“Shoko Rinotaurwa Nenguva Yakafanira”
“Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirvheri,” inodaro Zvirevo 25:11. Mashoko edu okurangarira namabasa omutsa zvinogona kusunda nounyoro mwoyo womunhu akarurama munzira yetendero yaJehovha. Chimwe chinhu chatingave takataura kana kuti kuita, kunyange makore apfuura, chingava chichiri kuyeukwa zvakanaka nomumwe munhu. Somuenzaniso, achishanyira ungano, mutariri wedunhu nomudzimai wake vaiva vaenzi vehanzvadzi yakanga ichangobva kubhapatidzwa. Mudzimai womutariri wedunhu akatumira tsamba yokutenda mukuonga mutsa wakaratidzwa. Anopfuura makore manomwe gare gare, iye akagamuchira tsamba inotevera:
“Ndakanzwa kuti ndaitofanira kunyora ndokukuudzai nezvebetsero yamave muri kwandiri mumakore ose apfuura musingakuzivi chaizvoizvo. Ndakaita kuti imi naJim muuye nokuda kwezvokudya zvamasikati zvishomanene, uye imi makanditumira kadhi rakaisvonaka zvikuru rokutenda. Rakanga riri roushamwari zvikuru, asi rwakanga rwuri rugwaro rwakaorora mwoyo wangu, uye handina kutongorukanganwa. Umu makanga muri muna 1976. Ndakanga ndiri ini bedzi mumhuri yangu aifarira zvokwadi chaizvoizvo. Ndakafunda navasikana vangu ndokuedza kuva mudzimai akanaka. Asi padzimwe nguva ndaida kunze, kunze kwezvokwadi, kunze kwemitoro—kunze chete. Asi rugwaro rwuya rwamakanyora rwaikweva mwoyo wangu, uye ndaiti kwandiri ndimene, ‘Ndine udyire sei,’ ndokuramba ndichienda.
“Hapana chinhu chimwe mumakore masere ose iwayo chaiva nomuuyo wakadaro pandiri, uye ndaida kukuudzai pamusoro pako. Kunze kworugwaro, ndakafunga kuti kwakanga kwakaisvonaka sei kuti mumwe munhu akabatikana semi angawana nguva yokundionga nokuda kwokuita chimwe chinhu chandinofanira kuva ndichiita.
“Haiwa,” hungu—rugwaro rwacho—2 Johane 8.
“Sandra”
Nhasi, murume waSandra akabhapatidzwa uye anomukumbanira somuparidzi wamashoko akanaka. Mumwe wavanasikana vavo vaviri ndipiona wenguva dzose, uye mumwe musikana ave achiita upiona hwebetsero chibviro chokupedza kwake kufunda pachikoro chapamusoro misi ichangobva kupfuura.
Pakupedzisira, 2 Johane 8 inotii? “Zvichenjerei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubairo wakakwana.”