RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 97 p. 226-p. 227 ndim. 2
  • Koneriyasi Anopiwa Mweya Mutsvene

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Koneriyasi Anopiwa Mweya Mutsvene
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Petro Anoshanyira Kornerio
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • “Mwari Haasaruri”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Mwari Haasaruri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Jehovha “Haasaruri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 97 p. 226-p. 227 ndim. 2
Koneriyasi ari kugamuchira Petro mumba make

CHIDZIDZO 97

Koneriyasi Anopiwa Mweya Mutsvene

KuKesariya kwaiva nemumwe mukuru mukuru wemasoja eRoma ainzi Koneriyasi. Kunyange zvazvo akanga asiri muJudha, vaJudha vaimuremekedza. Aibatsira varombo nevaishayiwa. Koneriyasi aitenda muna Jehovha uye aigara achinyengetera kwaari. Rimwe zuva ngirozi yakazviratidza kuna Koneriyasi ikati kwaari: ‘Mwari anzwa minyengetero yako. Saka tuma varume kuguta reJopa kuri kugara Petro, kuti vanomuudza kuti auye kwauri.’ Koneriyasi akabva atuma varume vatatu kuJopa, iyo iri kumaodzanyemba kweKesariya nemakiromita anenge 50.

Panguva iyoyo, Petro ane zvaakaratidzwa ari kuJopa. Akaona mhuka dzakanga dzisingafaniri kudyiwa nevaJudha, uye akanzwa inzwi raimuudza kuti adye. Petro akaramba, achibva ati: ‘Handisati ndambodya mhuka isina kuchena muupenyu hwangu.’ Inzwi riya rakabva rati kwaari: ‘Usati mhuka idzi hadzina kuchena. Mwari adzichenesa.’ Petro akaudzwawo kuti: ‘Pane varume vatatu vari padhoo rako. Enda navo.’ Petro akaenda padhoo achibva avabvunza kuti vaidei. Varume vacho vakati: ‘Tatumwa naKoneriyasi, mukuru mukuru wemasoja eRoma. Ari kuda kuti usvike kumba kwake kuKesariya.’ Petro akakumbira varume vacho kuti varare pamba pake. Zuva rakatevera, akaenda navo kuKesariya, pamwe chete nedzimwe hama dzekuJopa.

Koneriyasi paakazoona Petro, akabva apfugama. Asi Petro akati: ‘Simuka! Ndingoriwo munhu akafanana newe. Mwari anditi ndiuye pamba pako kunyange zvazvo vaJudha vasingapindi mudzimba dzevanhu vasiri vaJudha. Saka chindiudza zvawandishevedzera.’

Koneriyasi akati kuna Petro: ‘Mazuva 4 apfuura ndainyengetera kuna Mwari, uye ngirozi yakandiudza kuti ndikushevedze. Tidzidzisewo mashoko aJehovha.’ Petro akati: ‘Ndinoona kuti Mwari haasaruri. Anogamuchira munhu wese anoda kumunamata.’ Petro akavadzidzisa zvinhu zvakawanda nezvaJesu. Mweya mutsvene wakabva wauya pana Koneriyasi nevaya vaaiva navo, uye vese vakabhabhatidzwa.

‘Mwari anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.’—Mabasa 10:35

Mibvunzo: Nei Petro akaramba kudya mhuka dzisina kuchena? Nei Jehovha akaudza Petro kuti aende kumba kwemunhu akanga asiri muJudha?

Mabasa 10:1-48

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe