RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 14 p. 17
  • Kusimbisa Pfungwa Huru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusimbisa Pfungwa Huru
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Pfungwa Huru Dzabudiswa Pachena
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kusimbisa Musoro uye Mapfundo Makuru
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kugadzira Pepa Rehurukuro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Musoro Wanyatsokurukurwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 14 p. 17

CHIDZIDZO 14

Kusimbisa Pfungwa Huru

Rugwaro

VaHebheru 8:1

PFUPISO YECHIDZIDZO: Ita kuti vateereri vafambe newe muhurukuro yako, uye jekesa kuti pfungwa huru imwe neimwe inoenderana papi nechinangwa chehurukuro yako nemusoro wayo.

MAITIRWO AZVO:

  • Funga kuti chinangwa chako ndechei. Funga kuti chinangwa chehurukuro yako ndechekuita kuti vateereri vazive zvimwe zvinhu here, vanyatsotenda zvimwe zvinhu here kana kuti ndechekuvakurudzira, wogadzirira hurukuro yako uchifunga izvozvo. Ita kuti pfungwa huru imwe neimwe ikubatsire pakuzadzisa chinangwa chako.

    Zano

    Zvibvunze kuti: ‘Vateereri vangu vangangobvunza mibvunzo ipi panyaya iyi uye ndezvipi zvavangatadza kubvumirana nazvo? Ndepapi pavanogona kubvunza mibvunzo yacho uye pavangatadza kubvumirana nezvandichataura?’ Chironga pfungwa dzako uchifunga izvozvo kuti vateereri vako vafambirane nezvauri kutaura, vazvinzwisise uye vazvibvume.

  • Simbisa musoro wenyaya yako. Ramba uchidzokorora musoro wenyaya yako kuburikidza nekudzokorora mashoko anokosha emusoro wacho kana kuti nekutaura mamwe mashoko anoreva zvakafanana nawo.

  • Ita kuti pfungwa huru dzijeke uye dzive nyore kubata. Sarudza pfungwa huru dzinoenderana nemusoro wako chete uye dzaunogona kunyatsodzidzisa munguva yawakapiwa. Usataura pfungwa huru dzakawandisa, taura pfungwa huru imwe neimwe zvakajeka, mira zvishoma usati wataura imwe, uye ratidza kuti pfungwa huru yawava kuda kukurukura inobatana papi neyawabva kutaura.

    Zano

    Unogona kutaura pfungwa dzacho munhanganyaya yako kuti vateereri vako vafambirane newe, kana kudzidzokorora pakupera kwehurukuro yako kuti vateereri vadziyeuke.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe