RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • od pp. 193-205
  • Chikamu 2: Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikamu 2: Kurarama kwechiKristu
  • Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Mashoko Akafanana
  • Unoda “Muvakidzani Wako Sezvaunozviita” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kuroorana
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Tinozivikanwa Kupfurikidza Nomufambiro Wedu
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Zvamungaita Kuti Wanano yechiKristu Ibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
od pp. 193-205

MIBVUNZO YEVANHU VANENGE VACHIDA KUBHABHATIDZWA

Chikamu 2: Kurarama kwechiKristu

Pawaidzidza Bhaibheri wakaona kuti Jehovha anoda kuti uitei kuti urarame zvinoenderana nemitemo yake yakarurama. Kuchinja kwawakaita zvinhu zvakawanda muupenyu hwako panyaya dzekuzvibata uye maonero aunoita upenyu kunoratidza kuti wakanzwisisa zvinhu zvawakadzidza. Iye zvino sezvo wazvipira kuti urarame zvinoenderana nemitemo yaJehovha yakarurama, wava kukwanisa kuva mushumiri wemashoko akanaka.

Kudzokorora mibvunzo iri pasi apa kuchakubatsira kuti unyatsonzwisisa zvinhu zvakarurama zvinodiwa naJehovha uye kuchakuyeuchidza zvaunofanira kuita kuti ukodzere kuva mushumiri wake. Mibvunzo iyi ichaita kuti uone kukosha kwekuita zvinhu zvese uine hana yakachena woita kuti Jehovha akudzwe.—2 VaK. 1:12; 1 Tim. 1:19; 1 Pet. 3:16, 21.

Nezvawakatodzidza kusvika pari zvino, zviri pachena kuti wava kunzwa uchida kuzviisa pasi paJehovha uye kuva musangano rake. Mibvunzo neMagwaro zviri muchikamu chino zvichakubatsira kuti uzviongorore kuti unonzwisisa zvakadini urongwa hwaJehovha panyaya yekuzviisa pasi, mungava muungano, mumhuri, kana kuhurumende dziri munyika. Uchawedzera kukoshesa urongwa hwakaitwa naJehovha hwekudzidzisa nekusimbisa vanhu vake pakunamata. Izvi zvinosanganisira kuedza nepaunogona napo kuti upinde misangano yechiKristu uye kubatanidzwawo mairi.

Chikamu chino chichakurukurawo kukosha kwekuita basa rekuparidza mashoko eUmambo nguva dzese, uchibatsira vanhu kuti vasvike pakuziva Jehovha uye zvaari kuvaitira. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Pakupedzisira, chichakubatsira kuona kuti kuzvitsaurira kwako kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa haisi nyaya yekutamba nayo. Iva nechokwadi chekuti Jehovha anokoshesa kubvuma kwawakaita kubatsirwa nenyasha dzake.

1. MuKristu anofanira kuona sei wanano? Chikonzero chipi chimwe chete chinotaurwa muBhaibheri chinobvumira murume nemudzimai kurambana?

• “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika pakutanga akavaita munhurume nemunhukadzi uye akati: ‘Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumudzimai wake, vaviri vacho vova nyama imwe’? Zvekuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Saka ngaparege kuva nemunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari. . . . Munhu wese anoramba mudzimai wake ipo pasina upombwe hwaitwa, akaroora mumwe, anoita upombwe.”—Mat. 19:4-6, 9.

2. Nemhaka yei murume nemukadzi vanogara vese vachifanira kunyoresa muchato wavo zviri pamutemo? Kana wakaroora kana kuroorwa, wakanyoresa muchato wako zviri pamutemo here?

• “Ramba uchivayeuchidza kuti vazviise pasi uye vateerere hurumende nevanhu vane masimba.”—Tito 3:1.

• “Wanano ngaikudzwe nevanhu vese, uye mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa, nekuti Mwari achatonga vese vanoita zveupombwe, vangava vari muwanano kana kuti vasiri.”—VaH. 13:4.

3. Zvii zvaunotarisirwa kuita mumhuri?

• “Mwanakomana wangu, teerera kurayira kwababa vako, uye usaramba kudzidzisa kwaamai vako.”—Zvir. 1:8.

• “Murume ndiye musoro wemudzimai wake, sezvo Kristu ari iye musoro weungano . . . Varume, rambai muchida madzimai enyu, sekuda kwakaita Kristu ungano.”—VaEf. 5:23, 25.

• “Vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi varerei muchivaranga uye muchivarayira sezvinodiwa naJehovha.”—VaEf. 6:4.

• “Imi vana, teererai vabereki venyu nguva dzese, nekuti izvi zvinofadza Ishe zvikuru.”—VaK. 3:20.

• “Madzimai itaiwo saizvozvo muchizviisa pasi pevarume venyu.”—1 Pet. 3:1.

4. Nei tichifanira kukoshesa upenyu?

• “[Mwari] ndiye anopa vanhu vese upenyu nemweya wekufema. . . . Ndiye akaita kuti tive neupenyu, tifambe uye tivepo.”—Mab. 17:25, 28.

5. Nei tisingafaniri kuuraya munhu, kunyange kuuraya mwana asati aberekwa?

• “Kana varume vakarwisana, vokuvadza mukadzi ane pamuviri uye . . . kana paine afa, munofanira kutsiva upenyu neupenyu.”—Eks. 21:22, 23.

• “Maziso enyu akatondiona ndichangotanga kuumbwa; nhengo dzangu dzese dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu nezvemazuva adzakaumbwa, dzese dzisati dzatombovapo.”—Pis. 139:16.

• ‘Jehovha anovenga maoko anodeura ropa risina mhosva.’—Zvir. 6:16, 17.

6. Mutemo waMwari unoti kudii nezveropa?

• ‘Rambai muchirega ropa nezvinhu zvakadzipwa.’—Mab. 15:29.

7. Nei tichifanira kuda hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu?

• “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sekukudai kwandakaita, imiwo dananai. Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Joh. 13:34, 35.

8. Kuti chirwere chinotapukira uye chinogona kuuraya chisatapukira vamwe: (a) Nei munhu ane chirwere chacho asingafaniri kutanga iye kuita zvinhu zvakadai sekumbundira vamwe kana kuvakisa? (b) Nei asingafaniri kugumbuka kana vamwe vakasamukoka kumba kwavo? (c) Nei achifanira kuenda kunoongororwa ropa asati atanga kudanana nemumwe munhu? (d) Nei achifanira kuudza murongi mudare revakuru asati abhabhatidzwa?

• “Musava nechikwereti nemunhu, kunze kwekudanana. . . . ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’ Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa.”—VaR. 13:8-10.

• “Musingangofungi zvakakunakirai chete, asi zvakanakirawo vamwe.”—VaF. 2:4.

9. Nei Jehovha achida kuti tiregerere vamwe?

• “Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese kunyange kana paine ane chaakatadzirwa nemumwe. Sezvo Jehovha akakuregererai nemwoyo wese, imiwo itai saizvozvo.”—VaK. 3:13.

10. Ungaita sei kana hama ikataura zvakaipa nezvako kana kuti ikakutsotsa?

• “Kana hama yako ikatadza, enda unomuudza mhosva yake muri mega. Kana akakuteerera, wawana hama yako. Asi kana akasateerera, enda nemumwe kana vamwe vaviri, kuti nyaya yacho itongwe papiwa uchapupu hwevanhu vaviri kana vatatu. Kana akasavateerera, taura neungano. Kana akasateerera kunyange ungano, ngaave kwauri semunhu wemamwe marudzi uye semuteresi.”—Mat. 18:15-17.

11. Jehovha anoona sei zvivi zvinotevera?

▪ Upombwe

▪ Kushandisa zvidhori pakunamata

▪ Ungochani

▪ Kuba

▪ Kubheja

▪ Kudhakwa

• “Musatsauswa. Mhombwe, vanhu vanonamata zvidhori, vanhu vasina kuvimbika muwanano, varume vanobvuma kuitwa vakadzi nevamwe varume, varume vanoita vamwe varume vakadzi, mbavha, vanhu vane makaro, zvidhakwa, vanotuka, uye makororo, havazogari nhaka yeUmambo hwaMwari.”—1 VaK. 6:9, 10.

12. Panyaya yeupombwe uhwo hunosanganisira kuita bonde kwese kusiri pamutemo, watsunga kuitei?

• “Tizai upombwe!”—1 VaK. 6:18.

13. Nei tisingafaniri kushandisa mishonga yekurapa zvisizvo kana zvimwe zvinhu zvinodhaka zvinogona kutipinda muropa?

• ‘Ipai miviri yenyu sechibayiro chipenyu uye chitsvene chinogamuchirwa naMwari, basa dzvene ramunoita muchishandisa pfungwa dzenyu. Uye regai kusiya nyika ino ichikuumbai, asi pfungwa dzenyu ngadzishandurwe, kuti muve vatsva, muzive mega kuda kwaMwari kwakanaka, kwaanogamuchira uye kwakakwana.’—VaR. 12:1, 2.

14. Ndezvipi zvinhu zvechidhimoni zvinovengwa naMwari?

• “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa . . . munhu anoshopera, munhu anoita zvemashiripiti, munhu anotenda mashura, muroyi, munhu anotsinga vamwe, munhu anobvunza svikiro kana mufemberi, kana munhu anobvunza vakafa.”—Dheut. 18:10, 11.

15. Kana munhu akaita chivi chakakura uye achida kuvazve neukama hwakanaka naJehovha, chii chaanofanira kuita nekukurumidza?

• ‘Ndakareurura chivi changu kwamuri; handina kufukidza kukanganisa kwangu. Ndakati: “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha.”’—Pis. 32:5.

• “Pakati penyu pane anorwara here? Ngaashevedze vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere vachimuzora mafuta muzita raJehovha. Munyengetero unopiwa nekutenda uchaporesa murwere wacho, uye Jehovha achamusimbisa. Uyewo kana aine zvivi zvaakaita, acharegererwa.”—Jak. 5:14, 15.

16. Kana ukaziva kuti waunonamata naye akaita chivi chakakura, unofanira kuitei?

• “Kana munhu akatadza pakuti akanzwa kutuka kwakaitwa pachena, asi iye orega kutaura chivi chakaitwa nemumwe munhu kunyange zvazvo ari chapupu kana kuti akaona chivi ichocho chichiitwa, kana kuti akasvika pakuziva nezvacho, munhu iyeye achazvidavirira kukanganisa kwake.”—Revh. 5:1.

17. Kana pakapiwa chiziviso chekuti mumwe munhu haasisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, tinofanira kumubata sei?

• ‘Regai kufambidzana nemunhu wese anonzi hama iye ari mhombwe kana munhu anokara kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa kana gororo. Murege kunyange kudya nemunhu akadaro.’—1 VaK. 5:11.

• “Kana pakava nemunhu anouya kwamuri asina dzidziso iyi, musamugamuchire mudzimba dzenyu kana kumukwazisa.”—2 Joh. 10.

18. Nei shamwari dzako dzepedyo dzichifanira kuva vanhu vanoda Jehovha?

• “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.”—Zvir. 13:20.

• “Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunokanganisa tsika dzakanaka.”—1 VaK. 15:33.

19. Nei Zvapupu zvaJehovha zvisingapindiri mune zvematongerwo enyika?

• “Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.”—Joh. 17:16.

20. Nei uchifanira kuteerera hurumende?

• “Munhu wese ngaazviise pasi pevanhu vane masimba, nekuti hapana munhu ane masimba asina kubvumirwa naMwari; vanhu vane masimba varipo vakaiswa munzvimbo dzavo dzakasiyana-siyana naMwari.”—VaR. 13:1.

21. Kana mitemo yevanhu ikapesana nemitemo yaMwari, uchateerera ani?

• “Tinofanira kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.”—Mab. 5:29.

22. Magwaro api angakubatsira kuramba wakaparadzana nenyika paunenge uchisarudza basa rekuita?

• “Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, uye havazodzidzi kurwa zvakare.”—Mika 4:3.

• “Budai mariri vanhu vangu, kana musingadi kubatanidzwawo muzvivi zvaro, uye kana musingadi kuwirwa nemamwe matambudziko aro.”—Zvak. 18:4.

23. Uchasarudza kuzvivaraidza nezvinhu zvakaita sei, uye ndezvipi zvaucharamba?

• “Jehovha . . . anovenga munhu wese anoda zvemhirizhonga.”—Pis. 11:5.

• “Semai zvakaipa; batisisai zvakanaka.”—VaR. 12:9.

• “Zvinhu zvese zvechokwadi, zvinhu zvese zvinokosha, zvinhu zvese zvakarurama, zvinhu zvese zvakachena, zvinhu zvese zvinodiwa, zvinhu zvese zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, zvinhu zvese zvakanaka, uye zvinhu zvese zvinorumbidzwa, rambai muchifungisisa zvinhu izvi.”—VaF. 4:8.

24. Nei Zvapupu zvaJehovha zvisingabatani nezvimwe zvitendero pakunamata?

• “Hamugoni kudyira ‘patafura yaJehovha’ uye patafura yemadhimoni.”—1 VaK. 10:21.

• ‘Zviparadzanisei, anodaro Jehovha, “musabata chinhu chisina kuchena”; “uye ini ndichakugamuchirai.”’—2 VaK. 6:17.

25. Ndezvipi zvinotaurwa neBhaibheri zvichakubatsira pakusarudza kuti wobatanidzwa mune imwe mhemberero here kana kuti kwete?

• “Vakavhengana nemarudzi acho, vakadzidza mabasa awo. Vakaramba vachishumira zvidhori zvawo, zvikava musungo kwavari.”—Pis. 106:35, 36.

• “Vakafa havana kana chavanoziva.”—Mup. 9:5.

• “Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.”—Joh. 17:16.

• “Nguva yamakapedza muchiita zvaidiwa nevanhu vemamwe marudzi yakakwana, yamaigara muchiita mabasa akafumuka, muine ruchiva rwakanyanya, muchinwa zvakapfurikidza, muchiita mitambo yekufara zvakapfurikidza, nemitambo yekunwa zvakanyanyisa, muchiita zvinorambidzwa nemutemo zvekunamata zvidhori.”—1 Pet. 4:3.

26. Mienzaniso ipi iri muBhaibheri ingakubatsira kusarudza kuti wopemberera mazuva ekuberekwa here kana kuti kwete?

• “Zuva rechitatu raiva zuva rekuberekwa kwaFarao, uye akaitira vashandi vake vese mabiko ndokubudisa mukuru wevadiri nemukuru wevabiki vashandi vake vachiona. Uye akadzorera mukuru wevadiri pabasa rake rekuva mudiri . . . Asi akasungirira mukuru wevabiki.”—Gen. 40:20-22.

• “Musi waipembererwa zuva rekuberekwa kwaHerodhi, mwanasikana waHerodhiyasi akatamba ipapo, Herodhi akafara nazvo zvekuti akavimbisa achiita zvekupika kuti aizomupa chese chaanenge akumbira. Akabva ataura zvaakanga afurirwa naamai vake, ndokuti: “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.” Saka akatumira shoko, akaita kuti Johani adimburwe musoro mujeri.”—Mat. 14:6-8, 10.

27. Nei uchida kuteerera vakuru?

• “Teererai vaya vari kukutungamirirai, uye zviisei pasi pavo, nekuti vari kukuchengetedzai sevanhu vachazozvidavirira, kuti vaite izvi nemufaro kwete vachirwadziwa, nekuti izvi zvingakukuvadzai.”—VaH. 13:17.

28. Nei zvichikosha kuti iwe nemhuri yako mugare muchiwana nguva yekuverenga uye kudzidza Bhaibheri?

• “Chaanofarira mutemo waJehovha, uye anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi siku nesikati. Achaita semuti wakadyarwa pedyo nehova dzemvura, muti unobereka michero mumwaka wawo, une mashizha asingasvavi. Uye zvese zvaanoita zvichabudirira.”—Pis. 1:2, 3.

29. Nei uchifarira kupinda misangano uye kubatanidzwa mairi?

• “Ndichazivisa hama dzangu zita renyu; ndichakurumbidzai ndiri pakati peungano.”—Pis. 22:22.

• “Ngativei nehanya nemumwe nemumwe, kuitira kuti tikurudzirane kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, zvikurukuru muchiona zuva richiswedera kudai.”—VaH. 10:24, 25.

30. Ibasa ripi rinokosha kupfuura ese ratakapiwa naJesu?

• “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, muchivabhabhatidza . . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.”—Mat. 28:19, 20.

31. Patinopa mipiro yekutsigira basa reUmambo kana kubatsira hama nehanzvadzi dzedu, mafungiro api achaita kuti Jehovha afare?

• “Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha.”—Zvir. 3:9.

• “Mumwe nemumwe ngaaite sezvaakasarudza mumwoyo make, kwete kuita asingadi kana kuti achimanikidzwa, nekuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”—2 VaK. 9:7.

32. VaKristu vanogona kusangana nematambudziko api?

• “Vanofara vaya vakatambudzwa nekuda kwekururama, nekuti Umambo hwekudenga ndehwavo. Munofara imi kana vanhu vachikuzvidzai nekukutambudzai uye vachikupomerai zvinhu zvakaipa zvakasiyana-siyana nekuda kwangu. Farai mufarisise, nekuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nekuti ndiwo matambudziro avaiita vaprofita vakararama musati mavapo.”—Mat. 5:10-12.

33. Nei iri ropafadzo inokosha kubhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha?

• “Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; uye akaita kuti mwoyo wangu upembere uye ufare chaizvo, nekuti ndiri kushevedzwa nezita renyu, haiwa Jehovha Mwari wemauto.”—Jer. 15:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe