RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rr p. 10
  • Chii Chinonzi Kunamata?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Kunamata?
  • Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
  • Mashoko Akafanana
  • VaKristu Vanowana Mufaro Mukushumira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kunamata Kwechokwadi Kuchaita Kuti Uwedzere Kufara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Tevedzera Jesu—Namata Mwari Nenzira Yaanoda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mwari Anogamuchira Kunamata Kwaani?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
rr p. 10
Kunamata kwemhuri.

BHOKISI REKUDZIDZISA 1A

Chii Chinonzi Kunamata?

Kunamata kunogona kureva “zvinoitwa nemunhu achiratidza kuremekedza uye kuda mumwe mwari.” MuBhaibheri, mashoko anoshandurwa kuti “kunamata” anogona kupa pfungwa yemumwe munhu anoratidza kuremekedza kana kuzviisa pasi pechimwe chisikwa. (Mat. 28:9) Mashoko iwayo anogonawo kureva zvinoitirwa Mwari wechokwadi kana kuti vamwe vanamwari. (Joh. 4:23, 24) Nyaya inenge ichitaurwa ndiyo inoratidza kuti shoko racho rinenge richirevei.

Jehovha chete, Musiki uye Changamire Wezvinhu Zvese ndiye akakodzera kunamatwa. (Zvak. 4:10, 11) Tinonamata Jehovha kuburikidza nekuremekedza uchangamire hwake uye kukudza zita rake. (Pis. 86:9; Mat. 6:9, 10) Nyaya idzi mbiri, uchangamire hwaJehovha uye zita rake, ndidzo dzinonyanya kutaurwa mubhuku raEzekieri. Mubhuku raEzekieri chete, mashoko ekuti “Changamire Ishe Jehovha,” anowanika ka217, uye mashoko ekuti “muchaziva kuti ndini Jehovha,” anowanika ka55.—Ezek. 2:4; 6:7.

Asi kunamata kwedu hakungopereri mumwoyo; kunamata kwechokwadi kunoratidzwa nezviito. (Jak. 2:26) Patinozvitsaurira kuna Jehovha, tinotsidza kuti ticharatidza nezvese zvatinoita muupenyu kuti tinomuteerera saChangamire, uye tinoremekedza zita rake zvikuru. Yeuka kuti pamhinduro yemuedzo wechitatu, Jesu akataura nezvekuita “basa dzvene” paaitaura nezvekunamata. (Mat. 4:10) Sevanamati vaJehovha, tinoda chaizvo kumuitira basa dzvene.a (Dheut. 10:12) Tinoitira Mwari wedu basa dzvene patinoita zvinhu zvine chekuita nekunamata kana kuti patinoita mabasa ekuzvipira. Mabasa api iwayo?

Mapikicha: Basa dzvene. 1. Hanzvadzi iri kupindura pamusangano. 2. Hama nehanzvadzi dzichichenesa panzvimbo ichaitirwa gungano.

Basa dzvene rinosiyana-siyana, asi rese rinokosheswa naJehovha. Tinoita basa dzvene patinoparidzira vamwe, patinopinda misangano paImba yoUmambo, uye patinovaka nzvimbo dzekunamatira nekudzichengeta dzakanaka. Uyewo, tinoita basa dzvene patinoita kunamata kwemhuri, patinoyamura vatinonamata navo vanoshayiwa, patinozvipira kubatsira pamagungano, kana kuti patinoshumira paBheteri. (VaH. 13:16; Jak. 1:27) Kana kunamata kwakachena kuri panzvimbo yekutanga mupfungwa dzedu nemwoyo, tichaita “basa dzvene siku nesikati.” Tinofarira chaizvo kunamata Mwari wedu, Jehovha!—Zvak. 7:15.

Chitsauko 1, ndima 9

a Rimwe shoko rechiHebheru rinoreva kunamata rinogona kushandurwawo richinzi “kushumira.”—Eks. 3:12, mashoko emuzasi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe