RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp1 p. 97
  • Muenzaniso Wokutevedzera—Jobho

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Muenzaniso Wokutevedzera—Jobho
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 18—Jobho
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Jobho Akatsungirira—Isu Tinogonawo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • “Makanzwa Nezvokutsungirira kwaJobho”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Tarisira Kuna Jehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
yp1 p. 97

Muenzaniso Wokutevedzera—Jobho

Upenyu hwaJobho hwachinja zvikuru. Chekutanga, pfuma yake inoparara. Chechipiri, vana vake vanofa. Chechitatu, anorasikirwa neutano hwake. Zvose izvi zvinoitika nokukurumidza uye asingazvitarisiri. Avhiringidzika, Jobho anoti: “Chokwadi mweya wangu unosemeswa noupenyu hwangu.” Anozvirondedzera semunhu ‘azere nokuzvidzwa uye azere nokutambudzika.’ (Jobho 10:1, 15) Zvisinei, kunyange paanotambura, Jobho anoramba kupandukira Musiki wake. (Jobho 2:10) Haachinjwi nezvinoitika muupenyu hwake. Nokudaro, Jobho muenzaniso wokutsungirira.

Iwewo paunowirwa nenhamo unganzwa ‘uchisemeswa noupenyu hwako.’ Kunyange zvakadaro, unogona kuratidza kuti hauchinji panochinja zvinhu uye kuti hautsuduguki pakutsunga kwako kushumira Jehovha Mwari. Jakobho akanyora kuti: “Tarirai! Tinoti vanofara vaya vakatsungirira. Makanzwa nezvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvaakaitirwa pakupedzisira naJehovha, kuti Jehovha ane rudo rukuru uye ane ngoni.” (Jakobho 5:11) Akaratidza kuva nehanya naJobho, uye ane hanya newe!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe