RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb pp. 72-73
  • Kusuma Chikamu 6

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusuma Chikamu 6
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Nunurwo muEgipita Kusvikira Kuna Mambo Wokutanga waIsraeri
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • VaIsraeri Vanopinda muKenani
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Kutendeka Kunoita Kuti Tifarirwe naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Jefta Anoita Sezvaakapika Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb pp. 72-73
Samsoni akatakura gedhi reguta reGaza

Kusuma Chikamu 6

VaIsraeri pavakazosvika kuNyika Yakapikirwa, tebhenekeri ndiyo yakanga yava kushandiswa pakunamata kwechokwadi. Vapristi vaidzidzisa Mutemo uye vatongi vaitungamirira vanhu. Chikamu chino chinoratidza kuti zvinosarudzwa uye zvinoitwa nemunhu zvinogona sei kubatsira kana kuti kukanganisa vamwe. MuIsraeri mumwe nemumwe aifanira kuva akavimbika kuna Jehovha uye kune vamwe vanhu. Ratidza kuti vanhu vakadai saDhibhora, Naomi, Joshua, Hana, mwanasikana waJefta, uye Samueri vakabatsira sei vanhu vavaigara navo. Simbisa kuti kunyange vamwe vakanga vasiri vaIsraeri vakadai saRakabhi, Rute, Jaeri, uye vaGibhiyoni, vakasarudza kubatana nevaIsraeri nekuti vaiziva kuti Mwari ndiye aitungamirira vaIsraeri.

ZVIDZIDZO ZVINOKOSHA

  • Jehovha akashandisa vatongi kuti aponese vanhu vake zvinoshamisa

  • Vanhu vakatendeka, vakuru nevadiki, vakakomborerwa nekuti vaivimba naJehovha zvakazara

  • Mwari haasaruri, anogamuchira vanhu vanobva kunyika dzese uye vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana chero bedzi vachimuda uye vachiita zvakanaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe