RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ll chikamu 6 pp. 14-15
  • Tinodzidzei Pane Zvakaitika Pakanaya Mvura Zhinji?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinodzidzei Pane Zvakaitika Pakanaya Mvura Zhinji?
  • Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Mashoko Akafanana
  • Chikamu 6
    Teerera Mwari
  • Kunyeverwa Nezvakamboitika
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Ndivanaani Vakapona Pakanaya Mvura Zhinji, Ndivanaani Vasina?
    Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Chakaita Kuti Mwari Anzwire Noa Nyasha—Chinoita Kuti Tide Kuziva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
ll chikamu 6 pp. 14-15

CHIKAMU 6

Tinodzidzei Pane Zvakaitika Pakanaya Mvura Zhinji?

Mwari akaparadza vakaipa asi akaponesa Noa nemhuri yake. Genesisi 7:11, 12, 23

Areka ichiyangarara, vanhu vakaipa vachinyura mumvura, uye ngirozi dzakapanduka dzichichinja miviri yadzo yenyama

Mvura yakanaya kwemazuva 40 neusiku 40, uye nyika yese yakazara nemvura. Vanhu vese vakaipa vakafa.

Ngirozi dziya dzakapanduka dzakachinja miviri yadzo yenyama uye dzakava madhimoni.

Noa nemhuri yake vachibuda muareka pamwe chete nemhuka uye muraraungu uri kuoneka mudenga

Vaya vaiva muareka vakapona. Kunyange zvazvo Noa nemhuri yake vakazofa, Mwari achavamutsa kuti vararame nekusingaperi.

Mwari achaparadzazve vanhu vakaipa uye achaponesa vanhu vakanaka. Mateu 24:37-39

Satani nemadhimoni ake vanoshandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti vatsause vanhu

Satani nemadhimoni ake vachiri kutsausa vanhu.

Mazuva ano vanhu vakawanda havadi kuteerera Jehovha sezvaiitwa nevanhu vepanguva yaNoa. Nekukurumidza Jehovha achaparadza vanhu vese vakaipa.​—2 Petro 2:5, 6.

Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidzira mumwe murume zvichishandisa Bhaibheri

Kune vamwe vanhu vakaita saNoa. Vanoteerera Mwari uye vanoita zvaanoda; Zvapupu zvaJehovha ndivo vanhu vacho.

  • Sarudza mugwagwa unoenda kuupenyu.​—Mateu 7:13, 14.

  • Vanhu vakaipa vachaparadzwa; vanyoro vachava nerugare.​—Pisarema 37:10, 11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe