CHIKAMU 4
“Ndichashingaira Pakurwira Zita Rangu Dzvene” Kunamata Kwakachena Kunorwiswa Asi Kwokunda
ZVATICHADZIDZA: Jehovha anodzivirira vanhu vake pakutambudzika kukuru
Jehovha anoda vanhu, asi anoita kuti tizvidavirire kwaari pane zvatinoita. Anonzwa sei nezvevanhu vanoti vanomunamata asi vachiita zvinopesana nekuda kwake? Achasarudza sei vanhu vachapona pakutambudzika kukuru? Uye chii chichaita kuti Jehovha, Mwari werudo, aparadze zviuru nezviuru zvevanhu vakaipa?