana kuti kariro ipi neipi yokuti vapukunyuki vavo vavaonezve? Nyangwe! Naizvozvo mumurangariro wakadaro mune nyaradzo duku chaizvoizvo!

Nokuda kwefariro muvadiwa vedu timene, vose vari vaviri avo vakafa naavo vachiri kurarama, tinoda mhinduro dzemibvunzo: Kana mumwe munhu watinoda akafa, tichazomboonazve iyeyo here? Kana mhinduro iri hungu, ikoko kuchava rini uye kupi? Mudenga here? Kana kuti kunyange pano pasi pano here? Chaizvoizvo, itariroi iripo nokuda kwavadiwa vakafa uye nokuda kwedu munguva yemberi?

Kujeka zvikuru, kune mashoko akanaka pamusoro peiyi mibvunzo. Akanaka mupfungwa yokuti kune tariro yechokwadi, inofadza. Iwo mashoko nemhaka yokuti ishoko rakasiana neiro vanhu vazhinjisa vakanzwa, kunyange kumanyuko orudzidziso.

Muzana rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose, apo mufundisi wechiKristu Pauro akanga ari muAtene, Girisi, akataura pamusoro petariro yapaMagwaro yavakafa. Vamwe vateereri vaibvunza, asi vamwe vakanzwa noruzvidzo. Vazivi vakati vakada kupfuuridzira kurukurirano inomutsa nharo naye, uye ivo vakati: “Ko uyu mutauri wezvisina maturo unoda kureveiko?” Vamwe vakataura kuti akanga ari “‘muparidzi wavamwari vasingazikanwi.’ Nokuti wakavaparidzira Jesu nokumuka kwavakafa.” (Mabasa 17:18) Hungu, mashoko akanaka ayo Pauro aifanira kutaura akabatanidza rumuko!

Iwe ungarangarira seiko kutaura pamusoro porumuko rwomunguva yemberi—kwokuona vakafa vari vapenyuzve? Iko kungaratidzika kuva kutaura kusina maturo here? Kana kuti, nemhaka yedzidzo yako yorudzidziso nemirangariro yako yomunhu oga, ko shoko raMagwaro Matsvene pamusoro petariro yavakafa rinoratidzika kuva idzva nerechienzi kwauri here, sokunge rinobva kuna ‘mwari wokumwe’?

Kuna Pauro, vaAtene vakati: “Unoreva zvimwe zvinhu zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kunzwa kuti zvinhu izvi ndezveiko.” (Mabasa 17:20) Ko iwewo unoshuva kudzidza zvakawanda pamusoro petariro yeBhaibheri yavakafa vedu, uye yedu vapenyu here? Kana zvakadaro, nyaya inotevera ichakufadza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe