RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 4 p. 16-p. 17 ndim. 3
  • Mariya Ane Pamuviri, Asi Haana Kuroorwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mariya Ane Pamuviri, Asi Haana Kuroorwa
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Zvatingadzidza Kuna Mariya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • ‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • “Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 4 p. 16-p. 17 ndim. 3
Mariya anoudza Josefa kuti ane pamuviri

CHITSAUKO 4

Mariya Ane Pamuviri, Asi Haana Kuroorwa

MATEU 1:18-25 RUKA 1:56

  • JOSEFA ANOUDZWA KUTI MARIYA ANE PAMUVIRI

  • MARIYA ANOVA MUDZIMAI WAJOSEFA

Mariya ava nemwedzi mina akazvitakura. Yeuka kuti mwedzi yokutanga yepamuviri pake akanga ari kwaErizabheti kumakomo eJudhiya nechokumaodzanyemba kweJerusarema. Asi iye zvino Mariya adzoka kumba kuNazareta. Pasina nguva nyaya yepamuviri pake ichange yava kuzivikanwa. Imbofunga kuti nyaya yacho iri kumudya mwoyo zvakadini!

Chinoita kuti nyaya yake inyanye kuoma ndechokuti akatopanana chitsidzo nemumwe muvezi anonzi Josefa. Anozivawo kuti maererano neMutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari, mukadzi akapanana chitsidzo nomurume asi ozorara nemumwe, zvisiri zvokubatwa chibharo, anofanira kutemwa nematombo. (Dheuteronomio 22:23, 24) Saka kunyange zvazvo Mariya asina kuita unzenza, anofanira kunge ari kunetseka kuti achatsanangura sei nyaya yepamuviri pake kuna Josefa uye kuti chii chichaitika.

Mariya anga asipo kwemwedzi mitatu, saka tine chokwadi kuti Josefa ane shungu dzokumuona. Pavanosangana, zvichida Mariya anomuudza nyaya yake, achiedza kunyatsotsanangura kuti mudzimu mutsvene ndiwo wakaita kuti ave nepamuviri. Asi unogona kufungidzira kuti zvakaomera Josefa zvakadini kuzvinzwisisa uye kuzvibvuma.

Josefa anoziva kuti Mariya mukadzi akanaka, ane mukurumbira wakanaka, uye anomuda zvikuru. Asi pasinei nezvinotsanangurwa naMariya, Josefa anoziva kuti munhu anongoita pamuviri kana arara nomurume chete. Josefa haasi kuda kuti Mariya atemwe nematombo kana kuti anyadziswe; saka anoronga kumuramba pachivande. Mazuva iwayo vanhu vakapanana chitsidzo vaitorwa sevakatoroorana, saka kuti varambane vaitofanira kuzviita zviri pamutemo sezvinoitwa nevanhu vakaroorana.

Ngirozi yaJehovha inozviratidza kuna Josefa kuhope

Pfungwa dzaJosefa dzichiri kupishana nenyaya iyi, ngirozi yaJehovha inomushanyira kuhope ichiti: “Usatya kuenda nomudzimai wako Mariya kumba, nokuti icho chakaumbwa maari chakaitwa nomudzimu mutsvene. Iye achabereka mwanakomana, uye iwe unofanira kumutumidza kuti Jesu, nokuti achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”—Mateu 1:20, 21.

Paanozomuka, Josefa anofara zvikuru kuti ava kunyatsonzwisisa nyaya yacho! Haanonoki kuita zvataurwa nengirozi. Anotora Mariya, oenda naye kumba. Izvi zvakatofanana nekuchata uye zvinoratidza ruzhinji kuti Josefa naMariya vava murume nemudzimai. Asi Josefa haarari naMariya paanenge achiine nhumbu yaJesu.

Mariya anotasva dhongi uye Josefa anoisa zvinhu zvavanoda kutakura ipapo

Papfuura mwedzi mishomanana, Josefa nomudzimai wake uyo akurirwa nepamuviri, vanofanira kugadzirira rwendo vachibva kumusha kwavo kuNazareta. Vari kuda kuenda kupi iye Mariya ava pedyo kusununguka?

  • Josefa anofunga kuitei paanonzwa kuti Mariya ane pamuviri, uye ari kuda kuzviitirei?

  • Josefa aizorambana zviri pamutemo sei naMariya ivo vasina kuroorana?

  • Chii chinoitwa naJosefa kuratidza ruzhinji kuti iye naMariya vava murume nomudzimai?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe