‘Vana Vanorida Chaizvo’
Mamirioni emhuri akafarikanya Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Nhauro dzaro dzeBhaibheri 116 dzinopa muravi pfungwa yezvinotaura Bhaibheri. Pakuvamba gore rapera mumwe munhu muWestern Australia akaratidzira kuti bhuku racho rinoorora sei, achitsanangura, kuti:
“Ini ndiri mudzidzisi uye ndinotsvaka kukurudzira vana vari mutarisiro yangu kupa basa ravo rose rechikoro kuna Mwari naJesu, sezvandinoitawo mubasa rangu nokuda kwavana. Ndinoedza zvakaoma kuravira kirasi yangu ‘Bhuku [renyu] Renhau dzeBhaibheri’ randakatenga kumumwe weZvapupu zvenyu zvinoshanyira. Vana vanoda bhuku racho, nhau dziri mariri, uye vanokumbira dzimwe pandinoisa bhuku racho pasi.”
Kune here vana vaunoziva vangafarikanyawo Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri? Iwe unogona kugamuchira kopi nokuzadza ndokuposita kopani inotevera. Bhuku racho rine mapeji 256, ukuru humwe chetehwo samagazini ino. Rine mifananidzo mikuru 125, mizhinjisa yayo ine ruvara rwakaisvonaka.
Ndapota nditumirei, muchiripira mari yokuposita, bhuku rine butiro rakasimba Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, randinopfigirira $4,00.