RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 1/1 p. 19
  • Vana Vechikoro Zvapupu Vanorumbidzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vana Vechikoro Zvapupu Vanorumbidzwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Kurumbidza Jehovha Kuchikoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nemudzidzisi Wangu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Vana Vechikoro veNigeria Vakakomborerwa Nokuda Kwokutendeka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Ndinogona Sei Kubatira Pamwe Nomudzidzisi Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 1/1 p. 19

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Vana Vechikoro Zvapupu Vanorumbidzwa

KO iwe, somudzidzi muchikoro, unotya pamsoro pokutaura nokuda kwokutenda kwako here? Zvinoitika zviri pasi apa zvinozivisa kuti izvi Zvapupu zviduku hazvina kutya kutsigira kutenda kwazvo kwechiKristu uye zvakarumbidzwa nokuda kwokuita saizvozvo.

◻ Kuchikoro muAustralia, vadzidzi vacho vakagoverwa kunyora nyaya pamsoro peKrisimisi, asi mudzidzisi akataura kuChapupu chine makore 11 okukura, kuti: “Ini ndinoziva kuti iwe uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, naizvozvo haugoni kunyora pamsoro pokuchengetwa kweKrisimisi. Unogona kunyora nyaya yakasiana pamsoro pe‘Nhau yeKrisimisi.’” Hanzvadzi duku yakaronga nyaya, ichishandisa mashoko akakodzera omuzvinyorwa zveSosaiti namamwe mabhuku enongedzero. Kukushamiswa kwekirasi, mudzidzisi akatsinhira kuti mashoko acho akanga akaisvonaka uye akarurama mune zvenhau. “Panyaya dzose dzandagamuchira, yako ndiyo yakanakisisa mukirasi,” akadaro mudzidzisi. Somuuyo, Chapupu chiduku chakagovera bhurocha rimwe raSchool, magazini 15, bhuku rimwe raUpwere, uye mabhuku maviri aKurarama Nokusingaperi kumudzidzisi wake navadzidzi biyake.

◻ Muchimwe chikoro muAustralia, vana vasere vari Zvapupu vakatarisirwa nomutsivi womudzidzisi masikati mamwe namamwe kwamavhiki matatu okupedzisira echikoro, sezvo vasina kutora rutivi mumibato yeKrisimisi. Iye gare gare akatsinhira kuna amai vavamwe vavana, kuti: “Rutivi rwandakaita rwaingova ruduku bedzi. Vadzidzisi vakati vakapinda ndokubvunza kuti zvinhu zvaifamba sei. Ndakati kwavari: ‘Hazvinei hazvo nechaunofunga nezvorudzidziso rwavo nenzira yavanorega nayo mibato yakati, iri ndiro boka rakanakisisa ravana randisati ndamboshanda naro.’” Mavhiki mashomanene gare gare paakaonwa muushumiri hwapaimba neimba, iye akati: “Gara zviya, makapfuudza here zvandakataura pamsoro pavana kuchikoro? Ndinoda kuti munhu ari wose azive.”

◻ KuUnited States kunobva ichi chinoitika chomukuru mumwe ane makore 17 okukura muchikoro chapamusoro ane kirasi yake yomutemo yakanga yakanyura mukurukurirano pamsoro pamaruramiro anobatanidzwa norusununguko rworudzidziso neparadzano yeChechi neHurumende. Mbiri dzemhaka dzakabatanidza Zvapupu zvaJehovha nenhau yeropa. Hanzvadzi duku yakawana mushumo waikurukurwa wakarerekera kurutivi rumwe uye usina kunaka pamsoro pezvokwadi dzeBhaibheri paropa ndokuudza mudzidzisi wake izvozvo. Iye akapindura kupfurikidza nokumupa banza rokutaura kukirasi. Pamberi pehurukuro yake, vadzidzi vaifunga kuti matare akanga aita chisarudzo chakarurama mukumanikidzira Zvapupu kuisirwa ropa mukurwisana nezvido zvazvo. Asi pashure pokunzwa chibvumikiso chakavakirwa paBhaibheri, kirasi yakavhota nebvumirano mukurwisana nezvisarudzo zvedare. Hanzvadzi yedu yakafara apo vazhinji vavadzidzi vakaisvika ndokukumbira mamwe mashoko pamsoro pezvitendero zveZvapupu zvaJehovha. Iye zvino anotaura kuti anonzwisisa zvizere zvikuru kuti chikoro indima yake chaiyo.

Hungu, imi vana vechikoro mune ndima yechienzi. Pamunova nebanza, pfuurirai nomutsa kubetsera vadzidzi biyenyu kudzidza nezvedonzo rakaisvonaka raMwari, uye muchawana rumbidzo kwete bedzi inobva kuvamwe asi inobva kuna Jehovha amene!—Jobho 40:14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe