RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 6
  • Kuwadzana Nevatinonamata Navo Kunotibatsira Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwadzana Nevatinonamata Navo Kunotibatsira Sei?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Sarudza Shamwari Nekuchenjera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kuramba Tiri Shamwari Munyika Isina Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • “Wedzerai”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 6

CHIDZIDZO 6

Kuwadzana Nevatinonamata Navo Kunotibatsira Sei?

[Mufananidzo uri papeji 9]

Madagascar

[Mufananidzo uri papeji 9]

Norway

[Mufananidzo uri papeji 9]

Lebanon

[Mufananidzo uri papeji 9]

Italy

Kunyange kana mamiriro ekunze asina kunaka kana kuti tichifanira kupfuura nemumasango kuti tipinde misangano yedu yechiKristu, tinongoramba tichiipinda. SeZvapupu zvaJehovha hatiregi kuenda kumisangano pasinei nematambudziko atinosangana nawo uye kuneta kwati- noita nebasa. Sei tichidaro?

Kuwadzana nevamwe kunotibatsira kuti titsungirire matambudziko. Pauro akanyora kuti tinofanira kuva ‘nehanya nemunhu mumwe nemumwe’ watinonamata naye muungano. (VaHebheru 10:24) Mashoko iwayo anoreva kuti tinofanira kunyatsozivana nevamwe. Kana tikazivana nevatinonamata navo, tinoona kuti vamwe vavo vakakunda matambudziko akafanana needu uye kuti vanogona kutotibatsira kuti tikundewo edu.

Tinowana shamwari dzinonyatsotida. Hama dzedu dzatinoungana nadzo tinodziona seshamwari dzedu chaidzo, kwete sevanhu vatinongozivanawo navo. Dzimwe nguva tinombounganawo tichitandara. Kuwadzana kwatinoita nevamwe kunotibatsira sei? Kunoita kuti tiwedzere kukoshesana uye kudanana kwatinoita. Kana vamwe vedu vakasangana nematambudziko, tinobva tangovabatsira nekuti ishamwari dzedu dzepedyo. (Zvirevo 17:17) Patinowadzana nevanhu vese vari muungano yatinopinda nayo, tinenge tichiratidza kuti tinovada.—1 VaKorinde 12:25, 26.

Tinokukurudzira kuti utsvage shamwari dziri kuita kuda kwaMwari. Uchawana shamwari dzakadaro pakati peZvapupu zvaJehovha. Usarega chimwe chinhu chichikutadzisa kuwadzana nesu.

  • Kuwadzana nevamwe pamisangano kunotibatsira sei?

  • Ndiriini pauchada kutanga kuwadzana nesu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe