RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 5 p. 18-p. 19 ndim. 5
  • Areka yaNoa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Areka yaNoa
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Noa Anovaka Areka
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Ndivanaani Vakapona Pakanaya Mvura Zhinji, Ndivanaani Vasina?
    Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • “Akafamba naMwari Wechokwadi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • “Akafamba naMwari Wechokwadi”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 5 p. 18-p. 19 ndim. 5
Noah and his family build the ark

CHIDZIDZO 5

Areka yaNoa

Nekufamba kwenguva, panyika pakatanga kuva nevanhu vakawanda. Vazhinji vacho vaiita zvakaipa. Kunyange dzimwewo ngirozi dzaiva kudenga dzakaitawo zvakaipa. Dzakasiya musha wadzo kudenga, dzikauya pasi pano. Unoziva here kuti nei dzakaita izvozvo? Dzaida kupfeka miviri yevanhu kuti dziroore vakadzi.

Ngirozi dziya dzakabereka vana nevakadzi vacho. Vana vacho vakanga vakasimba chaizvo uye vaiitira vanhu utsinye. Vaikuvadza vanhu. Jehovha haana kurega zvinhu izvozvo zvichingoramba zvichiitika. Saka akafunga kuparadza vanhu vakaipa achishandisa mafashamo.

Noah and his family build the ark and prepare food

Asi paiva nemumwe murume akanga akasiyana nevamwe vese. Aida Jehovha. Zita rake ainzi Noa. Aiva nemudzimai nevana vatatu vainzi Shemu, Hamu naJafeti, uye vaivawo nemadzimai avo. Jehovha akaudza Noa kuti agadzire areka yaizoponesa iye nemhuri yake paizoitika mafashamo. Areka yacho yaiva zibhokisi zihombe raiyangarara pamusoro pemvura. Jehovha akaudzawo Noa kuti apinze mhuka dzakawanda muareka yacho kuti dziponewo.

Noa akabva atotanga kuvaka areka yacho. Iye nemhuri yake vakaita makore anenge 50 vachiivaka. Vakavaka areka yacho vachinyatsotevedzera zvavakaudzwa naJehovha kuti vaite. Panguva iyoyo, Noa ainyevera vanhu kuti kwaizouya mafashamo. Asi hapana aimuteerera.

Nguva yekuti vapinde muareka yakazokwana. Ngatichionai kuti chii chakazoitika.

“Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo pakuvapo kweMwanakomana wemunhu.”—Mateu 24:37

Mibvunzo: Nei Jehovha akafunga kuunza mafashamo panyika? Jehovha akaudza Noa kuti aite sei?

Genesisi 6:1-22; Mateu 24:37-41; 2 Petro 2:5; Judha 6

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe