Mari Dzakare Dzinopupurira Zvokwadi Youporofita
MARI dzinorira muhomwe yako kana kuti chikwama dzingava neshoko duku kunze kwokuti iwe unogona kutenga chinhu chiduku. Asi mari dzakati dzine shoko rinokosha zvikuru.
Chinguvana pamberi porufu rwake, Jesu akaporofita kuti ruparadziko rwunotyisa rwakanga rwuchiuya paJerusarema, dzimbahwe rorudzi rusina kutendeka rwaIsraeri. (Mateo 23:37–24:2) Jesu akati: “Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti rodokuparadzwa. Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo . . . nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zviitike.”—Ruka 21:20-22.
Panguva iyoyo, vaJudha vaiva muudzori hwakasimba hweRoma ine simba. Ko zvino, uporofita hwacho hwaigona sei kuva hwechokwadi? Eya, vaJudha vakapandukira muna 66 N.V. Cestius Gallus akatungamirira mauto eRoma ane simba mukurwisana navo uye kunyange kukomberedza Jerusarema, seizvo Jesu akanga adeya kutaura. Ipapo, nokuda kwechikonzero chisiri pachena, vaRoma vakadzokera nechimbichimbi. Vapanduki vakafarira rukundo rwakaratidzika kureva rusununguko pakupedzisira. Ivo vakatoita mari, yakadai seinoonwa pano. (Nhamba 1, 2)
Asi vadzidzi vaKristu havana kunyengedzwa. Vachiteerera nyevero yake yo‘kutizira kumakomo’ ivo vakasia misha yavo muJudhea. Ivo vakatiza vachidzika kuRwizi rwaJoridhani nemhiri, ipapo kumusoro kundogara muPella. Asi ikoko kwakanga kuri madikanwa here, sezvo makore mashomanene akapfuura uye vaJudha vaiva muJerusarema vakaramba vakasununguka? Kunyange zvazvo vaJudha ivavo vaiva nemari dzavo vamene, vaizokurumidza kusawana zvokudya zvokutenga nayo. Neiko?
Tarira mari inoratidzirwa nenhamba 3 ne 4. Iwe unoona musoro womutungamiriri wehondo weRoma Vespasian, uyo akagadzwa kuti atsive Cestius Gallus. Mukuwirirana neEncyclopædia Britannica, Vespasian aifanira “kutungamirira hondo muJudhea, iyo yakanga ichityisidzira nyongano yavose muMadokero mose, nemhaka yomufungo wakanga wakapararira zvikuru mumativi iwayo wokuti Judhea kwaizobva vatongi vomunguva yemberi venyika. Vespasian, uyo aiva nomurangariro wakasimba wokutenda mashura, akaitwa kuti adavire kuti iye amene aifanira kuzadzika iyi kariro.” Wezvenhau Josephus anorondedzera zvakajeka hondo dzakavapo somuuyo. Pashure pokunge Vespasian ava mambo muna 69 N.V., mwanakomana wake Titus akapfuuridzira hondo, kunyange kukomberedza Jerusarema. Nzara norutyo zvakarwadza avo vakabatwa vari mukati. Apo guta rakawa, masvingo aro akapunzwa uye tembere yaro yakaparadzwa.
Ndokupi kwaiva kurasikirwa navanhu kuavo vakanga vafuratira nyevero yaJesu? “Nokuda kwavanhu vane nzara zvishoma ivo vakadzivirira nhare yavo nesimba rinokatyamadza, vachirasikirwa navanopfuura zana rimwe rechiuru vemitezo yavo mukudarozvo. Vanodokuva vakawanda zvakadaro zvakare, vachiva vamanikidzirwa kupupurira chiono chinorwadza chokupisa, kupamba, uye ruparadziko rwakakwana rwetembere yavo inoyera, vakapinzwa muuranda, vazhinji vavo vachimanikidzirwa . . . kubatira savarwi vakashurikidzwa kana kuti savavhimwi vasina betsero nezvikara mu‘mitambo’ inoshamisa iyo Titus anokurira akaita.”—Coins of Bible Days.
Iri bhuku rinotsanangura kuti muna 71 N.V. Vespasian naTitus vakafamba norukundo nomuRoma kuchengeta rukundo irworwu. Asi “zvinogara zvikuru kupfuura ratidzirwo dzipi nedzipi kana kuti mitambo dzakanga dziri idzi mari dzakawanda ‘dzorukundo’” Imwe yakanga iri mari yendarama (Nhamba 5) yakaitwa naVespasian kuchengeta kukunda Judhea kweRoma.
Kunyange zvazvo vaJudha vakawanda vangave vakaseka kutaura kwouporofita kwaJesu pamsoro pomugumo wetsika yechiJudha, mashoko ake akaitika, sezvinopupurira idzi mari. Uporofita hwaJesu hune zadziko huru nhasi, kunongedzera kungwavaira iri kusvika yetsika yazvino yenyika yose yezvinhu. Iwe umene unofanira kuziva icho shoko romuzuva razvino riri uye kuti unogona sei kudzivisa kuva nyajambwa weiyi ngwavaira iri kusvika.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 31]
1. Mberi: Prutah (kana kuti perutah) yebronze yakagadzirwa pashure peMukiro Yokutanga (66-70 N.V.), inoratidza jagi (mudziyo une mibato miviri). Mashoko echiHebheru anoti “Gore rechipiri,” kureva 67 N.V., gore rechipiri resimba rokuzvitonga ravaJudha.
2. Seri: Shizha romuzambiringa rakapoteredzwa namashoko anoti “Rusununguko rweZioni” kana kuti “Kununurwa kweZioni.”
3. Mberi: Mari yebronze yakaitwa naMambo Vespasian kuchengeta kukundwa kweJudhea. Mashoko akadimurirwa echiLatin akapoteredza pikicha yake ndiIMP[erator] (Mambo) CAES[ar] VESPASIAN[nu] AVG[ustus] P[ontifex] M[aximus] (muprista mukuru), TR[ibunicia] P[ostestate] (mubati wesimba romukuru mukuru wehurumende) P[ater] P[atriae] (baba wenyika yamadzibaba), CO[n]S[ul] III (muukuru hwake hwechitatu), uyo unoisa musi mari yacho kusvika kuna 71 N.V.
4. Seri: Kuruboshwe kuna Mambo Vespasian anofara (kana kuti Mutungamiriri wehondo Titus) akapfeka nguvo dzehondo, akabata munondo nomupeni, tsoka yake yakaiswa pangoani. Kurudyi kune muJudhakadzi akagara pachidzitiro chesimbi chapachifuva pasi pomudate palm; ari kurira nokuchema. Mashoko okuti IVDAEA CAPTA anoreva kuti “Judhea Routapwa.” Iyi mari yakanyorwa Senatus C[onsulto], kureva “nebvumiro yeDare.”
5. Seri: Aureus yendarama yakaitwa naVespasian inoratidzira Judhea mukuchema.
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.