RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 123 p. 282-p. 283 ndim. 1
  • Anonyengetera Achirwadziwa Zvikuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Anonyengetera Achirwadziwa Zvikuru
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Marwadzo Mubindu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Zuva Rokupedzisira Roupenyu hwaJesu Ari Munhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • “Awa Yasvika!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Chinotibatsira Kukurira Kutya
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 123 p. 282-p. 283 ndim. 1
Jesu anonyengetera mubindu reGetsemane, Petro, Jakobho, uye Johani vakarara

CHITSAUKO 123

Anonyengetera Achirwadziwa Zvikuru

MATEU 26:30, 36-46 MAKO 14:26, 32-42 RUKA 22:39-46 JOHANI 18:1

  • JESU ARI MUBINDU REGETSEMANE

  • ZIYA RAKE RINOVA SEMADONHWE EROPA

Jesu apedza kunyengetera nevaapostora vake vakatendeka. Pashure ‘pekuimba nziyo dzekurumbidza, vanobuda voenda kuGomo reMiorivhi.’ (Mako 14:26) Vanonanga kumabvazuva kubindu rinonzi Getsemane, uko kunowanzoendwa naJesu.

Pavanosvika panzvimbo iyi inoyevedza iri pakati pemiti yemiorivhi, Jesu anosiya vaapostora vake vasere ipapo. Zvimwe vanosara vari pedyo negedhi rebindu iri sezvo achivaudza kuti: “Garai pano ini ndiende uko kunonyengetera.” Jesu anopinda mukatikati mebindu nevaapostora vake vatatu vanoti, Petro, Jakobho, uye Johani. Anorwadziwa kwazvo ovaudza kuti: “Mweya wangu uri kushungurudzwa kwazvo, zvokufa. Garai pano murambe makarinda neni.”—Mateu 26:36-38.

Jesu anofamba achibva pavari zvishoma ‘obva apfugama otanga kunyengetera.’ Ari kukumbirei paari kunyengetera kuna Mwari panguva iyi yakaoma? Anonyengetera achiti: “Baba, zvinhu zvose zvinobvira kwamuri; bvisai kapu iyi kwandiri. Asi kwete sokuda kwangu, asi sokuda kwenyu.” (Mako 14:35, 36) Ari kurevei? Kuti ava kuzeza basa rake rekudzikinura vanhu here? Aiwa!

Paaiva kudenga, Jesu akaona kutambura kwaiita vanhu vaiurayiwa nevaRoma. Iye zvino sezvo ava munhu wenyama anorwadziwawo, kufunga nezvezvichaitika kwaari kuri kumutambudza. Asi chiri kunyanya kumurwadza ndechekuti kufa semunhu atopara mhosva yakaipisisa kuchagona kushoresa zita raBaba vake. Jesu asarirwa nemaawa mashomanana kuti aturikwe padanda sezvinoitwa munhu anomhura Mwari.

Pashure pekunyengetera kwenguva yakareba, Jesu anodzoka owana vaapostora varara. Anoti kuna Petro: “Nhai, maisagona kurinda neni kunyange kweawa imwe chete here? Rambai makarinda murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.” Jesu anoona kuti naivowo vari kushungurudzika uye nguva dzaenda. Anowedzera kuti: “Mudzimu unoda, asi nyama haina simba.”—Mateu 26:40, 41.

Jesu anoenda kechipiri kwaanga achinyengetera ari okumbira kuti Mwari amubvisire “kapu iyi.” Paanodzoka, anowana vaapostora vake vatatu vakotsira zvekare, panzvimbo pekusara vachinyengetera kuti vasapinde mumuedzo. Jesu paanotaura navo havazivi “kuti vomupindura kutii.” (Mako 14:40) Jesu anoenda kunonyengetera kechitatu, opfugama, obva atanga kunyengetera.

Jesu ari kunetseka zvikuru nezvekushoresa kwaachaita zita raBaba vake paachafa semunhu apara mhosva. Asi Jehovha ari kuteerera minyengetero yeMwanakomana wake uye ambotumira ngirozi kuti imusimbise. Kunyange zvakadaro, Jesu haamire kuteterera kuna Baba vake, anoramba “achinyengetera nomwoyo wose.” Ari kushungurudzika zvikuru. ‘Ziya rake rinotopedzisira rava semadonhwe eropa ari kudonhera pasi.’ Nyaya yaakatarisana nayo ihombe! Kana akasaramba akatendeka zvinogona kuita kuti iye nevamwe vanhu vanotenda maari varasikirwe neupenyu husingaperi.—Ruka 22:44.

Jesu paanodzokera kechitatu kuvaapostora vake, anovaona varara zvekare. Anoti: “Panguva yakaita seino muri kurara muchizorora henyu! Tarirai! Awa yaswedera pedyo yokuti Mwanakomana womunhu atengeswe mumaoko evatadzi. Simukai, handei. Tarirai! Mutengesi wangu aswedera pedyo.”—Mateu 26:45, 46.

ZIYA RAKE RINOVA SEMADONHWE EROPA

Ruka, uyo aiva chiremba, haarondedzere kuti ziya raJesu rakava sei “semadonhwe eropa.” (Ruka 22:44) Ruka anogona kunge aitaura achifananidza mabudiro aiita ziya raJesu neropa riri kuyerera richibva paronda. Zvimwe zvaigona kunge zvairehwa nemashoko aya zvakataurwa naDr. William D. Edwards mubhuku rinonzi The Journal of the American Medical Association (JAMA) pavakati: “Kunyange zvazvo zvisingawanzoitike, kana munhu akashungurudzika zvikuru ziya rine ropa rinogona kubuda . . . Kana ropa raenda muzvikamu zvemuviri zvinogadzira ziya, ganda rinenge risisina kusimba.”

  • Pavanobuda muimba yepamusoro, Jesu nevaapostora vake vanonangepi?

  • Vaapostora vatatu vari kuitei Jesu paanenge achinyengetera?

  • Mashoko okuti ziya raJesu rinova semadonhwe eropa, anoratidza kuti Jesu ari kunzwa sei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe