RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 15 p. 42-p. 43 ndim. 3
  • Jehovha Haana Kukanganwa Josefa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Haana Kukanganwa Josefa
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Ndiri Pachinzvimbo chaMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Vakoma vaJosefa Vanomuvenga
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Unomboita Godo Here? Vakoma vaJosefa Vaiva Naro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • “Kududzira Hakusi kwaMwari Here?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 15 p. 42-p. 43 ndim. 3
Josefa ari kududzira hope dzaFarao

CHIDZIDZO 15

Jehovha Haana Kukanganwa Josefa

Josefa paakanga ari mujeri, Farao mambo weIjipiti akarota hope dzisina akakwanisa kudzitsanangura. Mumwe wevashandi vake akaudza Farao kuti Josefa ndiye aigona kumutsanangurira kuti hope dzake dzairevei. Farao akabva angotuma munhu kuti anoshevedza Josefa.

Farao akabvunza Josefa kuti: ‘Unokwanisa here kunditsanangurira kuti hope dzandakarota dzinorevei?’ Josefa akati: ‘MuIjipiti muchaita zvekudya zvakawanda kwemakore 7, uye muchazoitawo mamwe makore 7 enzara. Saka sarudzai murume akangwara kuti aunganidze zvekudya kuitira kuti vanhu venyu varege kufa nenzara.’ Farao akabva ati: ‘Saka ndasarudza iwewe! Uchange uri wechipiri pakutonga muIjipiti!’ Ko Josefa akaziva sei zvairehwa nehope dzaFarao? Jehovha ndiye akanga abatsira Josefa.

Josefa ari kurayira vanhu kuti vaunganidze zvekudya

Kwemakore 7 akatevera, Josefa akanga achiunganidza zvekudya. Pashure paizvozvo, kwakazova nenzara panyika yese sezvakanga zvataurwa naJosefa. Vanhu vaiuya kuzotenga zvekudya kuna Josefa vachibva kwese kwese panyika. Baba vake, Jakobho, vakanzwa kuti kuIjipiti ndiko kwaiwanikwa zvekudya, saka vakatuma vanakomana vavo 10 kunotenga zvekudya ikoko.

Vanakomana vaJakobho vakaenda kuna Josefa uye Josefa akabva avaziva. Asi ivo havana kumuziva. Vakabva vamukotamira sezvaakanga arota paakanga achiri mudiki. Josefa aida kuziva kuti vakoma vake vakanga vachiine ruvengo here. Saka akati kwavari: ‘Muri vasori. Mauya kuzoongorora nyika yedu kuti muzive kuti ndepapi patisina kusimba.’ Ivo vakati: ‘Aiwa hatisi! Takaberekerwa kuKenani tiri 12. Mumwe munin’ina wedu akafa, uye mudiki wacho asara kumba nababa.’ Josefa akabva ati: ‘Uyai nemunin’ina wenyu kuno kuti ndimuone, ndiko kuti ndibvume zvamuri kutaura.’ Saka vakabva vaenda kumba kwaiva nababa vavo.

Mhuri yacho payakazopererwazve nezvekudya, Jakobho akaudza vanakomana vake kuti vadzokere kuIjipiti. Panguva iyi vakaenda nemunin’ina wavo Bhenjamini. Josefa akaedza vakoma vake. Akatora kapu yake yesirivha akaiviga musaga raBhenjamini uye akabva ati ndivo vakanga vaiba. Vashumiri vaJosefa pavakawana kapu yacho musaga raBhenjamini, vakoma vake vakashamisika chaizvo. Vakachema-chema vachikumbira kuti Josefa avarange hake pane kuti arange Bhenjamini.

Ipapo Josefa akabva aziva kuti vakoma vake vakanga vachinja. Josefa akabva akurirwa neshungu. Akatanga kuchema achiti: ‘Ndini Josefa, mwana wababa venyu. Baba vangu vachiri vapenyu here?’ Vakoma vake vakashamisika chaizvo. Josefa akati kwavari: ‘Musanetseka henyu nezvamakandiita. Mwari akandiunza kuno kuti ndiponese upenyu hwenyu. Iye zvino, endai munotora baba muuye navo.’

Vakadzokera kumba kunoudza baba vavo mashoko anofadza uye kunovatora kuti vaende navo kuIjipiti. Josefa nababa vake vakazova pamwe chete zvakare pashure penguva refu vasingaonani.

Josefa ari kukwazisana nababa vake Jakobho

“Kana musingaregereri vanhu vanokutadzirai, Baba venyu havazokuregerereiwo pamunotadza.”—Mateu 6:15

Mibvunzo: Jehovha akabatsira Josefa kuti aite sei? Ndezvipi zvakaitwa naJosefa zvinoratidza kuti akaregerera vakoma vake?

Genesisi 40:1–45:28; 46:1-7, 26-34; Pisarema 105:17-19; Mabasa 7:9-15

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe