RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 93 p. 218-p. 219 ndim. 3
  • Mwanakomana Wemunhu Achaonekwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwanakomana Wemunhu Achaonekwa
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Apo Mwanakomana Womunhu Anoratidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Umambo hwaMwari Mwoyo Wako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Vadzidzi Vanokumbira Chiratidzo
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 42—Ruka
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 93 p. 218-p. 219 ndim. 3
Areka yaNoa iri kuyangarara pamusoro pemvura

CHITSAUKO 93

Mwanakomana Wemunhu Achaonekwa

RUKA 17:20-37

  • UMAMBO HURI PAKATI PAVO

  • ZVINHU ZVICHANGE ZVAKAITA SEI JESU PAACHAONEKWA?

Jesu anofanira kunge achiri muSamariya kana kuti muGarireya. VaFarisi vanomubvunza nezvekuuya kweUmambo, uko kwavanofunga kuti chichava chiitiko chemakuwerere chinoshamisira. Asi iye anoti: “Umambo hwaMwari hahuuyi huchinyatsocherechedzwa, uye vanhu vanenge vasingati, ‘Onai kuno!’ kana kuti, ‘Uko!’ Nokuti, tarirai! umambo hwaMwari huri pakati penyu.”—Ruka 17:20, 21.

Vamwe vanogona kufunga kuti Jesu ari kuti Umambo huri kutonga mumwoyo yevashumiri vaMwari. Asi izvozvo hazvingadaro nokuti Umambo hausi mumwoyo yevaFarisi vaari kutaura navo. Asi huri pakati pavo pakuti Jesu uyo akasarudzwa kuti ave Mambo weUmambo hwaMwari, aripo pakati pavo.—Mateu 21:5.

Jesu anoudza vadzidzi vake mamwe mashoko nezvekuuya kweUmambo. Zvichida anoita izvi vaFarisi vaenda. Achitaura nezvekuvapo kwake musimba reUmambo, anotanga nekuvanyevera kuti: “Mazuva achauya pamuchada kuona rimwe remazuva oMwanakomana womunhu asi hamuzorioni.” (Ruka 17:22) Jesu ari kuratidza kuti kutonga kweMwanakomana wemunhu muUmambo kuchaitika mune ramangwana. Nguva iyoyo isati yasvika, vamwe vadzidzi vachahutsvaka nemaziso matsvuku asi vachafanira kumirira kusvikira nguva yakataurwa naMwari kuti Mwanakomana wemunhu achauya yasvika.

Jesu anoenderera mberi achiti: “Vanhu vachati kwamuri, ‘Onai uko!’ kana kuti, ‘Onai pano!’ Musabuda kana kuvatevera. Nokuti semheni, nokupenya kwayo, inovhenekera kubva kune rumwe rutivi rwepasi pedenga kusvikira kune rumwe rutivi rwepasi pedenga, ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhu.” (Ruka 17:23, 24) Chii chichabatsira vadzidzi kuti vasatevere vanamesiya vekunyepedzera? Jesu anotaura kuti kuuya kwaMesiya chaiye kuchange kwakaita semheni inooneka kusvika kure. Uchapupu hunoratidza kuti avapo musimba reUmambo huchanyatsoonekwa nevanhu vose vanonyatsocherechedza.

Jesu anobva afananidza vanhu vachange vachirarama mazuva iwayo nevamwe vanhu vakararama kare achiti: “Sezvazvakaita mumazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo mumazuva oMwanakomana womunhu . . . Saizvozvowo, sezvazvakaita mumazuva aRoti: vaidya, vainwa, vaitenga, vaitengesa, vaidyara, uye vaivaka. Asi pazuva rakabuda Roti muSodhoma kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga zvikavaparadza vose. Zvichavawo saizvozvo pazuva iroro pacharatidzwa Mwanakomana womunhu.”—Ruka 17:26-30.

Jesu haasi kuti vanhu vemumazuva aNoa neaRoti vakaparadzwa nekuti vaiita zvinhu zvinongoitwa muupenyu zvakadai sekudya, kunwa, kutenga, kutengesa, kudyara uye kuvaka. Noa naRoti nemhuri dzavo vaitoitawo zvimwe zvezvinhu izvozvo. Asi vamwe vanhu vakanga vachizviita vasingafunge nezvekuda kwaMwari uye vasingacherechedzi kuti nguva yavaperera. Saka Jesu ari kukurudzira vadzidzi vake kuti vashingaire kuita kuda kwaMwari. Nekuita izvi, ari kuvaratidza kuti vangachengetedzwa sei kuti varambe vari vapenyu pachaparadzwa nyika naMwari mune ramangwana.

Mukadzi waRoti anova shongwe yemunyu

Vadzidzi havafaniri kuzokanganiswa nekuisa pfungwa dzavo ‘pazvinhu zvavakasiya,’ kureva zvinhu zviri munyika. Jesu anoti: “Pazuva iroro munhu ari pamusoro peimba asi aine zvinhu zvake zvinotakurika zviri mumba ngaarege kuburuka kuti azvitore, uye saizvozvo munhu ari kumunda, ngaarege kudzokera kuzvinhu zvakasara. Yeukai mudzimai waRoti.” (Ruka 17:31, 32) Akava shongwe yemunyu.

Achienderera mberi nekutsanangura zvichange zvichiitika Mwanakomana wemunhu paachange ava kutonga saMambo, Jesu anoudza vadzidzi vake kuti: “Usiku ihwohwo varume vaviri vachange vari pamubhedha mumwe chete; mumwe achaendwa naye, asi mumwe achasiyiwa.” (Ruka 17:34) Saka vamwe vachaponeswa asi vamwe vachasiyiwa vorasikirwa neupenyu hwavo.

Vadzidzi vanobvunza kuti: “Kupi, Ishe?” Jesu anopindura kuti: “Pane mutumbi, ndipo pachaunganawo makondo.” (Ruka 17:37) Vamwe vachange vakaita semakondo ayo anoona zviri kure. Vadzidzi ava vachaungana kuna Kristu, Mwanakomana wemunhu. Pamazuva iwayo ari mberi, Jesu achapa vadzidzi vake vane kutenda chokwadi chinopa upenyu.

  • Umambo huri pakati pevaFarisi pakudii?

  • Kuvapo kwaKristu kwakafanana papi nemheni?

  • Nei vadzidzi vaJesu vachifanira kugara vakangwarira pachauya Mwanakomana wemunhu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe