RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 30 p. 74-p. 75 ndim. 9
  • Jesu Anotaura Paruzhinji Kuti Mwanakomana waMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anotaura Paruzhinji Kuti Mwanakomana waMwari
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 43—Johane
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Uprofita Hwakataura nezvaKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Johani 14:6—“Ndini Nzira Nechokwadi Neupenyu”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Johani Ari Kuda Kunzwa Mashoko Anobva Kuna Jesu
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 30 p. 74-p. 75 ndim. 9
VaJudha vachipomera Jesu kuti atyora mutemo weSabata

CHITSAUKO 30

Anotaura Paruzhinji Kuti Mwanakomana waMwari

JOHANI 5:17-47

  • MWARI NDIBABA VAJESU

  • JESU ANOVIMBISA KUTI VANHU VACHAMUTSWA

Vamwe vaJudha pavanopa Jesu mhosva yekuporesa mumwe murume paSabata, Jesu anovapindura achiti: “Baba vangu vave vachishanda kusvikira zvino, uye ini ndinoramba ndichishanda.”—Johani 5:17.

Zviri kuitwa naJesu hazvirambidzwi nemutemo waMwari weSabata. Paari kuita basa rekuparidza nekuporesa vanhu, ari kutevedzera mabasa akanaka aMwari. Saka Jesu anoramba achiita zvinhu zvakanaka zuva nezuva. Asi mapinduriro aanoita vanhu vari kumupomera anoita kuti vatowedzera kutsamwa, uye vanoronga kumuuraya. Vanyanyogumbukirei kudaro?

Chavagumbura ndechekuti ari kuzviti mwanakomana waMwari uku vanga vatotsamwa kare nekuporesa kwaaita munhu kwavari kuti kutyora mutemo weSabata. Vanoti kutaura kwaaita kuti Mwari ndiBaba vake kumhura kwakafanana nokuti akaenzana naJehovha. Jesu haambovhundutswe nazvo asi anotovaudza nezvekudiwa kwaanoitwa naMwari. Anoti, “Baba vanoda Mwanakomana kwazvo uye vanomuratidza zvinhu zvose zvavanoita.”—Johani 5:20.

Baba ndivo vanopa upenyu, uye vakaratidza kuti vane simba iri pavakamboita kuti vamwe vanhu vamutse vakafa. Jesu anoenderera mberi achiti: “Nokuti Baba zvavanomutsa vanhu vakafa nokuita kuti vave vapenyu, saizvozvowo Mwanakomana anoita kuti vaanoda vave vapenyu.” (Johani 5:21) Aya mashoko anokosha zvechokwadi, uye anoita kuti tive netariro yeramangwana! Kunyange iye zvino, Mwanakomana ari kuita seari kutomutsa vanhu vasina ukama hwakanaka naMwari. Saka Jesu anozoti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Anonzwa shoko rangu akatenda iye akandituma, ane upenyu husingaperi, uye haatongwi asi apfuura achibva murufu achienda kuupenyu.”—Johani 5:24.

Pari zvino Jesu haasati amutsa munhu akafa, asi anoudza vanhu vari kumupomera kuti rumuko chairwo ruchatoitika. Anoti, “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda.”—Johani 5:28, 29.

Kunyange zvazvo Jesu aine basa rinokosha, anonyatsoratidza kuti ari pasi paMwari, achiti: “Handingaiti chinhu chimwe chete chandinozvitangira ndoga; . . handitsvaki zvandinoda ini, asi zvinodiwa naiye akandituma.” (Johani 5:30) Zvisinei, mashoko ake anotsanangura basa rake rinokosha muchinangwa chaMwari, izvo zvaasati amboita paruzhinji. Asi vanhu vari kumupomera vane humwe uchapupu hwavakanzwa kuwedzera pane huri kupiwa naJesu pachake. Anovayeuchidza kuti: “Makatuma vanhu kuna Johani [Mubhabhatidzi], uye akapupurira chokwadi.”—Johani 5:33.

Vapomeri vaJesu vanofanira kunge vakanzwa kuti makore anenge maviri adarika, Johani akaudza vatungamiriri vechitendero chechiJudha nezveuya aizouya pashure pake, uyo ainzi “muprofita” uye “Kristu.” (Johani 1:20-25) Achiyeuchidza vapomeri vake kuti vaimboremekedza sei Johani, uyo ava mujeri, Jesu anoti: “Imi kwenguva pfupi maida kufara kwazvo muchiedza chake.” (Johani 5:35) Asi Jesu wacho ari kutopa uchapupu hwakatokura kupfuura hwaJohani Mubhabhatidzi.

“Mabasa chaiwo andiri kuita, [kusanganisira rekuporesa raachangobva kuita] anondipupurira kuti Baba vakandituma.” Kuwedzera pana izvozvo, Jesu anoenderera mberi achiti: “Baba vakandituma vakandipupurira.” (Johani 5:36, 37) Muenzaniso wekupupurira kwakaitwa naMwari ndeuya wepakabhabhatidzwa Jesu.—Mateu 3:17.

Vapomeri vaJesu havana kana chikonzero chekuramba kuti mwanakomana waMwari. Magwaro avanoti vanoverenga anotopupurira Jesu. Jesu anopedzisa nerekuti, “Kudai maitenda Mosesi maizonditendawo, nokuti iyeye akanyora nezvangu. Asi kana musingatendi zvakanyorwa naiyeye, muchatenda sei mashoko angu?”—Johani 5:46, 47.

  • Nei tingati kuita mabasa akanaka paSabata kwaitwa naJesu hakusi kutyora mutemo?

  • Jesu anotsanangura sei basa rake rinokosha muchinangwa chaMwari?

  • Uchapupu hupi hunoratidza kuti Jesu Mwanakomana waMwari?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe