RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yc chidzidzo 7 pp. 16-17
  • Wakambonzwa Kuti Uri Wega Uye Uchitya Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wakambonzwa Kuti Uri Wega Uye Uchitya Here?
  • Dzidzisai Vana Venyu
  • Mashoko Akafanana
  • Unombonzwa Kusurukirwa Uye Kutya Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Akanyaradzwa naMwari Wake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akabvuma Kunyaradzwa naMwari Wake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Uchava Akatendeka saEria Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Dzidzisai Vana Venyu
yc chidzidzo 7 pp. 16-17
Kamukomana kari kuratidza kuti kari kega uye kari kutya

CHIDZIDZO 7

Unombonzwa Kuti Uri Wega Uye Uchitya Here?

Tarisa kamukomana kari pamufananidzo. Kari kuratidza kuti kari kega uye kari kutya, handiti? Wati wambonzwa saizvozvo here?— Munhu wose anombonzwa saizvozvo dzimwe nguva. Bhaibheri rinotaura nezveshamwari dzaJehovha dzaimbonzwawo kuti dzaiva dzega uye dzichitya. Mumwe wavo ndiEriya. Ngatidzidzei nezvake.

Mambokadzi Jezebheri ari kupopota

Jezebheri aida kuuraya Eriya

Eriya aigara muIsraeri kare kare, Jesu asati aberekwa. Ahabhi, mambo waIsraeri, akanga asiri kunamata Mwari wechokwadi, Jehovha. Ahabhi nemudzimai wake, Jezebheri, vakanga vachinamata mwari wenhema ainzi Bhaari. Saka vanhu vakawanda muIsraeri vakatangawo kunamata Bhaari. Mambokadzi Jezebheri aiva neutsinye zvikuru uye aida kuuraya Eriya nevamwe vanhu vose vainamata Jehovha! Unoziva here zvakaitwa naEriya?—

Eriya akatiza! Akaenda kure kurenje ndokuhwanda mubako. Unofunga kuti nei akaita kudaro?— Aitya. Asi Eriya aisafanira hake kutya. Nei? Nokuti aiziva kuti Jehovha aigona kumubatsira. Jehovha akanga amboratidza Eriya simba rake. Pane imwe nguva, Jehovha ainge apindura munyengetero waEriya nokutumira moto kubva kudenga. Saka panguva ino Jehovha aigona kubatsira Eriya!

Jehovha anopindura munyengetero waEriya nekutumira moto kubva kudenga; Eriya ari mubako; Eriya ava kufara nekuti audzwa mashoko anofadza naJehovha

Jehovha akabatsira sei Eriya?

Eriya paaiva mubako, Jehovha akataura naye ndokumubvunza kuti: ‘Uri kuitei pano?’ Eriya akapindura kuti: ‘Ndini ndega ndichiri kukunamatai. Ndangosara ndiri ndega, uye ndiri kutya kuti ndichaurayiwa.’ Eriya aifunga kuti vamwe vanamati vose vaJehovha vakanga vaurayiwa. Asi Jehovha akaudza Eriya kuti: ‘Aiwa, ichocho hachisi chokwadi. Kune vamwe vanhu 7 000 vachiri kundinamata. Shinga. Ndine rimwe basa rokuti uite!’ Unofunga kuti Eriya akafara here kunzwa izvozvo?—

Ungadzidzei kubva pane zvakaitika kuna Eriya?— Haumbofaniri hako kunzwa kuti uri wega uye kutya. Une shamwari dzinoda Jehovha uye dzinokuda. Uyewo, Jehovha ane simba rakawanda, uye achagara achikubatsira! Zvinokufadza here kuziva kuti hausi wega?—

VERENGA MUBHAIBHERI RAKO

  • 1 Madzimambo 19:3-18

  • Pisarema 145:18

  • 1 Petro 5:9

MIBVUNZO:

  • Munguva yaEriya, vanhu vakawanda vemuIsraeri vainamata Jehovha here? Vainamata ani?

  • Nei Eriya akatiza ndokuhwanda mubako?

  • Jehovha akaudza Eriya kutii?

  • Tingadzidzei kubva pane zvakaitika kuna Eriya?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe