RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 9/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Munhu Angaita Mabasa Akanaka Pasabata Here?
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Aida Vanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • “Enda Ugeze Mudziva reSiroami”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • ‘Kuporesa Kunoshamisa’ Kwemazuva ano—Kunotsigirwa naMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 9/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Ko vanhu vanorwara navakaremara vakaporeswa zvomenemene here mumvura dzakabvongodzwa dzeBhetesdha, sezvinokarakadza Johane 5:2-7? Uye kana zvakadaro, manenji iwayo akaitika nesimbai?

Zvomenemene, nhauro iri pana Johane 5:2-9 haisati ichisimbisa kana chiverengero chakati chokuporesa kwamanenji chakaitika ipapo padziva romuJerusarema rakare. Nenji bedzi ratinogona kuva nechokwadi chokuti rakaitika raiva riya rakaitwa naJesu Kristu paakaporesa mumwe murume uyo kwamakore 38 akanga ave achirwara. Tinogona kugamuchira iri nenji, nokuti mushumo waro uri muMagwaro akafuridzirwa. (2 Timotio 3:16) Asi vazhinji vomuJerusarema shure panguva iyeyo vaidavira kuti mamwe manenji akanga aitika panzvimbo iyoyo, kunyange sezvo vazhinji nhasi vachidavira kuti kurapa kwamanenji kunoitika panzvimbo inoyera.

Cherechedza izvo Bhaibheri rinotaura, uye izvo iro zvomenemene risingatauri: “Zvino paJerusarema pedyo nesuo ramakwai kwaiva nedziva rainzi Bhetesdha nechiHebheru, raiva namabiravira mashanu. Mukati mawo makanga muvete vazhinji vairwara, mapofu, nezvirema, navakawonyana,    [vaigarira kubvongodzwa kwemvura. Nokuti mutumwa aiburukira mudziva iro neimwe nguva, achibvongodza mvura; zvino uyo waitanga kupinda mumvura yaibvongodzwa waiporeswa, kunyange akanga akabatwa nokurwara kupi nokupi.] Zvino kwaivapo mumwe munhu, wakanga abatwa nokurwara kwake makore makumi matatu namasere. Jesu wakati aona munhu uyu avete pasi, zvaaiziva kuti wakanga akadaro nguva huru, akati kwaari: ‘Unoda kuporeswa here?’ Murwere akamupindura, akati: ‘Ishe, ndinoshaiwa munhu unondiwisira mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi ndinoti kana ndoenda, mumwe wonditangira kupinda.’ Jesu akati kwaari: ‘Simukai, tora nhovo dzako, ufambe.’ Pakarepo munhu uyu akaporeswa, akatora nhovo dzake, akafamba.”—Johane 5:2-9.

Dziva rinonongedzerwa kwariri rakanga riri pedyo ne“suo ramakwai,” iro sezviri pachena rakanga riri kumusoro kwakadziva kumabvazuva kweJerusarema pedyo negomo retembere. (Nehemia 3:1; 12:39) Kuchera kwemisi ichangobva kupfuura kwakawana ufakazi hwamadziva maviri akare, ane zvisaririra zvembiru nehwaro izvo zvinoratidzira kuti chivako chine mabiravira aivapo munguva yaHerodhe, sezvinotaura Johane 5:2. Asi chii icho vanhu shure ikoko panguva iyoyo vakafunga kuti chingaitika pano?

Cherechedza mutsetse mumashoko ari pamusoro apa anokorwa Johane 5:2-9. Bhaibheri reShona rinobatanidza chimwe chikamu chokuwedzera icho chinonyorwa saJohane 5:4. Wedzero iyoyo inotaura chimwe chinhu chakadai: “Nokuti ngirozi yaShe yaiburuka ichipinda mudziva pamwaka nomwaka ndokubvongodza mvura; wokutanga panguva iyeyo kupinda pashure pokubvongodzwa kwemvura aiva akasimba muutano pahosha ipi kana ipi yaaitambudzwa nayo.”

Zvisinei, chiverengero chakati chamaBhaibheri azvino uno, kubatanidza New World Translation of the Holy Scriptures, chinosiya ichi chikamu. Neiko? Nemhaka yokuti sezvinobvira chose chakanga chisiri muEvhangeri yaJohane. Mashoko omuzasi omuThe Jerusalem Bible anotaura kuti “zvapupu zvakanakisisa” zvinosiya ichi chikamu. “Zvapupu zvakanakisisa” zvinorehwa manyoro echiGiriki akare, zvakadai seCodex Sinaiticus neVatican 1209 (ose ari maviri ezana ramakore rechi 4 N.V.), uye shanduro dzapakuvamba muSyriac nomuLatin. Pashure pokududza ‘kusavapo kwendima 4 mumanyoro amagwaro akanakisisa,’ The Expositor’s Bible Commentary inowedzera, kuti: “Kunowanzorangarirwa setsinhiro yakatangwa kutsanangura kubvongodzwa kwapanhambo nenhambo kwemvura, uko vanhu vairangarira kuva manyuko anobvira okuporesa.”

Naizvozvo Bhaibheri haritauri chaizvoizvo kuti ngirozi yakabva kuna Mwari yakaita manenji padziva reBhetesdha. Eya, ko kuporesa kwenenji kwakaitika here apo mvura yakabvongodzwa? Hapana munhu nhasi anogona kutaura zvechokwadi. Zvimwe gamuchidzanwa rakavapo nenzira yakati rokuti vanhu vanorwara kana kuti vakaremara vakanga vaporeswapo. Apo bedzi nhau dzokuporesa kunofungidzirwa dzinopararira, vanhu vapererwa nezano rose vanokarira kurapwa vangave vakavamba kuunganapo. Tinoziva kuti ikoku kwakaitika panzvimbo dzakasiana-siana munguva yedu, kunyange apo kunenge kusina chitendiso chinotsigirwa chokuporeswa kwoumwari.

Hatifaniri, kunyanguvezvo, kupanikira pamusoro pokuporesa uko Mwanakomana waMwari akaita padziva reBhetesdha. Chokwadi, pasina kunyange kupinda mumvura, murumeyo akaporeswa nokukurumidza noMurapi Mukuru. Mano ake akatsigirwa okuita ikoku anofanira kutipa chikonzero chokukarira kuporesa kwaachaita pamwero mukuru mukati meMireniyumu iri kusvika. Iye achaporesa ndokubetsera vanhu vakatendeka kudzokera kukukwana.—Zvakazarurwa 21:4, 5; 22:1, 2.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe