RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp1 p. 2
  • Mhinduro Dzinoshanda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhinduro Dzinoshanda
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
yp1 p. 2

Mashoko Okutanga

Mhinduro Dzinoshanda!

‘Ndingataura sei nevabereki vangu?’ ‘Ndingaitei kuti ndive neshamwari?’ ‘Kuita zvepabonde musingadanani kwakaipirei?’ ‘Sei ndichinyanya kusuruvara?’

Kana wakambozvibvunza mibvunzo yakadaro, hausi wega. Zvichienderana nokuti wakabvunza ani, ungangodaro wakapiwa mhinduro dzinopesana. Kuti ibatsire vechiduku kuwana mazano anobatsira avanogona kuvimba nawo, magazini yeAwake! yakabudisa nyaya dzinoramba dzichibuda dzine mazano omuBhaibheri dzine musoro unoti, “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ,” kubvira muna January 1982. Papera makumi emakore, nyaya idzi dzichiri kubatsira uye kufarirwa nevanhu vakawanda. Nyaya imwe neimwe painobuda panenge paitwa tsvakurudzo yakakura. Kutaura zvazviri, kuti vaone kuti vechiduku vanofunga uye vanonzwa sei, vanyori veAwake! vakataura nemazana evechiduku pasi rose! Zvisinei, zvinotonyanya kukosha ndezvokuti mazano ari munyaya dzinoti, “Vechiduku Vanobvunza Kuti” anobva muShoko raMwari, Bhaibheri.

Bhuku rawakabata izvozvi rakabudiswa kekutanga muna 1989. Zvisinei, zvitsauko zvacho zvakanyatsogadziridzwa kuti zvienderane nenyaya dzemazuva ano. Zvitsauko zvinopfuura 30 zvakatorwa kubva munyaya dzakanzi “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzakabudiswa muna 2004 kusvika muna 2011.

Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1, richakupa mazano aunoda kuti uve munhu mukuru anoziva zvaanoita. Tinotarisira kuti sezvaunoshandisa mazano arimo, uchabatana nemamiriyoni evanhu, vaduku nevakuru, avo “vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokurishandisa kwavanoita.”—VaHebheru 5:14.

Vabudisi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe