RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ypq mubvunzo 2 pp. 6-8
  • Nei Ndichinetseka Nezvakaita Muviri Wangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Ndichinetseka Nezvakaita Muviri Wangu?
  • Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Mashoko Akafanana
  • Ko Kana Ndichivenga Chitarisiko Changu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinogona sei Kukunda Kushushikana Neuremu Hwangu?
    Mukai!—1999
  • Ndiri Kunetseka Nezvakaita Muviri Wangu Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Nei Ndichishushikana Neuremu Hwangu?
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
ypq mubvunzo 2 pp. 6-8
Musikana ari kutarisa magazini yefashoni

MUBVUNZO 2

Nei Ndichinetseka Nezvakaita Muviri Wangu?

NEI UCHIFANIRA KUZVIZIVA?

Pane zvimwe zvinhu zvinokosha kupfuura maonero aunozviita pagirazi.

WAIZOITA SEI?

Chimbofungidzira izvi: Julia paanozvitarisa mugirazi, anoona chimunhu chakafuta. “Ndinotofanira kudzikira,” anozviudza kudaro nechemumwoyo, pasinei zvapo nekuti vabereki vake neshamwari dzake vanomuudza kuti ane kamuviri katete kakanaka.

Mazuva achangobva kupfuura, Julia ane zvaanga achifunga kuita kuti “angoti dzikirei zvishoma.” Ari kufunga kumbozviuraya nenzara kwemazuva mashoma . . .

Dai uriwe Julia, waizoita sei?

CHIMBOMIRA UFUNGE!

Musikana ari kuzvitarisa mugirazi, oona sekuti akafuta asi zvisiri izvo

Maonero aunoita muviri wako anogona kufanana nezvinoitika paunozvitarisa mugirazi risinganyatsobudisa zvauri

Hapana chakaipa nekuda kutaridzika zvakanaka. Bhaibheri rinototaura nezvevamwe vanhu vaitaridzika zvakanaka vakadai saSara, Rakeri, Abhigairi, Josefa, uye Dhavhidhi. Rinotaurawo nezvemukadzi ainzi Abhishagi richiti ainge “akanaka kwazvo.”​—1 Madzimambo 1:4.

Kunyange zvakadaro, vechidiki vakawanda vanozvinetsa pamusoro pezvakaita miviri yavo. Izvi zvinogona kukonzera matambudziko. Chimbofunga izvi:

  • Pane imwe ongororo yakaitwa zvakaonekwa kuti pavasikana 100, vanokwana 58 vaizviti vakafuta, asi 17 chete ndivo vainge vakafuta.

  • Pane imwezve ongororo zvakaonekwa kuti pavakadzi 100, vanokwana 45 vaizviti vakafuta, asi ivo vakatowonda!

  • Neshungu dzekuda kuita kamuviri katete, vamwe vakapedzisira vava nechirwere cheanorexia, icho chinogona kuuraya nekuti munhu anenge achizvinyima zvekudya.

Kana uchifunga kuti ungangova nechirwere ichi kana kuti une dambudziko panyaya yekudya, tsvaga rubatsiro. Unogona kuudza mubereki wako kana mumwe munhu mukuru waunovimba naye. Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”​—Zvirevo 17:17.

CHINHU CHINOKOSHA CHEKUFUNGA NEZVACHO!

Zvakaita mwoyo wemunhu ndizvo zvinoita kuti afarirwe nevamwe kana kuti asafarirwa. Chimbofunga nezvaAbsaromu, mwanakomana waDhavhidhi. Bhaibheri rinoti:

‘Pakanga pasina murume akanga akanaka kwazvo saAbsaromu. Akanga asina pakaremara kana panonzi pakaipa.’​—2 Samueri 14:25.

Asi murume uyu aidada, aida chinzvimbo uye aiva munyengeri! Ndosaka Bhaibheri risingatauri zvakanaka nezvake; rinototi aiva murume asina kuvimbika uye kuti aiva neruvengo rwunotyisa.

Saka Bhaibheri rinotiudza kuti:

‘Pfekai unhu hutsva.’​—VaKorose 3:10.

“Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, . . . , asi ngakuve munhu akavanzika womwoyo.”​—1 Petro 3:3, 4.

Hapana hapo chakaipa nekuda kutaridzika zvakanaka, asi chinonyanya kukosha kuva neunhu hwakanaka. Nekufamba kwenguva vanhu vachanyanya kukufarira pamusana peunhu hwako hwakanaka kupfuura kuva nemuviri wakanaka! Musikana anonzi Phylicia anoti, “Vanhu vanokurumidza kuona runako, asi chavanonyanya kuzouyeuka nezvako unhu hwako hwakanaka.”

IMBOTARISA ZVAURI

Unowanzonetseka here nezvakaita muviri wako?

Wakambofunga kurega kudya zvimwe zvinhu here kana kuti kushandisa mimwe mishonga kuti utaridzike zvakanaka?

Kudai waikwanisa, chii chawaizoda kuchinja pamuviri wako? (Maka zvaungada kuchinja.)

  • UREFU

  • KUFUTA

  • BVUDZI

  • MAHIPS

  • MAZAMU

  • GANDA

Kana wati ehe pamibvunzo miviri yekutanga uye kana wamaka zvinhu zvitatu kana kupfuura, funga izvi: Kakawanda kacho kuzvishora kwaunozviita kwakatosiyana nemaonerwo aunoitwa nevamwe. Kana ukasangwarira, unopedzisira wava kuzvinetsa pamusoro pezvakaita muviri wako.​—1 Samueri 16:7.

ZVANDICHAITA

  • Kuti ndive neutano hwakanaka, zvii zvandichaita?

  • Ndezvipi zvinhu zvandichaitawo pakuekisesaiza?

  • Kana shamwari yangu ikandiudza kuti pane zvairi kuita kuti ive nemuviri mutete zvii zvandichaita?

ONA ZVIMWE!

Ona vhidhiyo inonzi Zvinotaurwa Nevezera Rako—Chimiro iri pawww.jw.org. (Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA)

What Your Peers Say—Body Image
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe