RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 63 p. 150-p. 155 ndim. 1
  • Mashoko Akanyorwa Pamadziro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Akanyorwa Pamadziro
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Runyoro Ruri Pachidziro
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Vanhu vaMwari Vanobva Bhabhironi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Mana Akachinja Nyika Yose
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhabhironi Rine Simba Simba Renyika Guru Rechitatu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 63 p. 150-p. 155 ndim. 1
Ruoko rwuri kunyora pamadziro

CHIDZIDZO 63

Mashoko Akanyorwa Pamadziro.

Pava paya, Bheshazari akava mambo weBhabhironi. Rimwe zuva ari manheru, akakoka vanhu vaisvika chiuru vaiva nezvinzvimbo zvepamusoro munyika yacho kuti vauye kumabiko. Akarayira kuti vashandi vake vauye nekapu dzegoridhe dzakanga dzatorwa naNebhukadhinezari kutemberi yaJehovha. Bheshazari nevaenzi vake vakanwira mukapu dzacho, vakatanga kurumbidza vanamwari vavo. Vakangoerekana vaona ruoko rwemunhu, uye ruoko rwacho rwakabva rwatanga kunyora mashoko anoshamisa pamadziro emuimba yavaidyira.

Bheshazari akavhunduka. Akashevedza vanhu vake vaiita zvemashiripiti akavavimbisa kuti: ‘Munhu anenge akwanisa kutsanangura zvinorehwa nemashoko aya, ndichamuita wechitatu pakuva nesimba muumambo hweBhabhironi.’ Vese vakaedza, asi hapana kana akakwanisa kutsanangura zvairehwa nemashoko acho. Mambokadzi akabva auya, ndokuti: ‘Kune murume anonzi Dhanieri uyo aiwanzodudzira hope dzaNebhukadhinezari. Anogona kukutsanangurirai zvinorehwa nemashoko acho.’

Dhanieri akashevedzwa achibva auya kwaiva namambo. Bheshazari akati kwaari: ‘Kana ukakwanisa kuverenga nekutsanangura mashoko aya, ndinokupa chishongo chemuhuro chegoridhe uye ndichaita kuti uve wechitatu pakuva nesimba muumambo hweBhabhironi.’ Dhanieri akati: ‘Handisi hangu kuda zvipo zvenyu, asi ndichakuudzai zvinorehwa nemashoko acho. Baba venyu Nebhukadhinezari vaizvikudza, uye Jehovha akavaninipisa. Munoziva zvese zvakaitika kwavari, asi imi hamuna kuremekedza Jehovha nekuti manwira waini mukapu dzegoridhe dzakatorwa mutemberi yake. Ndizvo zvaita kuti Mwari anyore mashoko aya ekuti: Mene, Mene, Tekeri, uye Pasini. Mashoko acho anoreva kuti vaMedhiya nevaPezhiya vachakunda Bhabhironi, uye hamuchazovizve mambo.’

Masoja aMambo Koreshi ari kupfuura nemurwizi achienda pamagedhi eBhabhironi

Zvaiita sekuti hapana nyika yaigona kukunda Bhabhironi. Guta racho rakanga rakadzivirirwa nemasvingo akakura uye nerwizi rwakadzika. Asi usiku ihwohwo, vaMedhiya ­nevaPezhiya vakauya kuzorwisa. Mambo wePezhiya ainzi Koreshi akatsausa mvura yaiva murwizi kuitira kuti masoja ake akwanise kupfuura kuti asvike pamagedhi eguta. Pavakasvika, vakawana magedhi akavhurika! Masoja acho akapinda, akakunda guta, achibva auraya mambo. Koreshi akabva ava mutongi weBhabhironi.

Gore risati rapera, Koreshi akazivisa kuti: ‘Jehovha akandiudza kuti ndivakezve temberi yake iri muJerusarema. Kana paine vanhu vake vanoda kunobatsira, vanogona havo kuenda.’ Saka sezvakanga zvavimbiswa naJehovha, vaJudha vakawanda vakadzokera kumusha kwavo papera makore 70 kubva pakaparadzwa Jerusarema. Koreshi akaendesa kapu dzegoridhe nedzesirivha uye midziyo zvakanga zvatorwa naNebhukadhinezari kutemberi. Waona here kuti Jehovha akashandisa sei Koreshi kubatsira vanhu vake?

“Rawa! Bhabhironi Guru rawa, uye rava nzvimbo inogarwa nemadhimoni.”—Zvakazarurwa 18:2

Mibvunzo: Mashoko akanga akanyorwa pamadziro airevei? Jehovha akaudza Koreshi kuti aitei?

Ezra 1:1-11; Dhanieri 5:1-30; Isaya 44:27-45:2; Jeremiya 25:11, 12

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe