RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 1 p. 8
  • Mwari Akasika Denga Nenyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Akasika Denga Nenyika
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anovamba Kuita Zvinhu
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mhuka
    Mukai!—2015
  • Bindu Rakaisvonaka
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Uyo Akasika Zvinhu Zvose
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 1 p. 8
Munda weEdheni

CHIDZIDZO 1

Mwari Akasika Denga Nenyika

Jehovha Mwari ndiye Musiki wedu. Ndiye akasika zvinhu zvese, zvatinogona kuona uye zvatisingagoni kuona. Asati asika zvinhu zvatinokwanisa kuona, akatanga asika ngirozi dzakawanda chaizvo. Unoziva here kuti chii chinonzi ngirozi? Ngirozi vashumiri vaJehovha uye dzine miviri yakaita sewake. Sezvo tisingagoni kuona Mwari, hatigoniwo kuona ngirozi. Ngirozi yekutanga yakasikwa naJehovha ndiyo yakazomubatsira pane mamwe mabasa ose. Ngirozi iyoyo yakabatsira Jehovha pakusika nyeredzi, mapuraneti nezvimwe zvinhu zvese. Imwe yemapuraneti aya inyika yose, uye ndiwo musha wedu wakanaka.

Jehovha akabva atanga kugadzira nyika kuti ikwanise kugarwa nemhuka uye nevanhu. Akaita kuti chiedza chezuva chivheneke panyika. Akasika makomo, makungwa nenzizi.

Zvadaro chii chakazoitika? Jehovha akati: ‘Ndichasika uswa, miti nezvimwewo zvinomera.’ Marudzi akasiyana-siyana emichero, miriwo uye maruva, zvakabva zvatanga kumera. Jehovha akabva azosika mhuka—dzinobhururuka, dzinogara mumvura, dzinokambaira nedzinonanaira. Akasika mhuka diki dzakadai setsuro, uyewo hombe dzakadai senzou. Ndeipi mhuka yaunonyanya kufarira?

Jehovha akabva ati kungirozi yekutanga: ‘Ngatisikei munhu.’ Vanhu vaizova vakasiyana nemhuka. Vaizokwanisa kugadzira zvinhu zvakasiyana-siyana. Vaizokwanisawo kutaura, kuseka uye kunyengetera. Vaifanira kuzochengeta nyika uyewo mhuka. Unoziva here kuti munhu wekutanga aiva ani? Ngationei.

“Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.”—Genesisi 1:1

Mibvunzo: Jehovha Mwari ndiani? Zvii zvakasikwa naJehovha?

Genesisi 1:1-26; Zvirevo 8:30, 31; Jeremiya 10:12; VaKorose 1:15-17

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe