RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 81 p. 190-p. 191 ndim. 2
  • Mharidzo yepaGomo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mharidzo yepaGomo
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Chakaita Kuti Jesu Ave Mudzidzisi Mukuru
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Rambai Muchiita Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • “Ndava Kukutii Shamwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Unofanira Kudzidza nezvaMwari
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 81 p. 190-p. 191 ndim. 2
Jesu ari kupa Mharidzo yepaGomo kuboka guru revanhu

CHIDZIDZO 81

Mharidzo yepaGomo

Asarudza vaapostora 12, Jesu akaburuka mugomo akasvika paiva neboka guru revanhu. Vanhu vacho vakanga vabva kuGarireya, Judhiya, Tire, Sidhoni, Siriya nerimwe divi reJodhani. Vakauya kwaari nevanhu vairwara uyewo vamwe vaitambudzwa nemadhimoni. Jesu akavarapa vese. Akabva agara nechemujinga megomo akatanga kutaura. Akatsanangura zvatinofanira kuita kuti tive shamwari dzaMwari. Tinofanira kuziva kuti hatigoni kurarama tisina Jehovha uye tinofanira kudzidza kumuda. Asi hazviiti kuti tinzi tinoda Mwari isu tisingadi vamwe. Tinofanira kuva nemutsa uye kuitira vanhu vese zvakanaka kunyange vaya vanotivenga.

Jesu akati: ‘Hamufaniri kungogumira pakuda shamwari dzenyu chete. Munofanirawo kuda vavengi venyu uye kuregerera vamwe nemwoyo wese. Kana mumwe munhu akakutsamwirai, kurumidzai kuenda kunomukumbira ruregerero. Munofanira kuitira vamwe zvakanaka sezvo muchida kuitirwawo zvakanaka nevamwe.’

Jesu ari kupa Mharidzo yepaGomo kuboka guru revanhu

Jesu akaudzawo vanhu zano rakanaka pamusoro pezvinhu zvekurarama nazvo. Akati: ‘Kuva shamwari yaJehovha ndiko kunonyanya kukosha pane kuva nemari yakawanda. Mbavha inogona kuba mari yako asi hapana anogona kuba ushamwari hwako naJehovha. Musanetseka kuti muchadyei, muchanwei kana kuti muchapfekei. Nyatsocherechedzai shiri. Mwari anogara achidzipa zvekudya zvinokwana. Kunetseka hakuiti kuti muwedzere upenyu hwenyu kunyange nezuva rimwe chete. Yeukai kuti Jehovha anoziva zvamunoda.’

Vanhu vacho vakanga vasati vambonzwa mumwe munhu achitaura sezvaiita Jesu. Vatungamiriri vavo vechitendero, kureva vanyori nevaFarisi, havana kumbobvira vavadzidzisa zvinhu izvozvo. Nei Jesu aiva mudzidzisi mukuru? Nekuti zvese zvaaidzidzisa zvaibva kuna Jehovha.

“Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nekuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo.”—Mateu 11:29

Mibvunzo: Tinofanira kuitei kuti tive shamwari dzaJehovha? Jehovha anoda kuti ubate vamwe sei?

Mateu 4:24–5:48; 6:19-34; 7:28, 29; Ruka 6:17-31

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe