Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Neiko Jesu akataura kuti mupuroserite wavaFarise akanga ari “nyajambwa weGehena zvikuru norune kaviri” kupfuura vaFarise?
Sezviri pachena, Vamarudzi vaitendeukira kusekete ravaFarise rechiJudha vaiva nemhosva zvikuru. Vamwe vavo kare vangave vaiva nokusatendera kwaMwari, asi pakuva vaFarise, ivo vaiva vasingatenderwi ruviri, zvamazvirokwazvo vakananga kuruparadziko muGehena.
Mupata waHinomi wakanga uri kumaodzanyemba/kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kwamasvingo eJerusarema. Iwo padzimwe nguva wakanga washandiswa nokuda kwokunamata zvidhori nezvibairo zvavanhu. (2 Makoronike 28:1-3; 33:1-6; Jeremia 32:35) Naizvozvo wakava nzvimbo yokurasira marara, kubatanidza miviri yamagandanga airangarirwa kuva asina kufanira nokuda kwokuvigwa nekariro yorumuko.—Enzanisa naMateo 5:22.
The New Bible Dictionary (rakanyorwa naJ. D. Douglas, 1962) rinotaura kuti ‘mupata waHinomi waiva kunze kweJerusarema, uko vana vaibairwa nomwoto kuna Moreki. Wakava chiratidzo chouporofita chorutongeso uye gare gare chechirango chokupedzisira.’ Jesuit John L. McKenzie, murake Dictionary of the Bible (1965), anowedzera, kuti: “Nemhaka yeiyi [nzvimbo yezvibairo zvavanhu] Jeremia akatuka nzvimbo yacho ndokudeya kutaura kuti yaizova nzvimbo yorufu noushati (Jer 7:32; 19:6 ff). Uyu mupata unonongedzerwa kwauri, kwete nezita muna [Is]aya 66:24, senzvimbo umo miviri yakafa yavapandukiri vaYahwe icharara . . . Mumabhuku avanarabhi, zvisinei, mwoto usingagumi hausati uri zvirokwazvo chirango chisingagumi . . . [Gehena] inzvimbo umo vakaipa vanoparadzwa muviri nomweya, uko zvichida kunoratidzira pfungwa yoruparadziko (Mateo 10:28).”
Patinorava nhauro dzakadai saMateo 15:1-8; Johane 8:12-19, 31-41; 9:13-34; 11:45-53, tinogona kunzwisisa chikonzero nei Jesu akataura kuti vaFarise vakafanirwa nokuroveswa, kwakafananidzirwa neGehena. Chokwadi, vamwe vaipfidza ndokuwana tendero yaMwari, asi seboka, ivo vakanga vakafanirwa noruparadziko rusingagumi. Kristu akati: “Mune nhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri, nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe; kana awanikwa, munomuita mwanakomana weGehena kukunda imi kaviri.”—Mateo 23:15.
Zvakwana nokuda kwavaFarise vechiJudha, asi avo vaiva vapuroserite vaizova sei ‘nyajambwa weGehena zvikuru rune kairi’ kupfuura vaFarise? Ava vapuroserite vakanga vasati vari Vamarudzi vaiitira havo tsitsi vaJudha kana kuti kunyange avo vakatendeuka ndokudzingiswa. (Ruka 7:2-10; Marko 7:24-30; Mabasa 8:26-34; 10:1, 2) Aiwa, Jesu akanga asiri kutaura nezvavapuroserite kuchiJudha asi nezvavapuroserite kuchiFarise chinonyengera. Mugariro wavo wakanga wava wakadini?
Vamwe vaivava pakutanga vangava vaiva vatadzi vakakomba kana kuti vanamati vokunyanyisa vavamwari vamadhemoni, nokudaro vachiva nokusatendera kwakakomba kwaMwari. Zvichida vamwe vaitova mumutsara nokuda kweGehena nemhaka yokuti nenzira yakati vakanga vatadzira mudzimu waMwari. (Mateo 12:32) Kudai mugariro wavo pamberi paJehovha wakanga uchigere kusvika pamwero iwoyo, ivo vakatora nhanho yezvakaipa zvikuru. Ivo vakatendeuka kuti vatevere kunyanyisa kwavaFarise. Ava vapuroserite vakazvinyudza vamene mumirangariro yemiitiro yokunyengera neyokunyanyisa iyo yakaparadza runako rupi norupi rwetsika nezvokwadi izvo vamwe vatendeuki kuchiJudha vangave vakawana. Sezviri pachena, ava vaFarise vechipuroserite vakava vanonyanyisa zvikuru kupfuura vadzidzisi vavo vakashurikidzwa. Naizvozvo kana vaFarise vechiJudha vaiva ‘vanyajambwa veGehena,’ ava vapuroserite vakanga vakadaro zvikuru, kana kuti, sezvakataura Jesu, ruviri saizvozvo.
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 31]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
MEPU YEJERUSAREMA ROMUZANA ROKUTANGA RAMAKORE
NHARAUNDA YETEMBERE
MUPATA WAHINOMI
(GEHENA)
[Mufananidzo]
Chikamu choMupata waHinomi nhasi
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.