Upenyu hwaJesu Noushumiri
Vane Maperembudzi Gumi Vanoporeswa Mukati Morwendo Rwokupedzisira rwaJesu muJerusarema
JESU anodzivisa nhamburiko dzeSanhedrini dzokumuuraya kupfurikidza nokubva muJerusarema ndokuenda kuguta raEfraimi, zvichida makiromita 24 bedzi kana kuti kupfuura kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweJerusarema. Iye anogara ikoko navadzidzi vake, kure navavengi vake.
Zvisinei, nguva yePaseka ya 33 N.V. iri kuswedera pedyo, uye nokukurumidza Jesu anofamba zvakare. Iye anofamba nomuSamaria uye anokwira ndokupinda muGarirea. Iyi ndiyo shanyo yake yokupedzisira kunharaunda iyoyi pamberi porufu rwake. Ari muGarirea, sezvingabvira iye navadzidzi vake vanokumbanira vamwe vari kuenda Jerusarema nokuda kwokuchengeta Paseka. Ivo vanotora nzira inopfuura nomuruwa rwePerea, kumabvazuva kwoRwizi rwaJoridhani.
Pakuvamba murwendo rwacho, Jesu achipinda mumwe musha zvimwe muSamaria kana kuti muGarirea, anosangana navarume gumi vane maperembudzi. Iyi hosha inotyisa pashoma napashoma inobvisa mativi omuviri omunhu—minwe yake, zvigunwe zvake, nzeve dzake, mhino yake, uye miromo yake. Kudzivirira vamwe kuti vasatapurwe, Mutemo waMwari unoti pamusoro paane maperembudzi: “Unofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti: ‘Ndakaipa, ndakaipa!’ Mazuva ose aane hosha iyo, uchava usina kunaka; . . . Ngaagare ari oga.”
Vane maperembudzi gumi vanochengeta ganhuriro dzoMutemo dzavanamaperembudzi uye vanoramba vari kure naJesu. Bva, ivo vanodanidzira namanzwi makuru, kuti: “Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!”
Achivaona vari kure, Jesu anoraira, kuti: “Endai mundozviratidza kuvaprista.” Jesu anotaura ikoku nemhaka yokuti Mutemo waMwari unopa chiremera vaprista chokuzivisa savarapwa vane maperembudzi avo vakanaya muchirwere chavo. Neiyi nzira vanhu vakadaro vanogamuchira tendero yokugarazve navanhu vane utano.
Vane maperembudzi gumi vane chivimbo mumasimba enenji aJesu. Naizvozvo ivo vanokurumidzira kuenda kundoona vaprista, kunyange zvazvo ivo vachigere kuporeswa. Vari munzira, kutenda kwavo muna Jesu kunotuswa. Ivo vanovamba kuona ndokunzwa utano hwavo hwadzorerwa!
Vapfumbamwe vavane maperembudzi vakacheneswa vanopfuurira panzira yavo, asi mumwe ane maperembudzi, muSamaria, anodzokera kuzotsvaka Jesu. Neiko? Nemhaka yokuti iye anoonga zvikuru nokuda kwezvaitika kwaari. Iye anorumbidza Mwari nenzwi guru, uye apo anowana Jesu, anowira patsoka dzake, achimutenda.
Mumhinduro Jesu anoti: “Havana kuporeswa vane gumi here? Vapfumbamwe varipiko? Hapana wakawanikwa wakadzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?”
Ipapo iye anoudza muSamaria, kuti: “Simuka, uende; kutenda kwako kwakuporesa.”
Patinorava nezvokuporesa kwaJesu vane maperembudzi gumi, tinofanira kufungisisa chidzidzo chinorehwa nomubvunzo wake: “Vapfumbamwe varipiko?” Kusaonga kwakaratidzirwa navapfumbamwe chikanganiso chakakomba. Ko isu, kufanana nomuSamaria, tichazviratidza timene kuva vanoonga nokuda kwezvinhu tinogamuchira kuna Mwari, kubatanidza chipikirwa chakati choupenyu husingaperi munyika itsva yakarurama yaMwari here? Johane 11:54, 55; Ruka 17:11-19; Revhitiko 13:16, 17, 45, 46; Zvakazarurwa 21:3, 4.
◆ Jesu anodzivisa sei nhamburiko dzokumuuraya?
◆ Jesu anotevera kuendepi, uye ndoupi uri mugumo wake?
◆ Neiko vane maperembudzi vachimira kure, uye neiko Jesu achivaudza kuenda kuvaprista?
◆ Chidzidzoi chatinofanira kudzidza muichi chinoitika?
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 9]